1所羅門定意建殿(王上5:1~6)所羅門決意要為耶和華的名建造殿宇,又為自己建造王宮。(本節在《馬索拉抄本》為1:18)
1Zvino Soromoni akada kuvakira zita raJehovha imba, neimba youshe hwake.
2於是,所羅門選派了七萬人作挑夫,八萬人在山上鑿石,三千六百人作督工。(本節在《馬索拉抄本》為2:1)
2Soromoni akaverenga varume vane zviuru zvina makumi manomwe kuzotakura mitoro, navarume vane zviuru zvina makumi masere kuzotema matanda pamakomo, navane zviuru zvitatu namazana matanhatu kuzova vatariri vavo.
3所羅門派人去見推羅王希蘭說:“你怎樣待我的父親大衛,給他運來香柏木,為他建造宮殿居住,請你也這樣待我。
3Soromoni akatuma shoko kuna Hurami mambo weTire, akati, Sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, mukavatumira misidhari yokuzvivakira nayo imba yokugaramo, mundiitirewo saizvozvo.
4現在我要為耶和華我 神的名建造殿宇,分別為聖獻給他,在他面前焚燒芬芳的香,經常擺上陳設餅,每日早晚、安息日、初一,以及耶和華我們的 神所定的節日,都獻上燔祭;這是以色列人永遠的定例。
4Tarirai, ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake zvinonhuhwira zvemiti yakanaka, nokuisapo zvingwa zvokuratidza zvenguva dzose nezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, pamasabata, napakugara komwedzi, napamitambo yakatarwa naJehovha Mwari wedu. Ndizvo zvakarairwa vaIsiraeri nokusingaperi.
5我要建造的殿宇必須宏偉,因為我們的 神偉大,超過眾神之上。
5Imba yandinovaka ihuru; nekuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwari vose.
6但誰能為他建造殿宇呢?天和天上的天也容不下他;我是誰,怎能為他建造殿宇?我不過在他面前燒香罷了。
6Asi ndianiko anogona kumuvakira imba, denga nokudenga-denga zvarisingagoni kumuringana? Zvino ini ndini aniko, kuti ndimuvakire imba, asi kungopisa zvinonhuhwira pamberi pake?
7現在請你派一個巧匠到我這裡來,他要精於使用金、銀、銅、鐵和紫色朱紅色藍色線工作,並且懂得雕刻,好與我的父親大衛在猶大和耶路撒冷預備的巧匠一同工作。
7Naizvozvo zvino chinditumirai murume akangwara pakubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, nemicheka mishava, nemitsvuku, nemitema, uye anoziva kuveza zvose, abate pamwechete navarume vakangwara vandinavo paJudha napaJerusaremu, vakaiswapo nababa vangu Dhavhidhi.
8又請你從黎巴嫩運送香柏木、松木和檀香木到我這裡來,因為我知道你的臣僕善於砍伐黎巴嫩的樹木;我的臣僕可以和你的臣僕一同工作。
8Nditumireiwo misidhari, nemisipiresi, namatanda emiarigumi yapaRibhanoni; nekuti ndinoziva kuti varanda venyu, vane njere dzokutema matanda paRibhanoni; tarirai varanda vangu vachava navaranda venyu,
9給我預備大量的木材,因為我要建造的那殿宇,將會十分宏偉。
9kundigadzirira matanda akawanda; nekuti imba yandobva ndovaka ichava huru zvinoshamisa.
10至於你的僕人,就是砍伐樹木的人,我必給他們食物,就是小麥二萬公噸、大麥二萬公噸、酒四十萬公升、油四十萬公升。”
10Tarirai, ndichapa varanda venyu, ivo vanotema matanda, zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo, nezviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvebhari, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri ewaini, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri amafuta.
11推羅王答應相助(王上5:7~12)推羅王希蘭回信給所羅門說:“耶和華因為愛自己的子民,所以立你作他們的王。”
11Ipapo Hurami mambo weTire akapindura mutsamba yaakatuma kuna Soromoni, akati, Jehovha akada vanhu vake, saka akakuita mambo wavo.
12希蘭又說:“創造天地的耶和華以色列的 神,是應當稱頌的!因為他賜給大衛王一個有智慧的兒子,有聰明有見識,可以為耶和華建造殿宇,為自己建造王宮。
12Hurami akatiwo, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akasika denga napasi, akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akangwara, akapiwa kungwara nokuziva, kuvakira Jehovha imba neimba youshe hwake.
13現在我派一個技藝精巧、滿有聰明的人來,他是我父親希蘭的匠人。
13Zvino ndatuma munhu akachenjera, akapiwa zivo, iye Hurami Abhi,
14他是但支派一個婦人的兒子,他的父親是推羅人。他精於使用金、銀、銅、鐵、石、木,以及紫色藍色朱紅色線和細麻作工,也能作各樣雕刻的工作,又能設計各樣交託他們的巧工。這人可以和你的巧匠,以及我主你父親大衛的巧匠一同工作。
14mwanakomana womukadzi pakati pavakunda vaDhani, baba vake aiva munhu weTire, anoziva kubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, namabwe, namatanda, nemicheka mishava, nemitema, nemicheka yakaisvonaka, nemicheka mitsvuku; uye kuveza kose, nokufunga mano ose; iye ngaapiwe ugaro pakati pavarume venyu vakachenjera, navarume vakachenjera vashe wangu Dhavhidhi baba venyu.
15我主所說的小麥、大麥、酒和油,請派人運來給眾僕人。
15Naizvozvo zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake gorosi, nebhari, namafuta newaini, sezvaakataura;
16我們必照著你所需要的,從黎巴嫩砍下樹木,紮成木筏,從海上運到約帕,你可以從那裡把它們運上耶路撒冷。”
16isu tichatema matanda paRebhanoni, sezvamunoda; tichaasvitsa kwamuri akabatanidzwa, aende Jopa negungwa; imwi mugokwira nawo Jerusaremu.
17選派工人(王上5:13~18)所羅門按照他父親大衛數點的數目,又數點了住在以色列地所有的外族人,他們共有十五萬三千六百人。
17Ipapo Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsiraeri, sezvavakanga vaverengwa naDhavhidhi baba vake, vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.
18他選派七萬人作挑夫,八萬人在山上鑿石頭,三千六百人作監工,督促人民工作。
18Akaraira vane zviuru zvina makumi manomwe vave vatakuri vemitoro, navane zviuru zvina makumi masere vateme matanda pamakomo, uye vane zviuru zvitatu namazana matanhatu vave vatariri kuzoraira vanhu pakubata.