聖經新譯本

Shona

1 Chronicles

15

1搬運約櫃的準備大衛在大衛城為自己建造宮殿,又為 神的約櫃預備地方,就是為它支搭帳幕。
1Dhavhidhi akazvivakira dzimba muguta raDhavhidhi; akagadzirira areka yaMwari nzvimbo, akaidzikira tende.
2那時大衛說:“ 神的約櫃,除了利未人以外,沒有人可以抬,因為耶和華揀選了他們抬 神的約櫃,並且永遠事奉他。”
2Zvino Dhavhidhi akati, Hakuna munhu anofanira kutakura areka yaMwari asi vaRevhi; nekuti ndivo vakatsaurwa naJehovha kutakura areka yaMwari, nokumushumira nokusingaperi.
3於是,大衛把以色列人都招聚到耶路撒冷,要把耶和華的約櫃抬上來,到大衛給它預備好的地方去。
3Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose paJerusaremu kuti vaise areka yaJehovha kunzvimbo yayo, yaakanga aigadzirira.
4大衛又聚集了亞倫的子孫和利未人:
4Dhavhidhi akaunganidza vanakomana vaAroni navaRevhi;
5哥轄子孫中有作領袖的烏列和他的親族一百二十人;
5pakati pavanakomana vaKohati, Urieri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi maviri;
6米拉利子孫中有作領袖的亞帥雅和他的親族二百二十人;
6pakati pavanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri namakumi maviri;
7革順的子孫中有作領袖的約珥和他的親族一百三十人;
7pakati pavanakomana vaGerishomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi matatu.
8以利撒反的子孫中有作領袖的示瑪雅和他的親族二百人;
8Pakati pavanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri;
9希伯崙子孫中有作領袖的以列和他的親族八十人;
9pakati pavanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzina makumi masere;
10烏薛子孫中有作領袖的亞米拿達和他的親族一百一十二人。
10pakati pavanakomana vaUzieri. Aminadhabhu mukuru, nehama dzake dzine zana negumi navaviri.
11大衛把撒督和亞比亞他兩位祭司,以及烏列、亞帥雅、約珥、示瑪雅、以列和亞米拿達幾位利未人,召了來,
11Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiyatari vapristi, navaRevhi vaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadhabhu.
12對他們說:“你們是利未人各家族的首領,你們和你們的親族都要自潔,好把以色列的 神耶和華的約櫃抬上來,到我為它預備的地方去。
12Akati kwavari, Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imwi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira.
13先前沒有你們,耶和華我們的 神就擊打我們,因為我們沒有按照定例尋求他。”
13nekuti nemhaka yokuti hamuna kuitakura pakutanga, Jehovha Mwari wedu akatirova. Nekuti hatina kumutsvaka sezvatakarairwa.
14於是祭司和利未人自潔,好把以色列的 神耶和華的約櫃抬上來。
14Naizvozvo vapristi navaRevhi vakazvinatsa, kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri.
15利未支派的子孫照著耶和華的話,就是摩西所吩咐的,用肩和槓來抬 神的約櫃。
15Vana vaRevhi vakatakura areka yaMwari pamafudzi avo namatanda akanga aripo, sezvakarairwa naMozisi neshoko raJehovha.
16設立歌唱的儀仗隊大衛又吩咐利未支派的領袖,要指派他們的親族負責歌唱,用琴瑟響鈸各種樂器,歡歡喜喜高聲歌唱。
16Dhavhidhi akataura navakuru vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo vave vaimbi vane zvokuridza nazvo, zvaiti mitengeramwa, nembira, namakandira, vazviridze nesimba nokuimbisa nomufaro.
17於是利未人指派了約珥的兒子和他的親族中比利家的兒子亞薩,以及他們的親族米拉利的子孫中古沙雅的兒子以探。
17Ipapo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoeri, napakati pehama dzake, Asafi mwanakomana waBherekia; napakati pavanakomana vaMerari, hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya;
18和他們一起的還有作第二班的,他們的親族:撒迦利雅、便、雅薛、示米拉末、耶歇、烏尼、以利押、比拿雅、瑪西雅、瑪他提雅、以利斐利戶、彌克尼雅,以及守門的俄別.以東和耶利。
18uye pamwechete navo hama dzavo dzeboka rechipiri, Zekariya, naBheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vatariri vemikova.
19歌唱的希幔、亞薩和以探敲打銅鈸,發出響亮的聲音;
19Saizvozvovo vaimbi vaiti Hemani, naAsafi, naEtani, vakagadzwa, vanamakandira endarira kuti vaaridze nesimba;
20撒迦利雅、雅薛、示米拉末、耶歇、烏尼、以利押、瑪西雅和比拿雅敲瑟,調用女高音;
20naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengerangwa ina manzwi matete;
21瑪他提雅、以利斐利戶、彌克尼雅、俄別.以東、耶利和亞撒西雅彈琴領導,調用男低音。
21naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, naAzaziya, vane mbira dzina manzwi makobvu kutungamirira vamwe.
22利未支派的領袖基拿尼雅專責音樂,又教人音樂,因為他精通音樂。
22Kanania mukuru wavaRevhi, ndiye waiimbisa vanhu; ndiye waidzidzisa vanhu kuimba, nekuti akanga ari nyanzvi.
23比利家、以利加拿作看守約櫃的人。
23Bherekia naErikana vakanga vari vatariri vemikova yeareka.
24示巴尼、約沙法、拿坦業、亞瑪賽、撒迦利雅、比拿亞和以利以謝幾位祭司,在 神的約櫃前吹號;俄別.以東和耶希亞也作看守約櫃的人。
24Shebhanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vapristi, ndivo vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; Obhedhi-Edhomu naJehiya vakanga vari vatariri vemikova yeAreka.
25約櫃運進大衛城(撒下6:12~22)於是大衛和以色列的眾長老,以及千夫長一起前去,從俄別.以東的家歡歡喜喜地把耶和華的約櫃抬上來。
25Zvino Dhavhidhi navakuru vaIsiraeri, navakuru vechiuru chamazana, vakandobvisa areka yesungano yaJehovha mumba maObhedhi-Edhomu nomufaro.
26 神幫助了那些抬耶和華約櫃的利未人,他們就獻上七頭公牛和七隻公綿羊。
26Zvino Mwari akati achibatsira vaRevhi vakanga vachitakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira Mwari nzombe nomwe namakondobwe manomwe.
27大衛和所有抬約櫃的利未人,以及歌唱的人和歌唱的人的領袖基拿尼雅,都穿上細麻布的外袍;大衛另外穿上細麻布的以弗得。
27Dhavhidhi akanga akafuka nguvo yomucheka wakanaka, navaRevhi vose vakanga vachitakura areka, navaimbi, naKanania, mudzidzisi wokuimba, pamwechete navaimbi; uye Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.
28這樣,以色列人歡呼、吹角、吹號、敲鈸、鼓瑟、彈琴,大聲奏樂,把耶和華的約櫃抬了上來。
28Saizvozvo vaIsiraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, vachiridza zvikuru mitengeramwa nembira.
29耶和華的約櫃進了大衛城的時候,掃羅的女兒米甲從窗戶往下觀看,看見大衛王跳躍嬉笑,心裡就鄙視他。
29Zvino areka yesungano yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba; akamushora mumoyo make.