1信徒的爭執應由教會審判你們中間有人和弟兄起了爭執,怎敢告到不義的人面前,卻不告在聖徒面前呢?
1Kune mumwe wenyu here unoti anemhosva neumwe ungatsunga kumumhan'arira kuna vasakarurama, akasamumhan'arira kuvatsvene?
2你們不知道聖徒要審判世界嗎?既然世界要由你們來審判,難道你們不配審判這些最小的事嗎?
2Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, Hamuna kufanira kutonga mhosva duku-duku here?
3你們不知道我們要審判天使嗎?何況今生的事呢?
3Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu hwuno?
4你們既然要審判今生的事,為甚麼讓教會不重視的人來審判呢?
4Zvino kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu hwuno mudziise kuti vatonge avo vanozvidzwa pakereke.
5我說這話,是要使你們羞愧。難道你們中間沒有一個有智慧的人,能夠審判弟兄之間的事嗎?
5Ndinotaura kuti munyare. Ndizvo here kuti hakuna munhu wakachenjera pakati penyu, kana neumwe, ungagona kutonga pakati pehama nehama dzake?
6你們竟然是弟兄告弟兄,而且告到不信的人面前去嗎?
6Asi hama inomhan'arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi.
7你們彼此告狀,已經是你們的失敗了。為甚麼不寧願受委屈呢?為甚麼不甘心吃虧呢?
7Zvino naizvozvo patova nemhosva kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kukanganisirwa pakudaro? Munoregereiko kutenda kubiridzirwa pakudaro?
8但你們反倒使人受委屈,叫人吃虧,而且他們就是你們的弟兄。
8Asi imwi munotadza nekubiridzira, izvozvi munozviita kuhama.
9你們不知道不義的人不能承受 神的國嗎?不要自欺,無論是行淫亂的、拜偶像的、姦淫的、作孌童的、親男色的、
9Ko hamuzivi here kuti vasakarurama havangagari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana mbodza, kana vanorara navamwe varume,
10偷竊的、貪心的、醉酒的、辱罵人的或勒索的,都不能承受 神的國。
10kana mbavha, kana vachivi, kana zvidhakwa, kana vanyombi, kana makororo, vachagara nhaka yeushe hwaMwari.
11你們有些人從前也是這樣的,但現在藉著我們主耶穌基督的名,靠著我們 神的靈,都已經洗淨了,聖潔了,稱義了。
11vamwe venyu vakange vakaita seizvozvo; asi imwi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu.
12要用身體榮耀 神甚麼事我都可以作,但不是都有益處。甚麼事我都可以作,但我不要受任何事的轄制。
12Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvibatsiri. Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri asi handitongwi nechinhu.
13食物是為了肚腹,肚腹是為了食物;但 神卻要把這兩樣都廢掉。身體不是為了淫亂,而是為了主,主也是為了身體。
13chikafu ndechedumbu, nedumbu nderechikafu; asi Mwari uchaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupomhwe, asi waIshe, naIshe vemuviri;
14 神不但使主復活了,也要用他的能力使我們復活。
14Uye Mwari wakamutsa Ishe uye uchatimutsa isu nesimba rake.
15你們不知道你們的身體就是基督的肢體嗎?這樣,我們可以把基督的肢體當作娼妓的肢體嗎?當然不可以!
15Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro!
16你們不知道那跟娼妓苟合的,就是與她成為一體了嗎?因為經上說:“二人要成為一體。”
16Ko hamuzivi kuti wakabatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nekuti ava vaviri, unoti, vachava nyama imwe.
17但那與主聯合的,就是與他成為一靈了。
17Asi wakabatanidzwa naIshe, wava mweya umwe naye.
18你們要逃避淫亂的事。人所犯的,無論是甚麼罪,都是在身體以外,唯有行淫亂的,是觸犯自己的身體。
18Tizai upombwe. Chivi chose munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi unoita upomhwe unotadzira muviri wake amene.
19你們不知道你們的身體就是那位住在你們裡面的聖靈的殿嗎?這聖靈是你們從 神那裡領受的。你們不是屬於自己的,
19Ko hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene, uri mamuri, wamunawo uchibva kuna Mwari, uye imwi hamuzi venyu?
20因為你們是用重價買來的。所以你們務要用自己的身體榮耀 神。
20Nekuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu uye mumweya wenyu iri yaMwari.