聖經新譯本

Shona

1 Timothy

6

1凡負軛作奴僕的,應當看自己的主人是配受十分的敬重,免得 神的名和道理被人褻瀆。
1Vose vari varanda pasi pejoko ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nekukudzwa kose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa.
2奴僕有信主的主人,不可因為他們是弟兄而輕看他們;倒要加意服事他們,因為這些受到服事的益處的,是信主蒙愛的人。你要把這些事教導人,勸勉人。
2Avo vane vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nekuti vakatendeka uye vanodikamwa vagovani vemibairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire.
3敬虔與知足如果有人傳別的教義,不接受我們的主耶穌基督純正的話語,和那敬虔的道理,
3Kana munhu achidzidzisa zvinopesana nezvizvi, asingabvumiri mashoko awa mapenyu, mashoko aIshe wedu Jesu Kristu, nekudzidziso inoenderana nekunamata Mwari,
4他是自高自大,一無所知,反而專好問難爭辯,由此產生妒忌、紛爭、毀謗、惡意的猜疑,
4unongozvikudza asingazivi chinhu, asi unongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko panobva gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa,
5就和那些心術敗壞,喪失真理的人不斷地爭競。他們視敬虔為得利的門路。
5nekukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro.
6其實敬虔而又知足,就是得大利的途徑,
6Asi uMwari nekugutsikana ndiwo mubairo mukuru;
7因為我們沒有帶甚麼到世上來,也不能帶甚麼去。
7Nekuti hatina kuvuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu.
8只要有衣有食,就應當知足。
8asi kana tine chikafu nezvekufuka tichagutsikana neizvozvi.
9但那些想要發財的人,就落在試探中和陷阱裡;又落在許多無知而有害的私慾裡,使人沉淪在敗壞和滅亡中;
9Asi vanoshuva kufuma vanowira mukuidzwa nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa,
10因為貪財是萬惡之根。有人貪愛錢財,就被引誘離開真道,用許多痛苦把自己刺透了。
10Nekuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji.
11要為信仰打那美好的仗但你這屬 神的人啊,應該逃避這些事,要追求公義、敬虔、信心、愛心、忍耐和溫柔。
11Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, uMwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro.
12要為信仰打那美好的仗,持定永生;你是為這永生而蒙召的,又在許多的證人面前承認過美好的信仰。
12Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, ubatisise upenyu hwusingaperi, hwawakadanirwawo kwahwuri, ukabvuma kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
13我在賜生命給萬物的 神面前,並那在本丟.彼拉多面前見證過美好的信仰的基督耶穌面前囑咐你,
13Ndinokuraira pachiso chaMwari, unoraramisa zvinhu zvose, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,
14你當毫無玷污,無可指摘地持守這命令,直到我們主耶穌基督的顯現。
14kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
15到了適當的時候,那可稱頌的、獨一的全能者,萬王之王,萬主之主,必把基督的顯現表明出來。
15kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga Wakaropafadzwa neWamasimbaose, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe,
16只有他永遠不死,住在不能接近的光裡,沒有人見過他,人也不能看見他。願尊榮和永遠的權能都歸給他。阿們。
16iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingasvikiki; usina kumboonekwa nemunhu, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni.
17你要囑咐那些今世富有的人,叫他們不要心高氣傲,也不要寄望在浮動的財富上,卻要仰望那厚賜百物給我們享用的 神。
17Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi naMwari mupenyu, unotipa zvinhu zvose achiwanza kuti tifare nazvo;
18又要囑咐他們行善,在善事上富足,慷慨好施。
18kuti vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, vachishuva kudyidzana;
19這樣,就為自己在來世積聚財富,作美好的基礎,好叫他們能夠得著那真正的生命。
19vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inovuya, kuti vabatisise upenyu hwusingaperi.
20提摩太啊,你要保守所交託你的,避免世俗的空談和冒稱是知識的那種反調;
20Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakakumikidzwa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo rwusati rwuri ruzivo;
21有些人自稱有這知識,就偏離了真道。願恩惠與你們同在。
21irwo vamwe vakati vachipupura vakarashika parutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni.