聖經新譯本

Shona

1 John

4

1怎樣認出 神的靈親愛的,不要每個靈都信,總要試驗那些靈是否出於 神,因為有許多假先知已經來到世上了。
1Vadiwa, musatenda mweya yose yose, asi muidze mweya, kuti yakabva kuna Mwari here; nekuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.
2你們可以這樣認出 神的靈:凡是承認耶穌基督是成了肉身來的,那靈就是出於 神。
2Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari: Mweya umwe neumwe unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya munyama unobva kuna Mwari.
3凡是不承認耶穌基督是成了肉身來的,那靈就不是出於 神,而是敵基督者的靈;你們聽過他要來,現在他已經在世上了。
3Mweya umwe neumwe usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi kuna Mwari; uye uyu ndiye uya womupikisi waKristu wamakanzwa kuti unouya nazvino watova panyika.
4孩子們,你們是屬於 神的,並且已經勝過他們,因為那在你們裡面的比那在世上的更大。
4Imwi muri vaMwari vana vaduku, uye makavakunda, nekuti uyo uri mamuri mukuru kuna iye uri munyika.
5他們是屬於世界的,因此講論屬世的事,世界也就聽從他們。
5Ivo ndevenyika; naizvozvo vanotaura zvinobva kunyika, uye nyika inovanzwa.
6我們是屬於 神的,認識 神的就聽從我們,不屬於 神的就不聽從我們。這樣,我們就可以辨別真理的靈和謬妄的靈了。
6Isu tiri vaMwari; uyo unoziva Mwari unotinzwa; usi waMwari haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi nomweya wokutsauka.
7 神是愛親愛的,我們應當彼此相愛,因為愛是從 神那裡來的。凡是愛人的,都是從 神生的,並且認識 神。
7Vadiwa, ngatidanane; nekuti rudo runobva kuna Mwari, uye umwe neumwe unoda wakaberekwa naMwari, zvekare unoziva Mwari.
8不愛人的,就不認識 神,因為 神就是愛。
8Usingadi, haazivi Mwari, nekuti Mwari rudo.
9 神差遣他的獨生子到世上來,要使我們藉著他而活; 神的愛就在我們中間顯明了。
9Naizvozvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe woga munyika, kuti tirarame kubudikidza naye.
10不是我們愛 神,而是 神愛我們,差遣他的兒子為我們的罪作了贖罪祭,這就是愛了。
10Rudo ruri pachinhu ichi, kwete kuti takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikunuro rwezvivi zvedu.
11親愛的, 神既然這樣愛我們,我們也應當彼此相愛。
11Vadiwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanirawo kudanana.
12從來沒有人見過 神,我們若彼此相愛, 神就住在我們裡面,他的愛也在我們裡面得到成全了。
12Hakuna munhu wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari unogara matiri uye norudo rwake rwunoperedzerwa matiri.
13 神把他的靈賜給我們,我們就知道我們是住在他裡面,他也住在我們裡面。
13Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nekuti wakatipa zvemweya wake.
14父差遣子作世人的救主,這是我們見過的,並且現在作見證。
14Isu takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.
15凡承認耶穌是 神的兒子的, 神就住在他裡面,他也住在 神裡面。
15Ani nani unobvuma kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari unogara maari, naiye muna Mwari.
16 神對我們的愛,我們已經明白了,而且相信了。 神就是愛;住在愛裡面的,就住在 神裡面, 神也住在他裡面。
16Nesu takaziva tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; uye unogara murudo unogara muna Mwari, naMwari maari.
17這樣,愛在我們裡面就得到成全,使我們在審判的日子,可以坦然無懼。因為他怎樣,我們在這世上也怎樣。
17Rudo rwakapedzeredzwa nesu pachinhu ichi, kuti tive neushingi nezuva rekutongwa; nekuti sezvaari iye, ndizvo zvatiriwo panyika ino.
18愛裡沒有懼怕,完全的愛可以把懼怕驅除,因為懼怕含有刑罰,懼怕的人在愛裡還沒有完全。
18Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera runodzinga kutya, nekuti kutya kune marwadzo, unotya haana kuperedzerwa parudo.
19我們愛,因為 神先愛我們。
19Isu tinomuda, nekuti iye wakatanga kutida.
20人若說“我愛 神”,卻恨他的弟兄,就是說謊的。不愛看得見的弟兄,就不能愛看不見的 神。
20Kana munhu achiti: Ndinoda Mwari asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nekuti uyo usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari waasina kuona?
21愛 神的,也應當愛弟兄,這就是我們從 神領受的命令。
21Iwoyu murairo tinawo unobva kwaari, kuti unoda Mwari ngaadewo hama yake.