聖經新譯本

Shona

2 Chronicles

3

1建造聖殿(王上6:1~10)所羅門在耶路撒冷,在耶和華向他父親大衛顯現過的摩利亞山上,就是在耶布斯人阿珥楠的禾場上,大衛預備的地方,開工建造耶和華的殿。
1Ipapo Soromoni akatanga kuvaka imba yaJehovha paJerusaremu pagomo reMoria, pakanga pazviratidza Jehovha kuna Dhavhidhi baba vake, akagadzira ipapo pakanga parairwa naDhavhidhi paburiro raOrinani muJebhusi.
2所羅門執政後第四年二月初二開始建造。
2Akatanga kuvaka pazuva repiri romwedzi wechipiri, negore rechina rokubata kwake ushe.
3所羅門建造 神殿宇的根基是這樣:按古時的尺寸,長二十七公尺,寬九公尺。
3Zvino ndidzo nheyo dzakavambwa naSoromoni pakuvaka imba yaMwari; kureba kwayo, kana vachienzanisa namakubhiti akare, makubhiti ana makumi matanhatu, noupamhi makubhiti makumi maviri.
4殿前走廊長九公尺,與殿的寬度相等;高九公尺(“高九公尺”原文作“高一百二十”;現參照古譯本修譯);裡面貼上純金。
4berere, raiva pamberi peimba, kureba kwaro kwakanga kwakafanana noupamhi bweimba, makubhiti makumi maviri, nokukwirira kwaro makubhiti ane zana namakumi maviri, akaifukidza nechomukati nendarama yakaisvonaka.
5大殿的牆都蓋上松木,又貼上精金,又在上面刻上棕樹和鍊子。
5Akafukidza imba huru namatanda omusipiresi, akafukidzwa nendarama yakaisvonaka, akavezera pamusoro pawo muchindwe namaketani.
6又用寶石裝飾殿牆,十分華美;金子都是巴瓦音的金子。
6Akashongedza imba ukomba hwamabwe anokosha; ndarama yakanga iri ndarama yeParivhaimi.
7正殿和殿的棟梁、門檻、牆壁和門扇,都貼上金子;牆上刻上基路伯。
7Akafukidzawo imba nendarama, namatanda ayo, nezvikumbaridzo zvayo, namadziro ayo, namagonhi ayo; akavezera makerubhi pamadziro.
8建造至聖所(王上6:14~36)他又建造了至聖所,長九公尺,和殿的寬度相等,寬度也是九公尺;裡面都貼上精金,共用了二十公噸金子。
8Akavakawo imba tsvene-tsvene; kureba kwayo kwakanga kwakafanana nohupamhi bweimba, makubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwayo makubhiti ana makumi maviri; akaifukidza nendarama yakaisvonaka yakasvika matarenda* mazana matanhatu.
9釘子共重五百七十克金子。閣樓也貼上金子。
9Kurema kwembambo kwakasvika mashekeri endarama ana makumi mashanu. Akafukidza makamuri okumusoro nendarama.
10在至聖所裡,雕刻了兩個基路伯,都包上金子。
10Paimba tsvene-tsvene akaita makerubhi maviri zviri zvifananidzo zvakavezwa; akaafukidza nendarama.
11兩個基路伯的翅膀共長九公尺;一個基路伯的一邊翅膀長兩公尺兩公寸,觸著殿牆;另一邊翅膀也長兩公尺兩公寸,和另一個基路伯的翅膀相接。
11Mapapiro amakerubhi akasvika makubhiti ana makumi maviri pakureba kwawo; bapiro rerimwe rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kumadziro eimba; nerimwe bapirowo rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kubapiro rerimwe kerubhi.
12另一個基路伯的一邊翅膀也長兩公尺兩公寸,觸著殿牆;另一邊的翅膀也長兩公尺兩公寸,和前一個基路伯的翅膀相接。
12Nebapiro rerimwe kerubhi rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kumadziro eimba; nerimwe bapirowo rakanga rina makubhiti mashanu, richibatana nebapiro rerimwe kerubhi.
13這兩個基路伯的翅膀都張開,共長九公尺;這兩個基路伯都面向殿內站立。
13Mapapiro amakerubhi awa akanga akatambanudzwa, akasvika makubhiti makumi maviri; akanga amire namakumbo awo, zviso zvawo zvakaringira kumba.
14所羅門又用藍色紫色朱紅色線和細麻做幔子,上面繡上基路伯。
14Akaitawo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka-naka; akasonerapo makerubhi.
15建造兩根柱子(王上7:15~22)在殿的前面又做了兩根柱子,高十五公尺半,每根柱上面的柱頂,高兩公尺兩公寸。
15Akaitawo pamberi peimba mbiru mbiri; kukwirira kwadzo kwakasvika makubhiti ana makumi matatu namashanu, nomusoro wakange uri pamusoro peimwe neimwe wakasvika makubhiti mashanu.
16又做了像項鍊的鍊子,安放在柱頭上;又做了石榴一百個,安放在鍊子上。
16Akaitawo maketani panzvimbo tsvene, akaaisa pamisoro yembiru; akaita matamba ane zana, akaaisa pamaketani.
17他把這兩根柱子立在殿前,一根在左面,一根在右面;右面的叫雅斤,左面的叫波阿斯。
17Akamisa mbiru mbiri pamberi petemberi, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe; yokurudyi akaitumidza zita rinonzi Jakini, neyokuruboshwe akaitumidza Bhowasi.