聖經新譯本

Shona

2 Peter

3

1必有人不信主再來的應許親愛的,我現在寫給你們的是第二封信。在這兩封信中,我都用提醒的話來激發你們真誠的心,
1Tsamba iyi yechipiri, vadikamwi ndinokunyorerai ikozvino; panaidzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu pakukuyeuchidzai,
2叫你們記起聖先知說過的話,和主救主藉著使徒傳給你們的誡命。
2kuti murangarire mashoko akambotaurwa nevaporofita vatsvene, nemurairo wedu tiri vaapasitori vaIshe neMuponesi;
3最重要的,你們應當知道:在末後的日子,必定有好譏笑的人出來,隨著自己的私慾譏笑說:
3Muchiziva ichi pakutanga, kuti kuchauya pamazuva ekupedzisira vanongoseka, vachifamba maererano neruchiva rwavo,
4“他要降臨的應許在哪裡呢?因為自從列祖睡了以來,萬物依然存在,與起初創造的時候一樣。”
4uye vachiti: Chiripi chivimbiso chekuuya kwake? Nekuti kubva zvarara madzibaba zvinhu zvose zvakangodaro sepakutanga kwekusikwa.
5他們故意忘記這事:在太古的時候,因著 神的話,就有了天,和從水而出、藉水而成的地。
5Nekuti ichi havazivi maune, kuti matenga aivapo kubva kare, nenyika iripo kubva mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari;
6當時的世界,因被水淹沒而消滅了。
6nazvo nyika yaivapo nguva iyo yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa.
7但現在的天地,還是因著同樣的話可以存留,直到不敬虔的人受審判和遭滅亡的日子,用火焚燒。
7Asi matenga nenyika zviripo ikozvino zvakachengeterwa moto neshoko iroro pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.
8主必再來親愛的,這一件事你們不可忘記:在主看來,一日如千年,千年如一日。
8Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikamwa nemwi vadiwa, kuti zuva rimwe kuna She rakaita samakore ane churu, nemakore churu sezuva rimwe.
9主決不耽延他的應許,像有些人以為他是耽延的一樣;其實他是寬容你們,不願有一人滅亡,卻願人人都悔改。
9Ishe wechivimbiso haanonoki, sezvinoreva vamwe vachiti kunonoka; asi moyo murefu kwatiri, asingadi kuti vamwe vaparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka.
10但主的日子必要像賊一樣來到。在那日,天必轟然一聲地消失,所有元素都因烈火而融化;地和地上所有的,都要被燒毀。
10Asi zuva raIshe richauya sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichanyunguduswa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa.
11這一切既然都要這樣融化,你們應當怎樣為人,過著聖潔和敬虔的生活,
11Sezvo zvinhu izvi zvose zvichaparadzwa, imwi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamafambiro matsvene nekunamata Mwari,
12等候並催促 神的日子降臨呢?因為在那日,天要被火焚燒就融化了,所有元素都因烈火而融解!
12makatarisira nekudokwairira kusvika kwezuva raMwari; naro matenga ari mumoto achaparadzwa, nezvekutanga zvinyunguduke nekupisa kukuru.
13但是我們按照他所應許的,等候新天新地,有公義在那裡居住。
13Asi sechivimbiso chake, tinotarisira matenga matsva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.
14要在主的恩典和知識上長進所以,親愛的,你們既然等候這些事,就當殷勤努力,使你們沒有污點,沒有瑕疵,安然見主。
14Saka vadiwa, zvamunotarisira zvinhu zvakadaro, shingairai kuti muwanikwe naye murugare, musina gwapa uye musingamhuriki.
15並且要以我們的主恆久忍耐為給人得救的機會,就如我們所親愛的弟兄保羅,按照所賜給他的智慧,寫給你們的一樣;
15Mugoti moyo murefu waIshe wedu ruponeso, hama yedu inodikamwa Pauro sezvaakakunyoreraiwo zvichienderana nenjere dzakapiwa kwaari;
16他在一切書信上,都講論這些事。在這些書信中,有些難明白的地方,那不學無術和不穩定的人加以曲解,好像曲解別的經書一樣,就自取滅亡。
16sezvaanotaura mutsamba dzake dzose maererano nezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisisika; izvo avo vasina kudzidza nevasina kusimba vanozviminamisa, nemamwe magwaro, zvive kuparadzwa kwavo.
17所以,親愛的,你們既然預先知道了,就要謹慎,免得受惡人的錯謬引導,就從自己堅固的地步上墜落。
17Naizvozvo imwi, vadikamwa, zvamagara muchiziva, chenjerai kuti muregewo kutsauswa nekunyengera kwevakaipa, muwe pakusimba kwenyu.
18你們卻要在我們的主、救主耶穌基督的恩典和知識上長進。願榮耀歸給他,從現在直到永遠。阿們。
18Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukukudzo ngaruende kwaari ikozvino nekusingeperi. Ameni.