聖經新譯本

Shona

1 John

5

1信心使我們勝過世界凡信耶穌是基督的,都是從 神生的,凡愛那生他的,也必愛那從他而生的。
1Umwe neumwe unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa naMwari; umwe neumwe, unoda iye wakabereka unodawo wakaberekwa naye.
2我們若愛 神,並且遵行他的命令,就知道我們是愛 神的兒女了。
2Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, zvekare tichichengeta mirairo yake.
3我們遵守 神的命令,就是愛他了;而且他的命令是不難遵守的,
3Nekuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; zvakare mirairo yake hairemi.
4因為凡從 神生的就勝過世界。使我們勝過世界的,就是我們的信心。
4Nekuti chipi nechipi chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, iko rutendo rwedu.
5勝過世界的是誰呢?不就是那信耶穌是 神的兒子的嗎?
5Ndianiko unokunda nyika, kunze kwaiye unotenda kuti Jesu Kristu ndiye mwanakomana waMwari?
6 神為他兒子作的見證那藉著水和血來的就是耶穌基督,不是單用水,而是用水又用血;作見證的是聖靈,因為聖靈就是真理。
6ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yoga, asi nemvura neropa. Zvakare Mweya ndiye unopupura nekuti Mweya ichokwadi
7原來作見證的有三樣,
7Nekuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe.
8就是聖靈、水和血,這三樣是一致的。
8Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, mvura neropa ava vatatu vanotenderana pachinhu chimwe.
9我們若接受人的見證, 神的見證就更強而有力了,因為這是 神為他的兒子作的見證。
9Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari ukuru; nekuti uhwu ndihwo uchapupu hwaMwari ndihwo hwaakapupura pamusoro poMwanakomana wake.
10信 神的兒子的,就有這見證在他心裡;不信 神的,就是把 神當作說謊的,因為他不信 神為他兒子所作的見證。
10Uyo unotenda kuMwanakomana waMwari une uchapupu maari; usingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema; nekuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupurira Mwanakomana wake.
11這見證就是 神已經把永遠的生命賜給我們,這生命是在他兒子裡面的。
11Uhwu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu hwusingaperi; zvino upenyu uhwu hwuri muMwanakomana wake.
12凡有 神兒子的,就有生命;沒有 神兒子的,就沒有生命。
12Uyo une Mwanakomana une upenyu; usina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
13要照 神的旨意祈求我把這些事寫給你們信 神的兒子之名的人,是要你們知道自己有永生。
13Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita roMwanakomanai waMwari kuti mugoziva kuti mune upenyu hwusingaperi uye kuti utende kuzita roMwanakomana waMwari.
14如果我們照著 神的旨意祈求,他必聽我們;這就是我們對 神所存的坦然無懼的心。
14Uhwu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu nekuda kwake, unotinzwa;
15既然他聽我們的祈求,我們就知道,我們無論求甚麼,他必賜給我們。
15zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa zvichemo zvatakakumbira kwaari.
16如果有人看見弟兄犯了不至於死的罪,他就要祈求, 神必因他的緣故,把生命賜給那些犯了不至於死的罪的人;有至於死的罪,我不說他應當為那罪祈求。
16Kana munhu achiona hama yake ichitadza chivi chisati chiri cherufu, uchakumbira, iye agomupa upenyu hwunopiwa vasingaiti chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.
17一切不義都是罪,但也有不至於死的罪。
17Kusarurama kose chivi; zvekare chivi chiripo chisati chiri cherufu.
18我們知道凡從 神生的就不犯罪,而且從 神生的那一位也必保守他,連那惡者也不能碰他。
18Tinoziva kuti umwe neumwe wakaberekwa naMwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa naMwari unozvichengeta, wakaipa uyo haangamubati.
19我們知道我們是屬於 神的,而整個世界是伏在那惡者手下。
19Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete muzvakaipa.
20我們知道 神的兒子已經來了,並且賜給我們悟性,使我們能認識那位真實者。我們也在那位真實者裡面,就是在他兒子耶穌基督裡面。這一位就是真神,也是永遠的生命。
20Uye tinoziva kuti mwanakomana waMwari wakauya akatipa kunzwisisa, kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri munaiye wechokwadi mumwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu hwusingaperi.
21孩子們,你們要保守自己遠離偶像。
21Vana vaduku, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.