聖經新譯本

Shona

1 Corinthians

8

1祭過偶像的食物的問題關於祭過偶像的食物,我們曉得我們都有知識。但知識會使人自高自大,唯有愛心能造就人。
1Zvino pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunosimbisa.
2如果有人自以為知道些甚麼,那麼,他應該知道的,他還是不知道。
2Uye kana ani nani achifunga kuti unoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva.
3如果有人愛 神,這人是 神所知道的。
3Asi kana ani nani achida Mwari, ndiye unozikamwa naye.
4關於吃祭過偶像的食物,我們知道世上的偶像算不得甚麼,也知道 神只有一位,沒有別的神。
4Naizvozvo maererano nekudya zvinhu izvo zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.
5雖然有被稱為神的,無論在天上或在地上(就如有許多的“神”許多的“主”),
5Nekuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),
6然而我們只有一位 神,就是父;萬物都是從他而來,我們也為了他而活。我們也只有一位主,就是耶穌基督;萬物都是藉著他而有的,我們也是藉著他而有的。
6asi kwatiri kuna Mwari mumwe, Baba, kwaari kunobva zvinhu zvose, nesu tiripo naye; naIshe umwe, Jesu Kristu; kwaari kunobva zvinhu zvose, nesu tiripo naye.
7不過,這種知識不是人人都有的。有些人直到現在習慣了拜偶像的事,因此他們吃的時候,就把這些食物看作是真的獻過給偶像的;他們的良心既然軟弱,就被污穢了。
7Asi ruzivo harwuko kwavari vose; nekuti vamwe vachine hana dzechifananidzo kusvikira zvino, vanodya sezvakabayirwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.
8其實食物不能使我們親近 神,我們不吃也無損,吃也無益。
8Zvino chikafu hachingatiswededzi kuna Mwari; nekuti kunyange tichidya, hazvirevi kuti tine mubairo; uye kana tisingadyi, hazvirevi kuti tinorashikirwa.
9然而你們要謹慎,免得你們這自由成了軟弱的人的絆腳石。
9Asi chenjerai, kuti kodzero yenyu iyi irege kuva chigumbuso kune avo vasina simba.
10因為如果有人看見你這有知識的人,在偶像的廟裡吃飯,他的良心若是軟弱,他不就放膽去吃那祭過偶像的食物嗎?
10Nekuti kana mumwe achikuona iwe une ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yaiyeye usinesimba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here?
11因此,基督已經為他死了的那軟弱的弟兄,就因你的知識而滅亡了。
11Uye kubudikidza neruzivo rwako hama iyo isina simba ichaparara, Kristu yaakafira.
12你們這樣得罪弟兄,傷了他們軟弱的良心,就是得罪基督了。
12Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.
13所以,如果食物使我的弟兄跌倒,我就永遠不再吃肉,免得使我的弟兄跌倒了。
13Naizvozvo kana chikafu chichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.