1保羅闡明他的權柄與工作我保羅與你們見面的時候是謙卑的,不在你們那裡的時候,卻是放膽的。現在我親自以基督的謙遜溫柔勸你們,
1Zvino ini Pauro ndomene ndinokukumbirisai neunyoro nokugadzikana kwaKristu wakaninipiswa pakati penyu ndiripo, asi kana ndisipo ndine chivimbo kwamuri;
2求你們使我在你們那裡的時候,不要滿有自信地放膽對你們,我認為要以這樣的自信,勇敢地對付那些以為我們是照著世俗的標準(“世俗的標準”原文作“肉體”)行事的人。
2asi ndinokumbirisa kwamuri, kuti ndirege kuva neushingi kana ndiripo nechivimbo chakadai chandinacho kumirisana nevamwe vanofunga kuti tinofamba zvinoenderana nenyama.
3我們雖然在世上行事,卻不是按照世俗的方式作戰,
3Nekuti kunyangwe tichifamba munyama, hatirwi nemitoo yenyama;
4因為我們作戰所用的兵器,不是屬於這世界的,而是在 神面前有能力的,可以攻陷堅固的堡壘,
4Nekuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvakasimba kubudikidza naMwari pakuputsa nhare;
5攻破詭辯,和做來阻擋人認識 神的一切高牆,並且把一切心意奪回來,順服基督。
5tichiwisira pasi mirangariro, nechose chakakwirira chinozvikwiridza chichipesana neruzivo rwaMwari, nekuisa muutapwa, mirangariro yose pakuteerera Kristu.
6我們已經準備好了,等你們完全順服的時候,就懲罰所有不順從的人。
6takazvigadzira kutsiva kusateerera kose, kana kuteerera kwenyu kwazadziswa.
7你們看事情,只看表面。如果有人自信是屬於基督的,他就應該再想一想:他是屬於基督的,同樣,我們也是屬於基督的。
7Imwi munotarira zvinhu nemutovo wemamiriro okunze. Kana munhu achizvivimba kuti ndewaKristu ngaazvirangarirezve, kuti sezvaari waKristu, saizvozvo isuwo tiri vaKristu.
8主把權柄賜給我們,是為了要造就你們,不是要破壞你們,就算我為這權柄誇口過分了一點,也不會覺得慚愧。
8Nekuti kunyange ndichizvikudza nezvinhu zvizhinji, ndaifanira kunyanyisa maererano nesimba redu ratakapiwa naIshe rekusimbisa, uye kwete rekukuputsirai pasi, handinganyadziswi;
9不要以為我寫信是用來嚇你們。
9kuti ndirege kuita sendinokutyityidzirai netsamba.
10因為有人說:“他的信又嚴厲又強硬,他本人卻氣貌不揚,言語粗俗。”
10Nekuti vanoti: Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba, asi kuvapo kwake pamuviri, unoutera nepakutaura une kuzvidzwa.
11說這話的人要想一想,我們不在你們那裡的時候,信上怎樣寫,我們來到的時候也會怎樣作。
11Regai wakadaro arangarire ichi, kuti sezvatakadaro pashoko nepatsamba kana tisipo saizvozvowo pakuita kwedu kana tiripo.
12我們不敢和那些自我推薦的人相提並論;他們拿自己來量自己,拿自己來比自己,實在不大聰明。
12Nekuti hatina ushingi hwekuzviverenga nekuzvifananidza nevamwe vanozvikudza; asi ivo pakati pavo vanozvienzanisa navo nokuzvifananidza pachavo, havana kuchenjera.
13我們所誇的,並沒有越過範圍,而是在 神量給我們的界限之內;這界限一直延伸到你們那裡。
13Asi isu hatingazvirumbidzi nezvinhu zvisina chipimo, asi zvinoenderana nechipimo chemuganhu wekuyera Mwari waakatitemera chipimo chekusvika nekwamuriwo.
14如果我們沒有到過你們那裡,現在就自誇得過分了;但事實上,我們早就把基督的福音傳到你們那裡了。
14Nekuti hatizvitambanudzi kupfuurikidza, setisingasvikiri kwamuri; nekuti nekwamuriwo takasvika neevhangeri yaKristu;
15我們並沒有越過範圍,拿別人的勞苦來誇口。我們盼望隨著你們信心的增長,我們的界限就因你們而大大擴展,
15tisingazvikudzi kupfuurikidza chipimo pamusoro pemabasa evamwe; asi tine tariro, kuti kana rutendo rwenyu rwuchiwanzwa, isu tichakuriswa nemwi zvinoenderana nechipimo chedu nekupfuurisa,
16使我們可以把福音傳到你們以外的地方。別人在他的界限以內所完成的工作,我們不會拿來誇口的。
16kuparidza evhangeri pamatunhu ari mhiri kwenyu, kwete kuzvirumbidza pachipimo cheumwe pamusoro pezvatogadzirwa.
17誇口的應當靠著主誇口,
17Asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe.
18因為蒙悅納的,不是自我推薦的人,而是主所推薦的人。
18Nekuti haasi uyo unozvirumbidza unogamuchirwa, asi unorumbidzwa naIshe.