1你們看,父賜給我們的是怎樣的愛,就是讓我們可以稱為 神的兒女,我們也真是他的兒女。因此,世人不認識我們,是因為他們不認識父。
1Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vanakomana vaMwari; nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nekuti haina kumuziva iye.
2親愛的,現在我們是 神的兒女,將來怎樣,還沒有顯明;然而我們知道:主若顯現,我們必要像他,因為我們必要看見他本來是怎樣的。
2Vadiwa, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuonekwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoonekwa isu tichafanana naye; nekuti tichamuona sezvaakaita.
3凡對他存著這盼望的,就潔淨自己,像他一樣的潔淨。
3Uye umwe neumwe une tariro iyi maari, unozvichenesa sezvaakachena iye.
4凡是犯罪的,就是作了不法的事;罪就是不法。
4Umwe neumwe unoita chivi unodarika nomurairowo; nekuti chivi ndiko kudarika murairo.
5你們知道主曾經顯現,為要除掉罪,他自己卻沒有罪。
5Munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye maari hamuna zvivi.
6凡是住在他裡面的,就不犯罪;凡犯罪的,是未曾見過他,也不認識他。
6Ani nani unogara maari haatadzi; ani nani unotadza haana kumuona kana kumuziva.
7孩子們,不要受人欺騙,行義的才是義人,正如主是公義的。
7Vana vaduku, ngakurege kuva neunokunyengerai; uyo unoita kururama wakarurama, saiye akarurama.
8犯罪的是出於魔鬼,因為魔鬼從起初就犯罪。因此, 神的兒子顯現了,是要除滅魔鬼的作為。
8Uyo unoita chivi unobva kuna dhiabhorosi, nekuti dhiabhorosi unotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakaratidzwa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa adhiabhorosi.
9凡是從 神生的,就不犯罪,因為 神的生命在他裡面;他也不能犯罪,因為他是從 神生的。
9Umwe neumwe wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nekuti mbeu yake inogara maari, saka haangatadzi, nekuti wakaberekwa naMwari.
10這樣,誰是 神的兒女,誰是魔鬼的兒女,就很明顯了。凡不行義的,就不是出於 神,不愛弟兄的,也是這樣。
10Muna izvozvi vana vaMwari navana vadhiabhorosi vanoratidzwa; umwe neumwe usingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, naiyewo usingadi hama yake.
11應當彼此相愛我們應當彼此相愛,因為這是你們從起初聽見的信息。
11Nekuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane;
12不要像該隱,他是屬於那惡者的,他又殺了自己的弟弟。為甚麼殺他呢?因為他自己的行為是惡的,弟弟的行為是義的。
12kwete saKaini, wakabva kuna iye wakaipa, akaponda munin'ina wake. Ko wakamuponderei? Nekuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunin'ina wake akarurama.
13弟兄們,世人若恨你們,不要希奇。
13Musashamisika hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
14我們因為愛弟兄,就知道我們已經出死入生了;不愛弟兄的,仍然住在死中。
14Tinoziva kuti takabva murufu tikapinda muupenyu, nekuti tinoda hama. Uyo, usingadi hama yake unogara murufu.
15凡恨弟兄的,就是殺人的。你們知道,殺人的在他裡面沒有永生。
15Umwe neumwe unovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakuna mhondi ine upenyu hwusingaperi hwunogara mairi.
16主為我們捨命,這樣,我們就知道甚麼是愛;我們也應當為弟兄捨命。
16Ndizvo zvatinoziva nazvo rudo, nekuti wakatiradzikira upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira hama upenyu.
17凡有世上財物的,看見弟兄窮乏,卻硬著心腸不理,他怎能說他心裡有 神的愛呢?
17Asi ani nani ane fuma yenyika ino asi achiona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?
18孩子們,我們愛人,不要只在言語和舌頭上,總要在行動和真誠上表現出來。
18Vana vangu vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi muzviito nemuchokwadi.
19在 神面前可以坦然無懼這樣,我們就知道我們是屬於真理的。即使我們的心責備我們,在 神面前我們也可以心安理得,因為他比我們的心大,他知道一切。
19Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa moyo yedu pamberi pake.
20
20Nekuti kana moyo yedu ichitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye unoziva zvinhu zvose.
21親愛的,我們的心若不責備我們,在 神面前我們就可以坦然無懼了。
21Vadiwa, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine ushingi pamberi paMwari;
22凡我們所求的,就必從他得著,因為我們遵守他的命令,作他所喜悅的事。
22uye zvose zvatinokumbira tinogamuchira kubva kwaari, nekuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinhu zvinofadza pamberi pake.
23 神的命令,就是要我們信他的兒子耶穌基督的名,並且照著他的吩咐彼此相愛。
23Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo.
24凡是遵守 神命令的,就住在 神裡面, 神也住在他裡面。憑著 神所賜給我們的聖靈,我們就可以知道 神住在我們裡面。
24Uye uyo unochengeta mirairo yake unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti unogara matiri nomweya waakatipa.