聖經新譯本

Shona

1 Thessalonians

1

1問安保羅、西拉和提摩太,寫信給帖撒羅尼迦、在父 神和主耶穌基督裡的教會。願恩惠平安臨到你們。
1Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yevaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu:
2帖撒羅尼迦教會的榜樣我們常常為你們眾人感謝 神,禱告的時候提到你們,
2Tinovonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu mose, tichikudomai muminyengetero yedu,
3在我們的父 神面前,不住地記念你們信心的工作,愛心的勞苦和因盼望我們主耶穌基督而有的堅忍。
3tichirangarira pasina kumira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu;
4 神所愛的弟兄們,我們知道你們是蒙揀選的,
4tichiziva, hama dzinodikamwa naMwari, kusanangurwa kwenyu;
5因為我們的福音傳到你們那裡,不單是藉著言語,也是藉著權能,藉著聖靈和充足的信心。為了你們的緣故,我們在你們中間為人怎樣,這是你們知道的。
5Nekuti evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru; sezvamunoziva kuti takanga tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu.
6你們效法了我們,也效法了主,在大患難中,帶著聖靈的喜樂接受了真道。
6nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene,
7這樣,你們就成了馬其頓和亞該亞所有信徒的榜樣。
7zvokuti makava muenzaniso kune vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.
8因為不單主的道從你們那裡傳遍了馬其頓和亞該亞,就是你們對 神的信心也傳遍了各處,所以我們不用再說甚麼了。
8Nekuti kubva kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete kuMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo dzose rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunzvimbo dzose; zvekuti hatifaniri kutaura chero chinhu.
9他們都述說你們是怎樣接待我們,而且怎樣離棄偶像歸向 神,要服事這位又真又活的 神,
9Nekuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu, kuti takapinda nemutowo upi kwamuri; uye kuti makatendevukira kuna Mwari sei, muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
10並且等候他的兒子從天降臨。這就是 神使他從死人中復活,救我們脫離將來的忿怒的那位耶穌。
10nekumirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu unotinunura pahasha dzinouya.