1約押攻取拉巴(撒下12:26~31)過了年,在列王出征的時候,約押帶領軍兵,毀壞了亞捫人的地方,然後去圍困拉巴。那時大衛住在耶路撒冷。約押攻打拉巴,把城摧毀。
1Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Joabhu akaenda nehondo ine simba, akaparadza nyika yavana vaAmoni, akandokomba Rabha. Asi Dhavhidhi akasara Jerusaremu. Joabhu akakunda Rabha, akariputsa.
2大衛從米勒公神像的頭上取下金冠,發現金子淨重三十公斤,又有一塊寶石嵌在上面;有人把這冠冕戴在大衛的頭上;大衛從城裡奪走了大批戰利品。
2Dhavhidhi akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake, akawana kuti inosvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha ikaiswa pamusoro waDhavhidhi; akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.
3又把城裡的眾民拉出來,要他們用鋸子、鐵鏟和斧子作工;大衛待亞捫各城的人都是這樣。後來大衛和眾民都回耶路撒冷去了。
3Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavacheka namajeko, nembambo dzamatare, uye namasanhu. Dhavhidhi akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.
4三敗非利士人(撒下21:15~22)這事以後,以色列人在基色與非利士人交戰;那時戶沙人西比該擊殺了巨人的一個兒子細派,非利士人就被制伏了。
4Zvino shure kwaizvozvo kurwa kukazomuka paGezeri navaFirisitia; Shibhekai muHushati, akauraya Sipai, mumwe wavanakomana vaRafa.
5後來,以色列人與非利士人再次交戰,睚珥的兒子伊勒哈難,擊殺了迦特人歌利亞的兄弟拉哈米;這人的槍桿好像織布機軸一樣。
5Vakarwazve navaFirisitia; Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami munin'ina waGoriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki.
6後來,在迦特又有戰事;那裡有一個身材高大的人,手腳各有六指,共有二十四根指頭;他也是巨人的兒子。
6Vakarwazve paGati, pakanga pano munhu murefu kwazvo, akanga ane mimwe nezvigumwe zvose zvina makumi maviri nezvina, mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvitanhatu parutsoka rumwe norumwe; naiyewo akanga akaberekerwa Rafa.
7這人侮辱以色列人,大衛的哥哥示米亞的兒子約拿單就把他擊殺了。
7Zvino akati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munin'ina waDhavhidhi akamuuraya.
8這些人是迦特巨人的兒子,都死在大衛和他僕人的手下。
8Ndivo vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.