1大衛的遺言以下是大衛末了的話:“耶西的兒子大衛的宣告,被高舉的人的宣告。大衛是雅各的 神所膏立的,是以色列美妙的詩人。
1Zvino ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi, Zvanzi naDhavhidhi mwanakomana waJese, Zvanzi nomunhu wakakudzwa kwazvo, Naiye muzodzwa waMwari waJakove, Muimbi wezvakanaka waIsiraeri,
2耶和華的靈藉著我說話,他的話在我的舌頭上。
2Mweya waJehovha wakataura mukati mangu, Shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
3以色列的 神說,以色列的磐石告訴我:那以公義統治人的,那存敬畏 神的心施行統治的,
3Mwari waIsiraeri wakataura, dombo raIsiraeri rakataura neni, rikati, Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama, Uchabata ushe achitya Mwari;
4他必像旭日昇起的光芒,像無雲的早晨,像雨後的晴朗,使地長出綠草。
4Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana bumhudza richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.
5我的家在 神面前不是這樣嗎?他與我立了永遠的約;這約安排了一切,穩固妥當。我的一切救恩、一切願望,他不都成全嗎?
5Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here? nekuti wakaita neni sungano isingaperi, Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba; nekuti ndiko kuponeswa kwangu kose, nokuda kwangu kose, Ko haangazvikurisi here?
6流氓卻像荊棘被丟棄,人不敢用手拿它。
6Asi vose vasingadi Mwari vachafanana nemhinzwa inorashwa. Nekuti haigoni kubatwa namaoko;
7人要碰它,必須帶備鐵器和槍桿,他們要在原地被火徹底燒毀。”
7Asi munhu anoibata Anofanira kutora rutare norwiriko rwepfumo; Ipiswe kwazvo panzvimbo yayo nomoto.
8大衛的勇士(代上11:10~41)以下是大衛勇士的名字:他革捫人約設.巴設,是三勇士的首領,又稱為伊斯尼人亞底挪。他曾在一次戰役中殺死了八百人。
8Ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhibhashebheti muTakemoni, mukuru wavatongi; iye wakange ari Adhino muEzini, wakauraya vanhu vana mazana masere nenguva imwe.
9其次是亞合人朵多的兒子以利亞撒。從前非利士人在巴斯達閔聚集要爭戰,與大衛一同去向他們罵陣的三個勇士,其中之一就是以利亞撒;那時以色列人向上撤退,
9Wakamutevera wakange ari Ereazari mwanakomana waDhodhai, mwanakomana womuAhohi, mumwe wemhare nhatu dzakanga dzinaDhavhidhi, musi wavakavamba vaFirisitia vakanga vaungana kuzorwa, varume vaIsiraeri vabva;
10他卻起來,擊殺非利士人,直到他的手疲乏無力,緊貼在刀把上。那一天耶和華使以色列人獲得了大勝利。眾人轉到以利亞撒後面,只顧剝奪死者的財物。
10iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba koga.
11再其次是哈拉人亞基的兒子沙瑪。非利士人聚集在利希,那裡有一塊田地長滿了紅豆,眾人都從非利士人面前逃走。
11Wakamutevera wakange ari Shama mwanakomana waAgee, muHarari. VaFirisitia vakanga vaungana paRehi, pakanga pane bindu renyemba; vanhu vakatiza vaFirisitia.
12沙瑪卻在那塊田地中間站穩腳步,保護了那塊田,又擊殺了非利士人。耶和華又使以色列人獲得了大勝利。
12Asi iye wakamira pakati pebindu, akarirwira, akauraya vaFirisitia; Jehovha akavakundisa kwazvo.
13收割的時候,三十個首領中有三個人下到亞杜蘭洞那裡去見大衛;有一隊非利士人在利乏音谷安營。
13Zvino vatatu vavakuru vana makumi matatu vakaburuka, vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu, nenguva yokukohwa; boka ravaFirisitia; rakanga radzika matende pamupata weRefaimu.
14那時大衛在山寨中,非利士人的駐軍卻在伯利恆。
14Zvino nenguva iyo Dhavhidhi wakange ari munhare, uye varwi vavaFirisitia vaiva paBheterehemu nenguva iyo.
15大衛渴望說:“但願有人把伯利恆城門旁邊井裡的水拿來給我喝!”
15Dhavhidhi akapanga, akati, Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuwo, ndimwe!
