1大衛的晚年大衛王老了,年事已高,他們雖用許多衣服蓋著他,他仍不感到暖和。
1Zvino mambo Dhavhidhi wakange akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana kudziyirwa.
2所以他的臣僕對他說:“不如為我主我王尋找一個年輕的處女,使她侍候在王面前,照顧王,睡在王的懷中,好使我主我王得到暖和。”
2Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avaonge avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe.
3於是他們在以色列全境尋找一個美貌的少女,結果找著了一個書念的女子亞比煞,就把她帶到王面前。
3Ipapo vakatsvaka musikana wakanaka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.
4這少女極其美麗。她照顧王,服事他,可是王沒有與她發生過關係。
4Uyu musikana wakange akanaka kwazvo, akachengeta mambo, akamushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.
5亞多尼雅的陰謀那時哈及的兒子亞多尼雅妄自尊大,說:“我必作王。”就為自己預備了戰車、騎兵,又有五十人在他前面奔走。
5Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, Ini ndichava mambo; akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana makumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
6他的父親從來沒有責難他說:“你為甚麼這樣作呢?”他的容貌也很英俊,他是在押沙龍之後生的。
6Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, Unoitireiko kudaro? wakange ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakange achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.
7亞多尼雅與洗魯雅的兒子約押和亞比亞他祭司商議以後,二人都答應支持他。
7Akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari mupristi, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.
8但撒督祭司、耶何耶大的兒子比拿雅,拿單先知、示每、利以和大衛的勇士都不擁護亞多尼雅。
8Asi Zadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, havana kutevera Adhonia.
9有一天,亞多尼雅在隱.羅結旁邊,瑣希列的磐石那裡,宰殺牛羊和肥畜,邀請他所有的兄弟,就是王的眾子和所有作王的臣僕的猶大人,來參加筵席。
9Adhonia akabaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohereti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vamambo;
10只是沒有邀請拿單先知、比拿雅、眾勇士和他的兄弟所羅門。
10asi haana kudana Natani muporofita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munin'ina wake.
11拿單向拔示巴獻策拿單對所羅門的母親拔示巴說:“哈及的兒子亞多尼雅作了王,而我們的主大衛還不知道,你難道沒有聽見嗎?
11Ipapo Natani akataura naBhatishebha mai vaSoromoni, akati, Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhidhi ishe wedu haazvizivi?
12現在你來,我可以給你出一個主意,好救你的性命和你兒子所羅門的性命。
12Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwanakomana wako Soromoni.
13你進去見大衛王,對他說:‘我主我王,你不是曾經向婢女起誓,說:“你的兒子所羅門必接續我作王,他要坐在我的王位上”嗎?現在為甚麼亞多尼雅作了王呢?’
13Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?
14你還在那裡與王說話的時候,我會隨後進來,證實你的話。”
14Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndichapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako.
15拔示巴見王陳訴於是拔示巴進到內室去見王。王很老了,書念的女子亞比煞正在服事王。
15Bhati-shebha akapinda kuna mambo mumba; zvino mambo wakange akwegura kwazvo, Abhishagi muShunami waishandira mambo.
16拔示巴向王俯伏叩拜,王問:“你要甚麼?”
16Ipapo Bhatishebha akakotama, akanamata kuna mambo. Mambo akati, Unoreveiko?
17她回答說:“我主啊,你曾經指著耶和華你的 神向婢女起誓,說:‘你的兒子所羅門必接續我作王,他要坐在我的王位上’,
17Iye akati kwaari, Ishe wangu, imwi makapikira murandakadzi wenyu naJehovha Mwari wenyu, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye uchagara pachigaro changu choushe.
18可是,現在亞多尼雅作了王了;而我主我王,你還不知道。
18Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imwi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.
19他宰殺了許多公牛、肥畜和羊,邀請了王所有的兒子、亞比亞他祭司和軍隊的元帥約押,卻沒有邀請王的僕人所羅門。
19Iye wabaya nzombe, nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.
20我主我王啊,現在以色列眾人的眼睛都看著你,等你告訴他們誰要坐在我主我王的王位上,接續你作王。
20Zvino ishe wangu mambo, meso avaIsiraeri vose anotarira kwamuri, kuti muvaudze kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.
21否則,到我主我王與列祖同睡之後,我和我的兒子所羅門就要被算為罪人了。”
21Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.
22拔示巴還在與王說話的時候,拿單先知就進來了。
22Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.
23有人告訴王說:“拿單先知來了。”拿單來到王面前,向王叩拜。
23Vakaudza mambo, vakati, Natani muporofita wasvika. Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
24拿單說:“我主我王啊,你曾說過:‘亞多尼雅要接續我作王,坐在我的王位上’嗎?
24Zvino Natani akati, Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai pakubata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?
