1獻祭與祝福他們把 神的約櫃抬了進去,安放在大衛為它所搭的會幕中間,然後在 神面前獻上了燔祭和平安祭。
1Vakapinza areka yaMwari, vakaiisa pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; vakabayira pamberi paMwari zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.
2大衛獻上了燔祭和平安祭以後,就奉耶和華的名給人民祝福。
2Zvino Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha.
3他又分給以色列眾人,無論男女,每人一個餅、一塊肉、一個葡萄餅。
3Akapa mumwe nomumwe wavaIsiraeri, murume nomukadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nebundu ramazambiringa.
4利未人在約櫃前的職務大衛派了一部分利未人,在耶和華的約櫃前事奉、頌揚、稱謝和讚美耶和華以色列的 神。
4Akagadza vashumir pavaRevhi, pamberi peareka yaJehovha, nokurumbidza, nokuvonga, nokukudza Jehovha Mwari waIsiraeri;
5領導的人是亞薩,其次是撒迦利雅、耶利、示米拉末、耶歇、瑪他提雅、以利押、比拿雅、俄別.以東和耶利,他們鼓瑟彈琴,敲打響鈸。
5mukuru waiva Asafi, tevere Zekariya, naJeyieri, naShemiramoti, naJehieri, naMatitia, naEriabhi, naBhenaya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vane mitengeremwa nembira; Asafi airidza kwazvo makandira.
6比拿雅和雅哈悉兩位祭司在 神的約櫃前不住地吹號。
6Bhenaya naJahazieri ndivo vairidza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
7大衛頌讚耶和華之歌(詩105:1~15,96:1~13)那一天,大衛初次指定亞薩和他的親族,以詩歌稱謝耶和華,說:
7Zvino nezuva iro Dhavhidhi akatanga kuraira kuti vavonge Jehovha nomuromo waAsafi nehama dzake:
8“你們要稱謝耶和華,呼求他的名,在萬民中宣揚他的作為。
8Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
9要向他歌唱,向他頌揚,述說他一切奇妙的作為。
9Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
10要以他的聖名為榮,願尋求耶和華的人,心中喜樂。
10Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.
11要尋求耶和華和他的能力,常常尋求他的面。
11Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose.
12他的僕人以色列的後裔啊,他所揀選的雅各的子孫啊,你們要記念他奇妙的作為、他的奇事和他口中的判語。
12Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake.
13
13imwi vana vaIsiraeri, muranda wake, imwi vana vaJakove vasanangurwa vake.
14他是耶和華我們的 神,他的判語達到全地。
14Ndiye Jehovha Mwari wedu, Zvaakatonga zviri pasi pose.
15你們要記念他的約,直到永遠;不可忘記他吩咐的話,直到千代。
15Rangarirai sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru;
16就是他與亞伯拉罕所立的約,他向以撒所起的誓。
16Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka;
17他把這約向雅各定為律例,向以色列定為永約,
17Akazvisimbisira Jakove, kuti ave mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi;
18說:‘我必把迦南地賜給你,作你們的產業的分。
18Achiti, Ndichakupa iwe nyika yeKanani, uve mugove wenhaka yenyu;
19那時你們人丁單薄,數目很少,又是在那地作寄居的。’
19Panguva imwi muchiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo vashoma kwazvo, navatorwa mairi.
20他們從這國走到那國,從一族走到另一族。
20Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kunavamwe vanhu.
21耶和華不容許任何人欺壓他們,曾為了他們的緣故責備君王,
21Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo wakatuka madzimambo nokuda kwavo;
22說:‘不可傷害我所膏的人,不可惡待我的先知。’
22Achiti, Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.
23全地都要向耶和華歌唱,天天傳揚他的救恩。
23Imbirai Jehovha, pasi pose; Paridzirai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe,
24在列國中述說他的榮耀,在萬民中述說他奇妙的作為。
24dudzirai kubwinya. kwake. akati pavahedheni, Namabasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose.
25因為耶和華是偉大的,當受極大的讚美;他當受敬畏,遠在萬神之上。
25nekuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Iye anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.
26萬民的偶像算不得甚麼,唯獨耶和華創造諸天。
26Nekuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha ndiye akaita kudenga-denga.
