聖經新譯本

Shona

1 Corinthians

7

1婚姻的問題關於你們信上所提的事,我認為男人不親近女人倒好。
1Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanakira munhu kuti arege kubata mukadzi.
2但為了避免淫亂的事,男人應當各有自己的妻子,女人也應當各有自己的丈夫。
2Asi nekuda kweupombwe, murume umwe neumwe ngaave nemukadzi wake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake.
3丈夫對妻子應該盡他的本分,妻子對丈夫也應當這樣。
3Murume ngaaripire mukadzi zvakamufanira; nemukadzi saizvozvowo kumurume.
4妻子對自己的身體沒有主權,權在丈夫;照樣,丈夫對自己的身體也沒有主權,權在妻子。
4Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake, asi mukadzi.
5夫妻不可彼此虧負,除非為了要專心禱告,雙方才可以同意暫時分房。以後仍要同房,免得撒但趁著你們情不自禁的時候誘惑你們。
5Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
6我說這話是容許你們,並不是命令。
6Asi ndinotaura izvi nemvumo, kwete nemurairo.
7我願人人都像我一樣;只是各人有各人從 神得來的恩賜,有人是這樣,有人是那樣。
7Nekuti ndinoda kuti dai vanhu vose vava seni. Asi munhu umwe neumwe une chipo chake chinobva kuna Mwari, mumwe cherudzi urwu, mumwe cheurwo.
8我現在要對未婚的人和寡婦說,他們若保持像我這樣就好了;
8Asi ndinoti kune vasina kuwana nechirikadzi: Zviri nani kwavari kana vachigara seni.
9但如果不能自制,就應當結婚,因為結婚總比慾火焚身好。
9Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nekuti zviri nani kuti vawane pakutsva.
10我要吩咐已婚的人(其實不是我,而是主吩咐的),妻子不可離開丈夫。
10Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini asi Ishe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,
11如果離開了,就不可再嫁,不然,就要跟丈夫復合。丈夫也不可離棄妻子。
11Asi kana iye achibva, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume wake, nemurume ngaarege kurasa mukadzi wake.
12我要對其餘的人說(是我說的,不是主說的),倘若某弟兄有不信的妻子,而她也情願和他住在一起,他就不要離棄她。
12Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe, Kana hama ine mukadzi usingatendi, kana iye achida kugara naye, ngaarege kumurasa.
13如果妻子有不信的丈夫,而他也情願和她住在一起,她也不要離棄丈夫。
13Nemukadzi une murume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumusiya.
14因為不信的丈夫因著妻子成為聖潔,不信的妻子也因著那個弟兄成為聖潔了。不然,你們的兒女就是不潔淨的,但現在他們都是聖潔的了。
14Nekuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene.
15如果那不信的要離去,就由他離去吧;在這種情形之下,信主的弟兄或姊妹都不必勉強。 神呼召你們,是要你們和睦。
15Zvino kana usingatendi achizviparadzanisa, ngaaende. Hamarume kana hamakadzi haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakatidanira kurugare.
16你這作妻子的,你怎麼知道不能救你的丈夫呢?你這作丈夫的,你怎麼知道不能救你的妻子呢?
16Nekuti unozivei iwe mukadzi, zvimwe uchaponesa murume wako? Kana iwe murume unozivei, zvimwe uchaponesa mukadzi wako?
17保持蒙召時的身分不過,主怎樣分給各人, 神怎樣呼召各人,各人就要照著去行事為人。我也這樣吩咐各教會。
17Asi Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.
18有人受了割禮而蒙召的嗎?他就不要遮掩割禮的記號。有人未受割禮而蒙召的嗎?他就不要受割禮。
18Kune mumwe here wakadamwa adzingiswa? Ngaarege kuzova usakadzingiswa. Kune umwe here wakadamwa asakadzingiswa, ngaaarege kudzingiswa.
19割禮算不得甚麼,沒有割禮也算不得甚麼,要緊的是遵守 神的命令。
19Dzingiso hachizi chinhu, nekusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.
20各人蒙召的時候怎樣,他就應當保持原來的情況。
20Umwe neumwe ngaagare pakudamwa kwaakadamwa nako.
21你蒙召的時候是作奴僕的嗎?不要為此煩惱。但如果你能夠得到自由,就要把握這機會。
21Wakadamwa uri muranda here? Usazvidya moyo nazvo; asi kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise.
22因為作奴僕的蒙了主的呼召,就是屬於主的自由人了;照樣,自由的人蒙了呼召,他就是基督的奴僕了。