25今天他下去宰殺了許多公牛、肥畜和羊,又請了王所有的兒子、眾軍長和亞比亞他祭司。他們正在亞多尼雅面前又吃又喝,說:‘亞多尼雅王萬歲。’
25nekuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupristi; tarirai, vodya nokumwa pamberi pake, vachiti, Mambo Adhonia ngaararame
26只有我,就是你的僕人,撒督祭司、耶何耶大的兒子比拿雅和你的僕人所羅門,他都沒有邀請。
26Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
27我主我王是不是作了這事,而你沒有告訴你的眾臣僕,誰要接續我主我王,坐你的王位呢?”
27Chinhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?
28王起誓應許立所羅門為王大衛回答說:“召拔示巴到我這裡來。”於是拔示巴來到王面前,站在那裡。
28Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, Ndidanirei Bhati-shebha. Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.
29王就起誓說:“我指著曾經救我的性命脫離一切患難的永活的耶和華起誓,
29Zvino mambo akapika, akati, NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,
30我從前怎樣指著耶和華以色列的 神向你起誓,說:‘你的兒子所羅門必接續我作王,要坐在我的王位上’,我今天也必照樣行。”
30zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.
31於是拔示巴面伏在地,向王叩拜,說:“願我主大衛王萬歲!”
31Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi.
32所羅門在基訓受膏為王大衛王又說:“召撒督祭司、拿單先知和耶何耶大的兒子比拿雅到我這裡來。”他們都來到王面前。
32Mambo Dhavhidhi akati, Ndidanirei Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo vakapinda kuna mambo.
33王就對他們說:“你們要帶著你們主人的僕人,使我的兒子所羅門騎上我的騾子,送他下到基訓去。
33Mambo akati kwavari, Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;
34在那裡撒督祭司和拿單先知要膏立他作以色列的王。你們要吹角說:‘所羅門王萬歲!’
34Zadhoki mupristi naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, Mambo Soromoni ngaararame.
35然後你們要跟隨他上來;他要來坐在我的王位上;他要接續我作王。我已經立了他作以色列和猶大的統治者。”
35Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nekuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha.
36耶何耶大的兒子比拿雅回答王說:“阿們!願耶和華我主我王的 神也是這樣說。
36Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.
37耶和華怎樣與我主我王同在,願他也照樣與所羅門同在,使他的王位,比我主大衛王的王位更偉大。”
37Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.
38於是撒督祭司、拿單先知和耶何耶大的兒子比拿雅,以及基利提人和比利提人都下去,使所羅門騎上大衛王的騾子,送他到基訓去。
38Ipapo Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.
39撒督祭司從帳幕裡拿出那盛膏油的角,膏立所羅門;然後有人吹角,眾民就說:“所羅門王萬歲!”
39Zvino Zadhoki mupristi akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, Mambo Soromoni ngaararame!
40眾民都跟隨他上去,吹著笛子,十分歡樂,以致大地也因他們的聲音震裂。
40Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
41亞多尼雅和所有與他在一起的賓客剛剛吃完了飯,聽到這聲音;約押聽到角聲,就說:“城裡為甚麼有這樣喧嚷的聲音呢?”
41Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?
42他還在說話的時候,亞比亞他祭司的兒子約拿單來了。亞多尼雅對他說:“進來吧!你是個忠義的人,一定帶來了好消息。”
42Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi, akasvika; Adhonia akati kwaari, Pinda, nekuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.
43約拿單對亞多尼雅說:“不好了,我們的主大衛王已經立了所羅門為王了。
43Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.
44王差派撒督祭司、拿單先知和耶何耶大的兒子比拿雅,以及基利提人和比利提人,與所羅門同去。他們使所羅門騎上王的騾子。
44Uye mambo wakatuma Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;
45撒督祭司和拿單先知已經在基訓膏立他作王。眾人都從那裡歡歡喜喜上路;你們聽見的聲音,就是城裡的喧鬧聲。
45uye Zadhoki mupristi, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.
46不但所羅門已經坐在這王國的王位上,
46Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.
47而且王的臣僕也來為我們的主大衛王祝福說:‘願你的 神使所羅門的名聲比你的更尊榮,使他的王位比你的更偉大。’王就在床上屈身下拜。
47Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe; mambo akakotama panhovo dzake.
48王又這樣說:‘耶和華以色列的 神是應當稱頌的,因為他今天賜了一人坐在我的王位上,也使我親眼看見這事。’”
48Uyezve mambo wakataura akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.
49亞多尼雅害怕求饒亞多尼雅所有的賓客都懼怕,大家起身,各自逃走了。
49Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.
50亞多尼雅懼怕所羅門,就起來,去抓緊祭壇的角。
50Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.
51有人告訴所羅門說:“亞多尼雅懼怕所羅門王。他現在抓緊祭壇的角說:‘願所羅門王今天向我起誓,決不會用刀殺死他的僕人。’”
51Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nekuti wandobata nyanga dzeatari, akati, Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.
52所羅門說:“他若是作一個忠義的人,他的頭髮連一根也不會掉在地上;但在他身上若是發現有甚麼惡行,他必定死。”
52Ipapo Soromoni akati, Kana akazova murume chaiye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa.
53於是所羅門派人去把亞多尼雅從祭壇上帶下來。他來向所羅門叩拜;所羅門對他說:“回你的家去吧!”
53Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, Enda kumba kwako.