聖經新譯本

Shona

2 Samuel

24

1大衛數點人口(代上21:1~6)耶和華又向以色列人發怒,就激動大衛,使他們受害,說:“你去數點一下以色列和猶大的人數吧!”
1Zvino Jehovha wakatsamwirazve vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi pamusoro pavo, akati, Enda uverenge vaIsiraeri navaJudha.
2王就對約押和跟隨他的軍官說:“你們走遍以色列各支派,從但到別是巴,數點人民,我好知道人民的數目。”
2Ipapo mambo akati kuna Joabhu mukuru wehondo wakange anaye, Enda zvino, upote namarudzi ose alsiraeri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, uverenge vanhu, ndizive kuwanda kwavo.
3約押回答王:“無論人民有多少,願耶和華你的 神再增加一百倍,又願我主我王親眼看見。不過,我主我王為甚麼喜歡這事呢?”
3Joabhu akati kuna mambo, Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere hake kuvanhu, vapfuure ava runezana pakuwanda kwavo, nameso ashe wangu ngaazviwone; asi ishe wangu mambo unotsvakireiko chinhu ichi?
4但是王的命令約押和眾軍官不敢不從。於是約押和眾軍官從王面前出去,數點以色列的人民。
4Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu navakuru vehondo. Joabhu navakuru vakabuda pamberi pamambo kundoverenga vanhu vaIsiraeri.
5他們過了約旦河,就在谷中那座亞羅珥城的右邊安營。後來他們經過迦得,直到雅謝,
5Vakayambuka Joridhani, vakadzika matende avo paAroeri, kurutivi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadhi, kusvikira paJazeri.
6然後又到了基列和他停.合示地,再到了但.雅安,並繞過了西頓,
6Ipapo vakasvika Giriyadhi, nokunyika yeTatimihodhisi; vakasvikawo Dhanijaani, nenyika yakapoteredza kusvikira paZidhoni,
7來到推羅的堡壘,以及希未人和迦南人所有的城市。最後,他們出到猶大的南端別是巴去了。
7vakasvikawo kunhare yeTire, nokumaguta ose avaHivhi, navaKanani; vakapedzisa kurutivi rwezasi rwaJudha paBheerishebha.
8以後,他們走遍了全地,過了九個月又二十天,就回到耶路撒冷。
8Zvino vakati vapota nenyika yose, vakasvika Jerusaremu, vapedza mwedzi mipfumbamwe namazuva ana makumi maviri.
9約押把數點人民的數目向王呈報:在以色列中能拔刀的勇士共有八十萬人;猶大共有五十萬人。
9Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna mambo; kuna vaIsiraeri kwakanga kune mhare dzaiva nezviuru zvina mazana masere vaigona kurwa nomunondo; uye varume vaJudha vaiva varume vane zviuru zvina mazana mashanu.
10耶和華降罰(代上21:7~17)大衛數點了人民以後,良心一直不安,於是對耶和華說:“我作了這事,犯了大罪。耶和華啊!現在求你除去你僕人的罪孽,因為我作了非常糊塗的事!”
10Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa komuranda wenyu; nekuti ndaita sebenzi kwazvo.
11大衛早晨起來;耶和華的話臨到迦得先知,就是大衛的先見,說:
11Zvino Dhavhidhi wakati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita Gadhi, Muvoni waDhavhidhi, rikati,
12“你去告訴大衛說:‘耶和華這樣說:我給你三個選擇,你要選擇一個,我好向你施行。’”
12Enda, undoudza Dhavhidhi, uti, Zvanzi naJehovha, ndinokuisira zvinhu zvitatu; chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.
13於是迦得來見大衛,問他說:“你要國中七年的饑荒呢?或是要在你敵人面前逃跑,被追趕三個月呢?或是要國中有三天的瘟疫呢?現在你要想想,決定我該用甚麼話回覆那差我來的。”
13Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma.
14大衛對迦得說:“我非常為難,我們情願落在耶和華的手裡,因為他有豐盛的憐憫。不要讓我落在人的手裡。”
14Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nekuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.
