聖經新譯本

Shona

Colossians

4

1你們作主人的,要公平地對待僕人,因為知道你們也有一位主在天上。
1Madzishe, ipai kuvaranda izvo zvakarurama nezvakaringana; muchiziva kuti nemwiwo muna Ishe kumatenga.
2訓勉的話你們要恆切禱告,在禱告的時候存著感恩的心警醒;
2Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nekuvonga;
3也要為我們禱告,求 神為我們開傳道的門,宣講基督的奧祕(我就是為了這個緣故被捆鎖),
3mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho iniwo;
4使我照著我所應當說的,把這奧祕顯明出來。
4kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.
5你們要把握時機,用智慧與外人來往。
5Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikunura nguva.
6你們的話要常常溫和,好像是用鹽調和的,使你們知道應當怎樣回答各人。
6Shoko renyu ngarigare nenyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.
7問候的話我的一切景況,推基古會告訴你們。他是我所愛的弟兄,是忠心的僕役,也是在主裡同作僕人的。
7Zvose zvakanangana neni muchaudzwa naTikiko, hama inodikamwa nemushumiri wakatendeka, nemuranda pamwe neni muna Ishe;
8我派他到你們那裡去,使你們知道我們的景況,並且安慰你們的心。
8wandakatumira kwamuri nechikonzero ichochi kuti azive zviri maererano nemwi, anyaradze moyo yenyu;
9他是跟歐尼西慕一同去的。歐尼西慕是忠心的親愛的弟兄,是你們那裡的人。他們會把這裡的一切告訴你們。
9pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikamwa unova wekwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zviri pano.
10與我一同坐監的亞里達古,和巴拿巴的表弟馬可,問候你們。(關於馬可,你們已經受了吩咐:他若到你們那裡,你們要接待他。)
10Arisitako musungwa pamwe neni unokukwazisai, naMako muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo kubudikidza naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire,
11別號猶士都的耶數,也問候你們。在受過割禮的人中,只有這幾位是為 神的國與我同工的,他們也成了我的安慰。
11naJesu unonzi Justo, vari vekudzingiswa; ivava chete vanobata neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri.
12以巴弗問候你們,他是你們那裡的人,是基督耶穌的僕人;他禱告的時候,常常竭力為你們祈求,好使你們在 神的一切旨意中完全站穩,滿有堅定的信念。
12Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, unokukwazisai, achikurwirai nguva dzose muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana, muchiziva kwazvo zvido zvose zvaMwari.
13我可以為他作證,他為了你們和在老底嘉、希拉波立的人,多受勞苦。
13Nekuti ndinopupura nezvake kuti une shungu kwazvo nekuda kwenyu, neveRaodhikia, neveHirapori.
14親愛的路加醫生和底馬問候你們。
14Unokukwazisai Ruka chiremba unodikamwa, naDhemasi.
15請問候在老底嘉的弟兄和寧法,以及在她家裡的教會。
15Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make.
16這封信你們宣讀了以後,也要交給老底嘉的教會宣讀;你們也要讀老底嘉的那封信。
16Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti iverengwewo mukereke yevaRaodhikia; imwivo murave inobva Raodhikia.
17你們要對亞基布說:“你要留心在主裡領受的職分,好把它完成。”
17Vudzai Akipo, muti: Chenjerera kushumira kwawakagamuchira muna Ishe kuti ukupedzise.
18我保羅親筆問候你們。你們要記念我的捆鎖。願恩惠與你們同在。
18Kwaziso neruoko rwangu, ini Pauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.