27尊榮和威嚴在他面前,能力和歡樂在他的聖所。
27Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nomufaro zviri panzvimbo yake;
28萬族萬民啊,你們要歸給耶和華,要把榮耀和能力歸給耶和華。
28Ipai Jehovha, imwi ndudzi dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.
29要把耶和華的名應得的榮耀歸給他,拿著禮物到他面前來,要以聖潔的裝飾敬拜耶和華。
29Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, uyai pamberi pake; Namatai kuna Jehovha mune nguvo tsvene.
30全地要在他面前戰慄;他使世界堅定,不致搖動。
30Dedera pamberi pake, nyika yose Nyikawo yakasimbiswa kuti irege kuzununguswa.
31願天歡喜,願地歡呼,願人在萬國中說:‘耶和華作王了!’
31Kudenga-denga ngakufare, napasi ngapafarisise; Pakati pendudzi ngavati, Jehovha anobata ushe.
32願海和充滿海中的都澎湃,願田和田中的一切都歡欣。
32Gungwa ngaritinhire, nokuzara kwaro; Sango ngarifarisise kwazvo, nezvose zviri mariri;
33那時樹木中的樹木,必在耶和華面前歡呼,因為他來要審判全地。
33Nguva iyo miti yedondo ichaimba nomufaro pamberi paJehovha; nekuti anouya kuzotonga pasi.
34你們要稱謝耶和華,因他是良善的,他的慈愛永遠常存。
34Vongai Jehovha; nekuti akanaka; nekuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.
35你們要說:‘拯救我們的 神啊,求你拯救我們,招聚我們,從萬國中救我們出來,好使我們稱謝你的聖名,以讚美你為誇耀。’
35Muti, Tiponesei, Mwari woruponeso rwedu, Mutiunganidze pamwechete, mutirwire pandudzi, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai.
36耶和華以色列的 神是應當稱頌的,從永遠直到永遠。”全體人民都說阿們,並且讚美耶和華。
36Jehovha Mwari walsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose vakati, Ameni, vakarumbidza Jehovha.
37指派不同的事奉人員於是在那裡,就是耶和華的約櫃前,大衛留下亞薩和他的親族,照著每日的本分,在約櫃前不斷地事奉。
37Zvino akasiyapo pamberi peareka yesungano yaJ ehovha Asafi nehama dzake, kuti vashumire pamberi peareka nguva dzose, sezvakafanira zuva rimwe nerimwe;
38又留下俄別.以東和他們的親族六十八人,以及耶杜頓的兒子俄別.以東和何薩作守門的。
38naObhedhi-Edhomu nehama dzavo, makumi matanhatu navasere; naObhedhi-Edhomuwo mwanakomana waJedhutuni, naHosa, kuti vave vatariri vemikova;
39又留下撒督祭司和他的親族,都是作祭司的。在基遍的高地耶和華的帳幕前,
39nomupristi Zadhoki, nehama dzake vapristi, pamberi petabhenakeri yaJehovha padunhu rakakwirira rakanga riri paGibhiyoni;
40每日早晚不住地在燔祭壇上,把燔祭獻給耶和華,全是照著耶和華吩咐以色列人的律法書上所寫的。
40kuti vabayire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namadeko, paaritari yezvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa zvose mumurayiro waJehovha, waakaraira Isiraeri;
41和他們一起的有希幔、耶杜頓和其餘被選出,有記名的人,都稱謝耶和華,因為他的慈愛永遠常存。
41uye pamwechete navo Hemani naJedhutuni navamwe vakatsaurwa, vakanga varehwa mazita avo, kuti vavonge Jehovha; nekuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi;
42希幔、耶杜頓和他們一起吹號敲鈸,以及演奏各種樂器,大聲歌頌 神。耶杜頓的子孫負責守門。
42uye pamwechete navo Hemani naJedhutuni vane hwamanda namakandira, zvaifanira kuridzwa navaridzi, uye zvokuridzira nziyo dzaMwari; uye vanakomana vaJedhutuni kuti vatarire suwo.
43於是眾民都回去,各人回自己的家;大衛也回去給自己的家人祝福。
43Vanhu vose vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake; Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake.