聖經新譯本

Shona

1 John

1

1生命之道論到太初就已經存在的生命之道,就是我們所聽見,親眼所看見,仔細觀察過,親手摸過的;
1Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, izvo zvatakanzwa, izvo zvatakaona nemeso edu, izvo zvatakatarira, uye namaoko edu akazvibata, zveShoko roupenyu,
2這生命已經顯現出來,我們見過了,現在也作見證,並且向你們宣揚這本來與父同在,又向我們顯現過的永遠的生命。
2uye upenyu hwakaratidzwa, tikahwuona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu hwusingaperi uhwo hwakanga hwuna Baba, hwukaratidzwa kwatiri;
3我們把所看見所聽見的向你們宣揚,使你們也可以和我們心靈相通。我們是與父和他的兒子耶穌基督心靈相通的。
3Izvo zvatakaona nekunzwa, tinokuparidziraiwo izvozvo, kuti nemwiwo mudyidzane nesu; uye zvirokwazvo kudyidzana kwedu tinako naBaba, uye noMwanakomana wake Jesu Kristu.
4我們寫這些事,是要使我們的喜樂充足。
4Uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
5 神是光 神是光,在他裡面毫無黑暗;這就是我們從他那裡聽見,現在傳給你們的信息。
5Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari, ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose.
6我們若說自己與他心靈相通,卻行在黑暗裡,就是說謊話,不實行真理了。
6Kana tichiti tine kudyidzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi;
7我們若行在光中,像他在光中一樣,就彼此心靈相通,他兒子耶穌的血也潔淨我們脫離一切罪。
7asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe; neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chose.
8我們若說自己沒有罪,就是自欺,真理就不在我們裡面了。
8Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri.
9我們若承認自己的罪, 神是信實的、公義的,必定赦免我們的罪,潔淨我們脫離一切不義。
9Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikangamwire zvivi, nokutinatsa pakusarurama kose.
10我們若說自己沒有犯過罪,就是把 神當作說謊的,他的道就不在我們心裡了。
10Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.