15於是耶和華降瘟疫在以色列地,從早晨直到所定的時間;從但到別是巴,眾民中死了七萬人。
15Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri kubva mangwanani kusvikira panguva yakanga yatarwa, varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati pavanhu, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.
16當天使向耶路撒冷伸手,要毀滅耶路撒冷的時候,耶和華就後悔降這災禍,就對那毀滅眾民的天使說:“夠了,現在住手吧!”那時,耶和華的天使在耶布斯人亞勞拿的打禾場那裡。
16Zvino mutumwa wakati achitambanudzira ruoko rwake kuJerusaremu, kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa icho, akati kumutumwa wakange achiparadza vanhu, Ndizvo, chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha wakange amire paburiro raArauna muJebhusi.
17大衛看見那擊殺人民的天使,就對耶和華說:“犯了罪的是我,行了惡的是我,這群羊又作了甚麼呢?求你的手攻擊我和我的父家吧!”
17Dhavhidhi wakati achiona mutumwa wakange achiuraya vanhu, akataura naJehovha, akati, Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu.
18大衛築壇獻祭(代上21:18~27)那一天,迦得來見大衛,對他說:“你上去,在耶布斯人亞勞拿的打禾場那裡,為耶和華立一座祭壇。”
18Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi zuva iro, akati kwaari, Enda undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.
19大衛就照著迦得的話,正如耶和華所吩咐的,上去了。
19Dhavhidhi akaenda sezvaakaudzwa naGadhi, sezvaakarairwa naJehovha.
20亞勞拿往下觀看,看見王和他的臣僕正朝著他這邊走過來,就出去迎接,臉伏於地向王叩拜。
20Zvino Arauna akatarira, akaona mambo navaranda vake vachiuya kwaari, Arauna akabuda, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
21亞勞拿問:“我主我王為甚麼來到你僕人這裡呢?”大衛回答:“是要向你買這打禾場,好為耶和華築一座祭壇,使民間的瘟疫可以止住。”
21Arauna akati, Ishe wangu mambo wauyireiko kumuranda wake? Dhavhidhi akati, Ndauya kuzotenga buriro kwauri, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda ripere pakati pavanhu.
22亞勞拿對大衛說:“我主我王看甚麼好,就拿去獻上吧!看哪,這裡有牛可以作燔祭,打禾的器具和套牛的軛可以當柴燒。
22Arauna akati kuna Dhavhidhi, Ishe wangu mambo ngaatore hake, abayire Jehovha sezvaanoda; tarirai, hedzo nzombe dzokubayira chipiriso chinopiswa; uye nhumbi dzokupira nadzo, namajoko enzombe, dzive huni;
23王啊,這一切亞勞拿都奉給你。”亞勞拿又對王說:“願耶和華你的 神悅納你!”
23izvi zvose, mambo, Arauna unopa mambo. Arauna akati kuna mambo, Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei hake.
24王回答亞勞拿:“不!我一定要按價錢向你買,我不要用白白得來的作燔祭獻給耶和華我的 神。”於是大衛用五百七十克銀子,買下了那打禾場和牛。
24Mambo akati kuna Arauna, Kwete, ndichazvitenga kwauri zvirokwazvo nomutengo wazvo, uye handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvipiriso, zvandisina kutenga. Naizvozvo Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe namashekeri esirivha ana makumi mashanu.
25於是大衛在那裡為耶和華築了一座壇,獻上燔祭和平安祭。這樣耶和華垂聽了人們為那地的禱告,瘟疫就在以色列人中止住了。
25Dhavhidhi akavakirapo Jehovha aritari, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. Naizvozvo Jehovha akanzwira nyika tsitsi, denda rikapera pakati paIsiraeri.