22Nekuti uyo wakadamwa muna Ishe, ari muranda, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadamwa akasununguka, muranda waKristu.
23你們是用重價買來的,不要作人的奴僕。
23Makatengwa nemutengo; musava varanda vevanhu.
24弟兄們,你們各人蒙召的時候怎樣,就應當在 神面前保持這原來的情況。
24Umwe neumwe zvaakadanirwa, hama, ngaagare pane izvozvo naMwari.
25未婚、守獨身、守寡的問題關於守獨身的女子,我沒有主的命令,但我既然蒙了主的憐憫,成為可信靠的人,就把我的意見提出來。
25Zvino maererano nemhandara, handina murairo waIshe; asi ndinotema sewakawana tsitsi dzaIshe kuva wakatendeka.
26為了目前的困難,我認為人最好能保持現狀。
26Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti zvidai.
27你已經有了妻子嗎?就不要想擺脫。你還沒有妻子嗎?就不要去找妻子。
27Wakabatanidzwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi.
28如果你娶妻子,這不是犯罪;如果處女出嫁,也不是犯罪。不過,這樣的人要受肉體上的苦難,我卻不願你們受這苦難。
28Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana ichiwanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.
29弟兄們,我是說時候不多了。從今以後,有妻子的要像沒有妻子的,
29Asi zvino izvi ndinozvitaura hama, kuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vane vakadzi vave sevasina;
30哀哭的要像不哀哭的,快樂的要像不快樂的,買了東西的要像一無所得的,
30nevanochema, sevasingachemi; nevanofara sevasingafari; nevanotenga sevasina chinhu;
31享用世上百物的要像沒有享用的一樣,因為這世上的情況都要過去。
31nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi; nekuti chimiro chenyika ino chinopfuura.
32我願你們無所掛慮。沒有娶妻子的人,掛念的是主的事,想怎樣去得主喜悅;
32Zvino ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Usina kuwana unofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ungafadza Ishe sei;
33但娶了妻子的人是為世上的事掛慮,想怎樣去討妻子的歡心,
33asi wakawana, unofunganya zvinhu zvenyika, kuti ungafadza mukadzi sei.
34這樣他就分心了。沒有結婚的婦女和守獨身的女子,掛念的是主的事,好讓身體和心靈都成為聖潔;但結了婚的婦女是為世上的事掛慮,想怎樣去討丈夫的歡心。
34Pane musiyano pakati pemukadzi nemhandara. Usina kuwanikwa unofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvose pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa unofunganya zvinhu zvenyika, kuti ungafadza murume sei.
35我說這話,是為了你們自己的益處;我不是要限制你們,而是要你們作合宜的事,一心一意地對主忠誠。
35Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu asi kuti mufambe zvakafanira nekunamatira Ishe musingakanganiswi.
36如果有人認為是虧待了自己的女朋友,她也過了結婚的年齡,而他覺得應當結婚,他就可以照著自己的意思去作,這不是犯罪;他們應該結婚。
36Asi kana mumwe achifunga kuti haazvibati zvakafanira kumhandara yake, iyo yakura, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawaniswe.
37但如果他心裡堅決,沒有甚麼不得已的原因,又可以控制自己的意志,決心讓女朋友持守獨身;這樣作也是好的。
37Asi unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi chinhu, asi ane simba pamusoro pechido chake, akatema mumoyo make kuti uchachengeta mhandara yake unoita zvakanaka.
38所以,那跟自己的女朋友結婚的,作得好,那不結婚的,作得更好。(或譯:“36如果有人認為待自己的女兒不合適,她也過了結婚的年齡,而且應當這樣行,他就可以照著自己的意思去作,讓她們結婚,這不是犯罪。37但如果他心裡堅定,沒有甚麼不得已的原因,又有權作主,決心留下自己的女兒,這樣作也是好的。38所以,那讓自己女兒出嫁的,作得好,那不讓女兒出嫁的,作得更好。”)
38Naizvozvo uyo unowananisa unoita zvakanaka; asi usingawananisi unoita zvinopfuura.
39丈夫活著的時候,妻子是受約束的;丈夫若死了,她就可以自由地嫁給她願意嫁的人,只是要嫁給主裡的人。
39Mukadzi wakasungwa nemurairo kana murume wake achingova mupenyu chete; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda; asi muna Ishe chete.
40然而照我的意見,倘若她能守節,就更有福了。我想我這話也是 神的靈感動的。
40Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu uye ndinofungawo kuti neni ndine Mweya waMwari.