1推薦非比我向你們推薦我們的姊妹非比;她是堅革里教會的執事。
1Ndinoreverera kwamuri Fibhi, hanzvadzi yedu, murandakadzi wekereke iri paKenikireya.
2請你們在主裡用合乎聖徒身分的態度去接待她。無論她在甚麼事上有需要,請你們都幫助她;因為她曾經幫助許多人,也幫助了我。
2Kuti mumugamuchire muna Ishe, sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire pazvinhu zvose, zvaangashaiwa kwamuri; nekuti iye amene wakava mumiririri wevazhinji, newanguwo ndomene.
3保羅問候眾聖徒問候在基督耶穌裡與我同工的百基拉和亞居拉;
3Kwazisai Prisira naAkwira, vanoshanda pamwe neni muna Kristu Jesu.
4他們為了我的性命,置生死於度外,不但我感激他們,連外族的眾教會也感激他們。
4Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mitsipa yavo, vandisingavongi ini ndoga asiwo nekereke dzose dzevahedheni;
5也問候他們家裡的教會。問候我親愛的以拜尼妥,他是亞西亞省第一個歸入基督的人。
5nekereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto, mudikamwa wangu, unova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu.
6問候馬利亞,她為你們多多勞苦。
6Kwazisai Maria, wakatishandira zvikuru.
7問候曾經與我一同被囚的親族安多尼古和猶尼亞;他們在使徒中是有名望的,也比我先在基督裡。
7Kwazisai Andoroniko naJunia, hama dzangu, navakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.
8問候在主裡我親愛的暗伯利。
8Kwazisai Ambiriyasi, mudikamwa wangu muna Ishe.
9問候在基督裡與我們同工的珥巴努和我親愛的士達古。
9Kwazisai Obhano, mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikamwa wangu.
10問候在基督裡蒙稱許的亞比利。問候亞里斯多博家裡的人。
10Kwazisai Apere unotendwa muna Kristu. Kwazisai vokwaArisitobhuro.
11問候我的親族希羅天。問候拿其舒家中在主裡的人。
11Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisaiwo vokwaNakiso, vari muna Ishe.
12問候在主裡勞苦的土非拿和土富撒。問候親愛的彼息;她在主裡多多勞苦。
12Kwazisai Trufaina naTrufosa, vanobata muna Ishe. Kwazisai Pesisi mudikamwa, wakabata zvikuru muna Ishe.
13問候在主裡蒙揀選的魯孚和他的母親;她也是我在主裡的母親。
13Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake nevangu.
14問候亞遜其都、弗勒干、赫米、百羅巴、赫馬,以及和他們在一起的弟兄們。
14Kwazisai Asingirita, Firegoni, Hemasi, Patrobhasi, Hemesi, nehama dzinavo.
15問候非羅羅哥和猶利亞,尼利亞與他的姊妹和阿林巴,以及同他們在一起的眾聖徒。
15Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi, nehanzvadzi yake, naOrimba, navatsvene vose vanavo.
16你們要用聖潔的親嘴彼此問安。基督的眾教會都問候你們。
16Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Kereke dzaKristu dzinokukwazisai.
17提防背道的人弟兄們,我勸你們要提防那些離間你們、絆倒你們、使你們違反你們所學的教義的人。你們也要避開他們,
17Zvino ndinokukumbirisai hama, kuti mungwarire avo vanopesanisa nezvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, muvanzvenge.
18因為這樣的人不服事我們的主基督,只服事自己的肚腹,用花言巧語欺騙老實人的心。
18Nekuti vakadaro havashumiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye nemashoko akanaka nekutaura kwakanaka, vanonyengera moyo yevasina mhosva.
19你們的順服已經名聞各處,所以我為你們高興。我願你們在善事上有智慧,在惡事上毫不沾染。
19Nekuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina mhosva kune zvakaipa.
20賜平安的 神快要把撒但踐踏在你們腳下。願我們主耶穌的恩惠與你們同在。
20Zvino Mwari werugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.
21問安和頌讚我的同工提摩太和我的親族路求、耶遜和所西巴德都問候你們。
21Timotio, mushandi pamwe neni naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai.
22(我──代筆寫這封信的德圖──也在主裡問候你們。)
22Ini Tetiosi, unonyora tsamba iyi, ndinokukwazisai muna Ishe.
23那接待我也接待全教會的該猶,問候你們。本城的司庫以拉都和夸圖弟兄問候你們。
23Gayosi, muchingamiri wangu newekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemari yeguta, unokukwazisai, naKwatosi hama.
24(有些抄本有第24節:“願我們主耶穌基督的恩惠,與你們眾人同在。阿們。”)
24Nyasha dza Ishe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemwi mose. Ameni.
25 神能依照我所傳的福音和耶穌基督所傳的信息,照著他奧祕的啟示,堅定你們。
25Zvino kuna iye unogona kukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvakange zvakavanzwa nguva dzakare.
26這奧祕自古以來祕而不宣,但現在藉著眾先知所寫的,照著永恆的 神的諭旨,已經向萬國顯明出來,使他們相信而順服。
26asi ikozvino zvinoratidzwa, uye neMagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ose, pakuteerera kwerutendo;
27願榮耀藉著耶穌基督,歸給獨一全智的 神,直到永遠。阿們。
27kuna Mwari iye wakachenjera oga, ngakuve nokurumbidzwa naJesu Kristu nekusingaperi. Ameni.