聖經新譯本

Shona

1 Chronicles

19

1大衛的使者受辱(撒下10:1~5)後來,亞捫人的王拿轄死了,他的兒子接續他作王。
1Shure kwaizvozvo mambo wavana vaAmoni akafa, mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.
2大衛說:“我要恩待拿轄的兒子哈嫩,因為他的父親曾恩待我。”於是大衛差派使者去為了他喪父的事安慰他。大衛的臣僕到了亞捫人境內,去見哈嫩要安慰他。
2Zvino Dhavhidhi akati, Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake. Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika panyika yavana vaAmoni kuna Hanuni, kuzomubata ruoko.
3但亞捫人的眾領袖對哈嫩說:“大衛差派這些慰問的人到你這裡來,你以為他是尊敬你父親嗎?他的臣僕來見你,不是為了窺探、傾覆、偵察這地嗎?”
3Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, Munofunga kuti Dhavhidhi anoda kukudza baba venyu, zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kunzvera, nokuputsa, nokushora nyika here?
4於是,哈嫩拿住大衛的臣僕,剃去他們的鬍鬚,又把他們的衣服,從臀部以下割去半截,然後才放他們走。
4Naizvozvo Hanuni akabata varanda vaDhavhidhi, akaveura ndebvu dzavo, akagura nguvo dzavo napakati kusvikira pamagaro avo, akavadzinga.
5有人去把這些人遭遇的事告訴大衛,他就派人去迎接他們;因為他們非常羞恥,王就說:“你們可以住在耶利哥,等到你們的鬍鬚長長了才回來。”
5Zvino vamwe vakandoudza Dhavhidhi zvakanga zvaitirwa varume. Akatuma vanhu kusangana navo, nekuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.
6亞捫人備戰(撒下10:6~8)亞捫人看見自己與大衛結了仇恨,哈嫩和亞捫人就派人用三萬公斤銀子,從米所波大米、亞蘭瑪迦和瑣巴去雇戰車和馬兵。
6Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vazvivengesa naDhavhidhi, Hanuni navana vaAmoni vakatuma matarenda esirivha ane chiuru chimwe kuzoripa ngoro navatasvi vamabhiza vanobva Mesopotamia, neArimimaaka, neZobha.
7他們雇了三萬二千輛戰車,以及瑪迦王和他的軍隊;他們都來在米底巴前面安營。亞捫人也從他們的各城聚集起來,出來作戰。
7Naizvozvo vakaripira ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namambo weMaaka navanhu vake; ivo vakasvika vakadzika matende avo pamberi peMedhebha. Vana vaAmoni vakaungana vachibva kumaguta avo, vakauya kuzorwa.
8大衛聽見了,就差派約押和全體勇士出去。
8Zvino Dhavhidhi akati achizvinzwa, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vane simba.
9亞捫人出來,在城門前擺陣;前來助陣的列王,也在田野擺陣。
9Vana vaAmoni vakabuda, vakagadzira hondo pavanopinda napo pasuwo; asi madzimambo, akanga auya, aiva pachawo oga pasango.
10亞蘭人與亞捫人敗退(撒下10:9~12)約押看見自己前後受敵,就從以色列所有的精兵中,挑選一部分出來,使他們擺陣去迎戰亞蘭人,
10Zvino Joabhu akati achiona kuti wovavarirwa mberi neshure, akatsaura vamwe kunavakatsaurwa vose vaIsiraeri, akavagadzira kuti varwe navaSiria.
11他把其餘的人交在他兄弟亞比篩手下,使他們擺陣去迎戰亞捫人。
11Vamwe vanhu, vakasara, akavaisa kuna Abhishai, munin'ina wake, vakazvigadzira kuti varwe navana vaAmoni.
12約押對亞比篩說:“如果亞蘭人比我強,你就來幫助我;如果亞捫人比你強,我就去幫助你。
12Akati, Kana vaSiria vakandikurira ini, iwe unofanira kundibatsira; asi kana vana vaAmoni vakakukurira iwe, ini ndichauya kukubatsira.
13你當剛強;為了我們的人民和我們 神的眾城鎮,我們要剛強;願耶和華成全他看為美的行事。”
13Tsunga moyo, tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu savarume; naJehovha ngaaite sezvaanoda.
14大衛擊敗亞蘭人與亞捫人(撒下10:13~19)於是約押和他的軍隊前進,預備作戰攻打亞蘭人;亞蘭人卻在約押面前逃跑了。
14Naizvozvo Joabhu navanhu vaakanga anavo vakaswedera kuzorwa navaSiria, ivo vakatiza pamberi pake.
15亞捫人看見亞蘭人逃跑,他們也在約押的兄弟亞比篩面前逃跑,退回城裡。約押就回耶路撒冷去了。
15Zvino vana vaAmoni vakati vachionawo kuti vaSiria vatiza, naivo vakatizawo saizvozvo pamberi paAbhishai, vakapinda muguta. Ipapo Joabhu akaenda Jerusaremu.
16亞蘭人看見自己在以色列人面前被打敗,就差派使者去把大河那邊的亞蘭人調過來,有哈大底謝的元帥朔法率領他們。
16Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakatuma nhume, vakadana vaSiria vakanga vari mhiri korwizi, vakatungamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadharezeri.
17大衛得到報告,就招聚以色列眾人,渡過約旦河,來到亞蘭人那裡,向他們擺陣。大衛擺好陣迎戰亞蘭人,亞蘭人就與他交戰。
17Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza valsiraeri vose, vakayambuka Joridhani, vakasvika kwavari, akazvigadzira kuzorwa navo. Zvino Dhavhidhi akati azvigadzira kuzorwa navaSiria, ivo vakarwa naye.
18亞蘭人在以色列人面前逃跑;大衛殺了亞蘭人七千輛戰車上的軍兵和四萬步兵。又殺了亞蘭人的元帥朔法。
18VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya pakati pavaSiria varume vengoro dzine zviuru zvinomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shofaki mukuru wehondo.
19哈大底謝的臣僕看見自己在以色列人面前被打敗了,就與大衛議和,臣服了他;於是亞蘭人不敢再幫助亞捫人。
19Zvino varanda vaHadharezeri vakati vachiona kuti vakundwa naIsiraeri vakayanana naDhavhidhi, vakamushumira; vaSiria vakazoramba kubatsira vana vaAmoni.