聖經新譯本

Shona

Colossians

3

1所以,你們既然與基督一同復活,就應當尋求天上的事,那裡有基督坐在 神的右邊。
1Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvinhu zviri kumusoro, uko Kristu ugere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
2你們要思念的,是天上的事,不是地上的事。
2Isai fungwa dzenyu kuzvinhu zviri kumusoro, kwete zvinhu zvepanyika.
3因為你們已經死了,你們的生命與基督一同隱藏在 神裡面。
3Nekuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.
4基督就是你們的生命,他顯現的時候,你們也要和他一同在榮耀裡顯現。
4Kana Kristu, unova upenyu hwedu, achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.
5所以要治死你們在地上的肢體,就如淫亂、污穢、邪情、惡慾和貪心,貪心就是拜偶像。
5Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.
6因著這些事, 神的忿怒必要臨到悖逆的人(有些抄本無“悖逆的人”)。
6Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari kunouya pavana vekusateerera;
7你們從前在其中生活的時候,也曾經這樣行過。
7imwiwo maimbofamba mazviri, pamaigara mukati mazvo.
8但現在你們要除去忿怒、惱怒、惡毒、毀謗,以及粗言穢語這一切事。
8Asi zvino imwiwo bvisai zvose izvi, kutsamwa, hahsa, kuvenga, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa mumuromo wenyu.
9不要彼此說謊,因為你們已經脫去了舊人和舊人的行為,
9Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,
10穿上了新人。這新人照著他的創造者的形象漸漸更新,能夠充分認識主。
10mukafuka mutsva, unovandudzwa paruzivo, semufananidzo wewakamusika;
11在這一方面,並不分希臘人和猶太人,受割禮的和未受割禮的,未開化的人和西古提人,奴隸和自由人,唯有基督是一切,也在一切之內。
11apo pasina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa, muSitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvose, uye uri mune vose.
12所以,你們既然是 神所揀選的,是聖潔、蒙愛的人,就要存憐憫的心腸、恩慈、謙卑、溫柔和忍耐。
12Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikamwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa mufungwa, unyoro, nemoyo murefu;
13如果有人對別人有嫌隙,總要彼此寬容,互相饒恕;主怎樣饒恕了你們,你們也要照樣饒恕人。
13muchiitirana moyo murefu, nekukangamwirana kana munhu ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukangamwirai, saizvozvowo imwi.
14在這一切之上,還要有愛心,愛心是聯繫全德的。
14Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chekuzadzisa.
15又要讓基督的平安在你們心裡作主;你們蒙召歸為一體,也是為了這個緣故。你們要有感謝的心。
15Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.
16你們要讓基督的道豐豐富富地住在你們心裡,以各樣的智慧,彼此教導,互相勸戒,用詩章、聖詩、靈歌,懷著感恩的心歌頌 神。
16Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi neuchenjeri hwose muchidzidzisana nekurairana namapisarema, nenziyo, nenziyo dzomweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo yenyu;
17凡你們所作的,無論是言語或行為,都要奉主耶穌的名,藉著他感謝父 神。
17uye choga choga chamunoita pashoko kana chiito, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.
18過新人的生活你們作妻子的,要順服丈夫,這在主裡是合宜的。
18Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu, sezvo zvakafanira muna Ishe.
19你們作丈夫的,要愛妻子,不可苦待她們。
19Varume, idai vakadzi venyu, regai kuvavavira.
20你們作兒女的,要凡事聽從父母,因為這在主裡是可喜悅的。
20Vana, teererai vabereki pazvinhu zvose, nekuti izvi zvinofadza kwazvo kuna Ishe.
21你們作父親的,不要激怒兒女,免得他們灰心喪志。
21Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.
22你們作僕人的,要凡事聽從世上的主人,作事不要只作給人看,像那些討人歡心的一樣,卻要以真誠的心敬畏主。
22Varanda, teererai pazvinhu zvose vari vatenzi venyu panyama; kwete nokushumira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama muchitya Mwari.
23無論你們作甚麼,都要從心裡去作,像是為主作的,不是為人作的,
23uye zvose kunyange chipi chamunoita, itai nomoyo sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;
24因為你們知道,你們一定會從主那裡得到基業為賞賜。你們應當服事主基督,
24muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nekuti munoshandira Ishe Kristu.
25但那些不義的人,必按他所行的不義受報應。主並不偏待人。
25Nekuti unoita zvisakarurama, uchagamuchira zvisakarurama zvaakaita; hakuna kusarurwa kwavanhu.