聖經新譯本

Shona

1 Thessalonians

3

1派提摩太前往我們既然不能再忍下去,就決定留在雅典,
1Saka zvatakanga tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri toga paAtene;
2派我們的弟兄,就是在基督的福音上和 神同工的提摩太去,為了要在你們的信仰上堅定你們,勸慰你們,
2tikatuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai parutendo rwenyu;
3免得有人在各樣的患難中動搖了。你們自己知道,我們受患難原是命定的。
3kuti kurege kuva neumwe unozununguswa nematambudziko awa, nekuti munoziva mumene kuti takagadzirwa izvozvi.
4我們在你們那裡的時候,早已對你們說過,我們將會遭受患難。後來應驗了,這是你們知道的。
4Nekuti kunyange tichinemwi takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa; kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva.
5因此,我既然不能再忍下去,就派人去打聽你們的信心怎樣;恐怕那試探人的誘惑了你們,以致我們的勞苦白費了。
5Nekuda kwaizvozvi zvandakanga ndisingachagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe neumwe mutowo muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina.
6提摩太剛剛從你們那裡回來,把你們信心和愛心的好消息帶給我們。他還說,你們常常懷念我們,切切想見我們,好像我們想見你們一樣。
6Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, akatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzose muchishuva zvikuru kutiona isu, sesuwo imwi;
7所以弟兄們,我們在這一切困苦患難中,因著你們的信心就得了安慰。
7nekuda kwezvizvi, takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kose nenhamo nerutendo rwenyu;
8如果你們在主裡站立得穩,我們就可以活下去了。
8Nekuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe.
9我們因你們的緣故,在我們的 神面前滿有喜樂;為這一切喜樂,我們可以為你們向 神獻上怎麼樣的感謝呢!
9Nekuti kuvonga kwakadini kwatingaripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wose watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu?
10我們晝夜迫切祈求,要見你們的面,並且要補滿你們信心的不足。
10Siku nesikati tichikumbira zvikuru kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu?
11願我們的父 神自己和我們的主耶穌為我們開路,使我們可以到你們那裡去。
11Zvino iye Mwari pachake naBaba vedu naIshe wedu Jesu Kristu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;
12又願主叫你們彼此相愛的心,和愛眾人的心,都充充足足,多而又多,好像我們愛你們一樣。
12uye ishe akukurisei nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vose, sesu kwamuri,
13也願他堅定你們的心,好叫你們在我們主耶穌和眾聖徒再來的時候,在我們的父 神面前,完全聖潔,無可指摘。
13kuti asimbise moyo yenyu isamhurika pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vose.