16那三個勇士就闖過非利士人的營地,從伯利恆城門旁邊的井裡打水,把水取上來,帶到大衛那裡。大衛不肯喝,卻把水澆奠在耶和華面前。
16Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuwo, vakaitora vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi iye wakaramba kuimwa, akaidururira kuna Jehovha.
17大衛說:“耶和華啊!我絕對不可作這事。這三個人冒著生命危險去打水,這水不是他們的血嗎?”因此大衛不肯喝那水。這些是那三個勇士所作的事。
17Akati, Ngazvisadaro, Jehovha, handingaiti chinhu ichi! Ndingamwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Naizvozvo akaramba kuimwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo.
18洗魯雅的兒子約押的兄弟亞比篩是三十勇士的首領。他曾揮舞矛槍殺死了三百人,因此他與“三勇士”齊名。
18Abhishai munin'ina waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakange ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
19他的榮譽比那“三十勇士”高,所以成為他們的領袖;不過,卻不及“三勇士”。
19Iye wakarumbidzwa zvikuru pakati pavatatu avo; naizvozvo akaitwa mukuru wavo, asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
20甲薛人耶何耶大的兒子比拿雅,是一個力氣很大的人,作過許多大事。他曾經擊殺了摩押人的兩個勇將;又在下雪的時候,下到坑裡去擊殺了一隻獅子。
20Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakange aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;
21他還擊殺了一個體格高大的埃及人。這埃及人手裡有矛,比拿雅只拿著棍子下去與他對抗;結果他把埃及人手中的矛槍奪了過來,用那矛槍殺死他。
21akaurayawo muEgipita, murume wakange akanaka, muEgipita uyu wakange akabata pfumo muruoko rwake, asi iye wakaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuEgipita, akamuuraya nepfumo rake iro.
22這些是耶何耶大的兒子比拿雅所作的事。他與“三勇士”齊名。
22Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, wakange akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
23他的榮譽比那“三十勇士”高,不過,卻不及“三勇士”。大衛立他作侍衛長。
23Iye wakange achirumbidzwa kupfuura vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
24三十個勇士中有約押的兄弟亞撒黑、伯利恆人朵多的兒子伊勒哈難、
24Ashaheri munin'ina waJoabhu wakange ari mumwe wavana makumi matatu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;
25哈律人沙瑪、哈律人以利加、
25naShama muHarodhi, naErika muHarodhi;
26帕勒提人希利斯、提哥亞人益吉的兒子以拉、
26naHerezi muPariti, naIra mwanakomana waIkeshe muTekoi;
27亞拿突人亞比以謝、戶沙人米本乃、
27naAbhiezeri muAnatoti, naMebhunai muHushati;
28亞合人撒門、尼陀法人瑪哈萊、
28naZarimoni muAhohi, naMaharai muNetofati;
29尼陀法人巴拿的兒子希立、便雅憫子孫基比亞人利拜的兒子以太、
29naHerebhu, mwanakomana waBhaana muNetofati, naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini;
30比拉頓人比拿雅、迦實溪人希太、
30naBhenaya muPiratoni, naHidai wehova dzeGaashi;
31伯.亞拉巴人亞比亞本、巴魯米人押斯瑪弗、
31naAbhiaribhoni muAribhati, naAzimavheti muBharihumi;
32沙本人以利雅哈巴、雅善的兒子約拿單、
32naEriabha muShaaribhoni, naJonatani kuvana vaJasheni;
33哈拉人沙瑪、哈拉人沙拉的兒子亞希暗、
33naShama muHarari, naAhiami mwanakomana waSharari muArari;
34瑪迦人亞哈拜的兒子以利法列、基羅人亞希多弗的兒子以連、
34naErifereti mwanakomana waAhashabhai, mwanakomana womuMaakati, naEriami mwanakomana waAhitoferi muGironi;
35迦密人希斯萊、亞巴人帕萊、
35naHezero muKarimeri, naParai muAribhi;
36瑣巴人拿單的兒子以申、迦得人巴尼、
36naIgari mwanakomana waNatani weZobha, naBhani muGadhi;
37亞捫人洗勒、比綠人拿哈萊(拿哈萊是給洗魯雅的兒子約押拿兵器的)、
37naZereki muAmoni, naNaharai muBheeroti, vaibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;
38以帖人以拉、以帖人迦立、
38naIra muItiri, naGarebhi muItiri;
39赫人烏利亞,共有三十七人。
39naUriya muHiti, vose makumi matatu navanomwe.