Shona

Proverbs

3

1Mwanakomana wangu, usakangamwa kudzidzisa kwangu; Asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu;2nekuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare.3Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pabwendefa romoyo wako;4Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu.5Vimba naJehovha nomoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.6Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.7Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;8Zvichava mushonga womuviri wako, Nezvimwiwa zvamafupa ako.9Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;10Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.11Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake.12nekuti Jehovha anoraira mudikamwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.13Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere.14nekuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokufuma nahwo kunopfuura kufuma nendarama.15Hunokosha kupfuura korari; Hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo.16Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa.17Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare.18Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.19Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere.20Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova.21Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nekungwara.22Ipapo zvichava upenyu hwomweya Noukomba pamutsipa wako.23Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi.24Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.25Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;26nekuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.27Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.28Usati kunowokwako, Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa; Kana uchinge unazvopo.29Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda.30Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa.31Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitovo yake.32nekuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama.33Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwevakarurama.34Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.35Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;