1以史為鑒弟兄們,我不願意你們不知道,我們的祖宗都曾經在雲下,都曾經從海中經過,
1Pamusoro pazvo hama handidi kuti murege kuziva, kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore sei, uye vose vakayambuka nemugungwa,
2都曾經在雲裡在海裡受洗歸於摩西。
2uye vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa;
3他們都吃了一樣的靈糧,
3uye vose vakadya chikafu chimwe chemweya,
4都喝了一樣的靈水;他們所喝的,是從那隨著他們的靈磐石那裡來的,這磐石就是基督。
4uye vose vakamwa zvimwiwa zvimwe zvemweya, nekuti vakamwa padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu.
5但他們大多數的人,都得不到 神的喜悅,因此他們都死在曠野。
5Asi neruzhinji rwavo Mwari haana kufadzwa; nekuti vakaparadzwa murenje.
6這些事都是我們的鑒戒,叫我們不要貪戀惡事,像他們那樣。
6Zvino zvinhu izvi zvakava zvifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvinhu zvakaipa, sezvavakashuvawo.
7你們也不可拜偶像,像他們有些人那樣;正如經上所記:“人民坐下吃喝,起來玩樂。”
7Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekumwa, vakasimuka kutamba.
8我們也不可淫亂,像他們有些人那樣,一天就死了二萬三千人。
8Uye ngatirege kuita upomhwe, sevamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu.
9我們也不可試探主,像他們有些人那樣,結果就被蛇咬死了。
9Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.
10你們也不可發怨言,像他們有些人那樣,就被那毀滅者所滅。
10Murege kun'un'una sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi.
11這些事發生在他們身上,作為鑒戒,並且記下來,為了要警戒我們這些末世的人。
11Zvino zvinhu izvi zvose zvakavawira kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nekuguma kwenyika.
12所以,那自以為站得穩的,應當謹慎,免得跌倒。
12Naizvozvo unofunga kuti umire ngaachenjere, zvimwe ungawa.
13你們所受的試探,無非是人受得起的; 神是信實的,他必不容許你們受試探過於你們抵受得住的,而且在受試探的時候,必定給你們開一條出路,使你們能忍受得住。
13Hakuna muidzo wakakubatai kunze kwewakajairika kuvanhu vose; asi Mwari wakatendeka, usingatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe nemuidzo uchaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.
14不可喝主的杯又喝鬼的杯所以,我所親愛的,你們要遠避拜偶像的事。
14Naizvozvo, vadikamwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
15我是對明白事理的人說的,我所說的你們要自己判斷。
15Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi zvisarudzirei zvandinotaura.
16我們為福杯祝禱的時候,難道不是共享基督的血嗎?我們擘餅的時候,難道不是共享基督的身體嗎?
16Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here?
17因為事實上只有一個餅,我們人數雖多,還是一個身體,因為我們都是分享同一個餅。
17Nekuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nekuti isu tose tinogovana chingwa chimwe.
18你們看看以色列人,那些吃祭物的不就是與祭壇有分嗎?
18Tarirai Israeri panyama; vanodya zvibayiro havasi ivo vanodyidzana nearitari here?
19我說的是甚麼意思呢?偶像算得甚麼,還是祭過偶像的食物算得甚麼?
19Zvino ndotii? Kuti chifananidzo chinhu here? kana chakabayirwa chifananidzo chinhu here?
20我是說,教外人所祭的是鬼,不是獻給 神;我卻不願意你們與鬼來往。
20Asi kuti zvinhu zvinobayirwa nevahedheni, vanozvibayira madhimoni kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni.
21你們不能喝主的杯又喝鬼的杯,你們不能參加主的筵席又參加鬼的筵席。
21Hamungamwi mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamungagovani patafura yaIshe nepatafura yemadhimoni.
22難道我們要激起主的忿怒嗎?我們比他更強嗎?
22Ko tinozvimutsira godo Ishe here? Takasimba kumupfuura here?
23凡事都要榮耀 神甚麼事情都可以作,但不是都有益處。甚麼事情都可以作,但不是都能造就人。
23Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvibatsiri. Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvivaki.
24人不要求自己的好處,卻要求別人的好處。
24Kusava neunozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe.
25肉食市場所賣的一切,你們只管吃,不要為了良心的緣故問甚麼,
25Idyai zvose zvinotengeswa pamisika yenyama musingabvunzi chinhu nekuda kwehana;
26因為地和地上所充滿的都是屬於主的。
26Nekuti nyika ndeyaIshe nekuzara kwayo.
27如果有不信的人邀請你們吃飯,你們也願意去,凡擺在你們面前的,都可以吃,不要為了良心的緣故問甚麼。
27Zvino kana mumwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, zvose zvinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana.
28但是如果有人告訴你們:“這是獻過祭的食物。”那麼,為了那告訴你們的人,也為了良心的緣故,就不要吃。
28Asi kana mumwe akati kwamuri: Ichi chakabayirwa kuzvifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye nekuda kwehana; nekuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.
29我說的良心,不是你的,而是他的。為甚麼我的自由要受別人的良心論斷呢?
29Asi hana ndinoti, isati iri yako asi yeumwe; nekuti kusununguka kwangu kunoenzanisirwei nehana yeumwe?
30我若存著感恩的心吃了,為甚麼我因著我所感恩的食物被人毀謗呢?
30Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagonyomberwei nekuda kwechinhu chandinovonga?
31所以,你們或吃喝,或作甚麼,一切都要為 神的榮耀而行。
31Naizvozvo kana muchidya kana kumwa kana chipi nechipi chamunoita, itai zvose kuti Mwari akudzwe.
32無論是猶太人,是希臘人,是 神的教會,你們總不可使他們跌倒;
32Regai kugumbusa zvose kuvaJudha kana kuvaGiriki kana kukereke yaMwari.
33就好像我所作的一切,都是要使大家喜悅,不是要求自己的好處,而是要求別人的好處,為了要使他們得救。
33Seniwo ndinofadza vose pazvose, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwavazhinji, kuti vaponeswe.