1問安奉 神旨意蒙召作基督耶穌使徒的保羅,和蘇提尼弟兄,
1Pauro wakadamwa kuva muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, naSositenesi hama,
2寫信給在哥林多 神的教會,就是在基督耶穌裡已經被分別為聖,蒙召為聖徒的人,和所有在各地呼求我們主耶穌基督的名的人。基督是他們的主,也是我們的主。
2kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadamwa kuva vatsvene, pamwe nevose vanodana panzvimbo dzose kuzita raIshe wedu Kristu Jesu, zvose wavo newedu:
3願恩惠平安從我們的父 神和主耶穌基督臨到你們。
3Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4為信徒感謝 神我因著 神在基督耶穌裡賜給你們的恩典,常常為你們感謝我的 神,
4Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose nekuda kwenyu, nekuda kwenyasha dzaMwari dzamakapiwa muna Kristu Jesu;
5因為你們在他裡面凡事都富足,很有口才,知識豐富,
5kuti pachinhu chose makafumiswa maari, pakutaura kose neparuzivo rwose,
6就如我們為基督所作的見證在你們中間得到堅立一樣,
6sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;
7以致你們在恩賜上一無所缺,殷切盼望著我們主耶穌基督的顯現;
7kuti hamusariri pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
8他也必堅定你們到底,使你們在我們主耶穌基督的日子無可指摘。
8uchakusimbisaiwo kusvikira pakuguma, musina mhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
9 神是信實的,他呼召了你們,是要你們與他的兒子我們主耶穌基督連合在一起。
9Mwari wakatendeka, wamakadamwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.
10基督是分開的嗎?弟兄們,我憑著我們主耶穌基督的名,勸你們大家要同心,在你們中間不要分黨,只要在同一的心思、同一的意念上團結起來。
10Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mose mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu; asi kuti mubatanidzwe pamwe zvakazara pamurangariro umwe nemaonero mamwe.
11我的弟兄們,革來氏家裡的人向我提到你們,說你們中間有紛爭。
11Nekuti ndakanyatsoudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.
12我的意思就是,你們各人說,我是保羅派的,我是亞波羅派的,我是磯法派的,我是基督派的。
12Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, asi ini waAporo, asi ini waKefasi, asi ini waKristu.
13基督是分開的嗎?保羅為你們釘了十字架嗎?你們受洗是歸入保羅的名下嗎?
13Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchunjikwa imwi here? Kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
14我感謝 神,除了基利司布和該猶以外,我沒有給你們任何人施過洗,
14Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;
15所以你們沒有人可以說是受洗歸入我名下的。
15kuti kurege kuva neungati ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.
16我也給司提反一家的人施過洗;此外,有沒有給別人施過洗,我就不記得了。
16Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kwaivava handizivi kana ndakabhabhatidza umwe.
17基督差遣我,不是要我去施洗,而是去傳福音;不是靠著智慧的言論去傳,免得基督的十字架失去了效力。
17Nekuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuti ndiparidze evhangeri; kwete nenjere dzemashoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKrsitu ushaiswe maturo.
18基督是 神的能力和智慧因為十字架的道理,對走向滅亡的人來說是愚笨的,但對我們這些得救的人,卻是 神的大能。
18Nekuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi; asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
19因為經上記著說:“我要滅絕智慧人的智慧,廢棄聰明人的聰明。”
19Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, Ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevazivi.
20智慧人在哪裡?經學家在哪裡?今世的辯士在哪裡? 神不是使屬世的智慧變成了愚笨嗎?
20Uripi wakachenjera? Uripi munyori? Uripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?
21因為在 神的智慧裡,世人憑自己的智慧,既然不能認識 神, 神就樂意藉著所傳的愚笨的道理,去拯救那些信的人。
21Nekuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza neuchenjeri hwayo haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari kubudikidza neupenzi hwekuparidza kuponesa vanotenda.
22猶太人要求神蹟,希臘人尋找智慧,
22Nekuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, nevaGiriki vanotsvaka uchenjeri;
23我們卻傳揚釘十字架的基督;在猶太人看來是絆腳石,在外族人看來是愚笨的,
23asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuvaJudha chigumbuso, nekuvaGiriki upenzi;
24但對那些蒙召的人,不論是猶太人或希臘人,基督是 神的能力, 神的智慧。
24asi kune vakadamwa, vose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;
25因為 神的愚笨總比人智慧, 神的軟弱總比人剛強。
25Nekuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura vanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura vanhu.
26弟兄們,你們想想,你們這些蒙召的,按人來看有智慧的不多,有權勢的不多,出身尊貴的也不多。
26Nekuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama, havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa;
27但是 神卻揀選了世上愚笨的,使那些有智慧的羞愧。他也揀選了世上軟弱的,使那些剛強的羞愧。
27asi Mwari wakatsaura zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba;
28他也揀選了世上卑賤的和被人輕視的,以及算不得甚麼的,為了要廢棄那些自以為是的,
28Nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinoshorwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;
29使所有的人在 神面前都不能自誇。
29kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi pake.
30你們因著 神得以在基督耶穌裡,他使基督成了我們的智慧;就是公義、聖潔和救贖,
30Asi kwaari imwi muri muna Kristu Jesu, iye wakaitirwa isu uchenjeri hwunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikinuro.
31正如經上所說的:“誇口的應當靠著主誇口。”
31Kuti maererano sezvazvakanyorwa zvichinzi: Uyo unozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.