聖經新譯本

Shona

2 Timothy

1

1問安奉 神旨意,憑著在基督耶穌裡的生命的應許,作基督耶穌使徒的保羅,
1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu hwuri muna Kristu Jesu,
2寫信給親愛的兒子提摩太,願恩惠、憐憫、平安從父 神和我們的主基督耶穌臨到你。
2kuna Timotio, mwana wangu unodikamwa: Nyasha, tsitsi, nerugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu Ishe wedu.
3為主作見證不要當作羞恥我感謝 神,就是我像我祖先一樣,以清潔的良心所事奉的 神,在禱告中晝夜不斷地記念你;
3Ndinovonga Mwari wandinoshumira kubva kumadziteteguru nehana yakachena, kuti ndisingamiri ndakakurangarira paminyengetero yangu siku nesikati,
4一想起你流的眼淚,我就渴望見你,好叫我滿有喜樂。
4ndichishuva zvikuru kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro;
5我記得你心裡無偽的信心,這信心原先是在你外祖母羅以和你母親友尼基心裡的,我深信也在你的心裡。
5kana ndichisvika pakurangarira rutendo rwusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara pakutanga muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti kunogarawo mauri.
6為了這緣故,我提醒你,要把 神藉著我按手給你的恩賜,像火一樣再挑旺起來。
6Nemhaka iyi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu.
7因為 神所賜給我們的,不是膽怯的靈,而是有能力、仁愛、自律的靈。
7Nekuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba, newerudo, newefungwa dzakanaka.
8所以,不要以給我們的主作見證當作羞恥,也不要以我這為主被囚的當作羞恥,卻要為了福音的緣故,靠著 神的大能,與我同受磨難。
8Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake, asi utambudzike pamwe neni nekuda kweevhangeri zvichienderana nesimba raMwari,
9 神救了我們,以聖召呼召我們,不是按照我們的行為,卻是按照他自己的計劃和恩典;這恩典是在永世之先,在基督耶穌裡賜給了我們的,
9wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,
10但現在藉著我們救主基督耶穌的顯現,才表明出來。他廢掉了死亡,藉著福音把生命和不朽彰顯出來。
10asi zvino kunoratidzwa nekuonekwa kwemuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri,
11為這福音,我被派作傳道的、使徒和教師。
11yandakagadzirwa kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni.
12為了這緣故,我也受這些苦,但我不以為恥,因為我知道我所信的是誰,也深信他能保守我所交託他的,直到那日。
12Nemhaka yechikonzero ichi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nekuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti unogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.
13你要靠著在基督耶穌裡的信心和愛心,常常堅守從我這裡聽過的話,作為純正話語的模範;
13Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
14又要靠著那住在我們裡面的聖靈,保守所交託你的善道。
14Icho chinhu chakanaka chawakakumikidzwa uchichengete neMweya Mutsvene unogara matiri.
15你知道所有在亞西亞的人都離棄了我,他們當中有腓吉路和黑摩其尼。
15Unozviziva izvi, kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene.
16願主賜憐憫給阿尼色弗一家的人,因為他多次使我暢快,也不以我的鎖鍊為恥;
16Ishe ape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nekuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu.
17他竟然來到羅馬,迫切地尋找我,結果找到了。
17Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.
18(願主在那日使他從主那裡得著憐憫。)你也清楚知道他在以弗所是怎樣多方服事我。
18Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iroro; uye muzvinhu zvingani zvaakabatira kwandiri paEfeso iwe unozivisisa.