1我們的維護者基督我的孩子們,我寫這些給你們,是要你們不犯罪。如果有人犯了罪,在父的面前我們有一位維護者,就是那義者耶穌基督。
1Vana vangu vaduku, zvinhu izvi ndinokunyorerai kuti musatadza. Uye kana munhu achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama;
2他為我們的罪作了贖罪祭,不僅為我們的罪,也為全人類的罪。
2ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; uye kwete wezvedu chete, asiwo wezvenyika yose.
3我們若遵守 神的命令,這樣,就知道我們已經認識他。
3Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinomuziva kana tichichengeta mirairo yake.
4凡是說“我已經認識他”,卻不遵守他命令的,就是說謊的人,真理就不在他裡面了。
4Uyo unoti: Ndinomuziva asi asingachengeti mirairo yake murevi wenhema, nechokwadi hachizi maari;
5然而凡是遵守他的道的,他愛 神的心就的確在他裡面完全了。這樣,我們就知道我們是在 神裡面了。
5asi ani nani unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari;
6凡說自己是住在他裡面的,就應該照著他所行的去行。
6uyo unoti unogara maari unofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iye.
7愛弟兄的就是住在光明中親愛的,我寫給你們的,不是一條新命令,而是你們本來就有的舊命令。這舊命令就是你們聽過的道。
7Hama dzangu, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo musharu wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo musharu ishoko ramakanzwa kubva pakutanga.
8然而,因為黑暗漸漸消逝,真光已在照耀,我寫給你們的也是一條新命令,這在 神和在你們來說,都是真的。
8Ndinopamhazve kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nekuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chovhenekera.
9凡是說自己在光明中,卻恨他的弟兄的,他到現在還在黑暗裡。
9Uyo unoti uri muchiedza, asi achivenga hama yake uchiri murima kusvikira zvino.
10凡是愛弟兄的,就是住在光明中,在光明中他就不會跌倒。
10Uyo unoda hama yake unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari.
11凡是恨弟兄的,就是在黑暗裡,也在黑暗裡行事。他不知道往哪裡去,因為黑暗弄瞎了他的眼睛。
11Asi uyo unovenga hama yake uri murima, iye unofamba murima haazivi kwaanoenda, nekuti rima rakapofumadza meso ake.
12孩子們,我寫信給你們,因為你們的罪因著主的名已經得到赦免。
12Ndinonyora kwamuri, vana vaduku, nekuti zvivi zvenyu makazvikangamwirwa nekuda kwezita rake.
13父老們,我寫信給你們,因為你們認識太初就存在的那一位。青年們,我寫信給你們,因為你們已經勝過那惡者。
13Ndinonyora kwamuri madzibaba, nekuti makamuziva iye wakavapo kubva pakutanga. Ndinonyora kwamuri, majaya, nekuti makakunda wakaipa. Ndinonyora kwamuri vana vaduku, nekuti makaziva Baba.
14孩子們,我寫信給你們,因為你們認識父。父老們,我寫信給你們,因為你們認識太初就存在的那一位。青年們,我寫信給你們,因為你們強壯, 神的道在你們心裡,你們也勝過了那惡者。
14Ndanyora kwamuri, madzibaba, nekuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, majaya, nekuti makasimba uye shoko raMwari rinogara mamuri zvekare mukakunda wakaipa.
15不要愛世界和世上的東西。人若愛世界,愛父的心就不在他裡面了。
15Musada nyika kunyange zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba harusi maari.
16原來世上的一切,就如肉體的私慾,眼目的私慾和今生的驕傲,都不是出於父,而是從世界來的。
16Nekuti zvose zviri munyika, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza koupenyu hazvibvi kuna Baba asi zvinobva panyika.
17這世界和世上的私慾都要漸漸過去,但那遵行 神旨意的卻存到永遠。
17Uye nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.
18敵基督者否認耶穌是基督孩子們,現在是末世的時候了。你們聽過敵基督者要來,現在已經有不少敵基督起來了;因此我們就知道這是末世的時候了。
18Vana vaduku, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu uchauya, nazvino vapikisi waKristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira.
19他們從我們中間離去,這就表明他們是不屬於我們的。其實他們並不屬於我們,如果真的屬於我們,就一定會留在我們中間。
19Vakabuda kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nekuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti vose havasi vedu.
20你們從那聖者得著膏抹,這是你們都知道的。
20Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kuna iye Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvose.
21我寫信給你們,不是因為你們不明白真理,而是因為你們明白,又因為謊言絕不會出於真理的。
21Handina kukunyorerai nekuti hamuzivi chokwadi, asi nekuti munochiziva, uye nekuti hakuna nhema dzingabva pachokwadi.
22那麼,誰是說謊的呢?不就是那否認耶穌是基督的嗎?否認父和子的,他就是敵基督的。
22Ndianiko murevi wenhema kunze kwaiye unoramba kuti Jesu ndiKristu? Ndiye mupikisi waKristu, unoramba Baba noMwanakomana.
23凡否認子的,就沒有父;承認子的,連父也有了。
23Ani nani unoramba Mwanakomana, ndiye usina Baba, asi unobvuma Mwanakomana una Babawo.
24至於你們,總要把起初所聽見的存記在你們心裡;你們若把起初所聽見的存記在心裡,你們也就住在子和父裡面了。
24Kana muri imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri, nemwiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba.
25他應許給我們的,就是永遠的生命。
25Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa upenyu hwusingaperi.
26我把這些事寫給你們,是指著那些欺騙你們的人說的。
26Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.
27你們既然在你們裡面有從主領受的膏抹,就不需要別人教導你們了,因為在一切事上有主的膏抹教導你們;這膏抹是真的,不是假的,你們應該按著他所教導的住在他裡面。
27Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye kunyange sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari.
28 神的兒女就不犯罪孩子們,你們要住在主裡面。這樣,他若顯現,我們就可以坦然無懼;他來的時候,我們也不至慚愧地躲避他了。
28Uye ikozvino, vana vaduku, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tirege kunyara pamberi pake pakuvuya kwake.
29你們既然曉得 神是公義的,就應當知道所有行公義的都是從他生的。
29Kana muchiziva kuti iye wakarurama, imwi zivaiwo kuti umwe neumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.