1捐得樂意的人為 神喜愛關於供應聖徒的事,我本來沒有寫信給你們的必要,
1Nekuti maererano nekubatsira vatsvene, zvakanyanyisisa kuti ndikunyorerei;
2因為我知道你們有這個心願。我對馬其頓人稱讚你們,說:“亞該亞人去年已經預備好了。”你們的熱心就激勵了許多的人。
2Nekuti ndinoziva kushingaira kwendangariro dzenyu, dzandinozvirumbidza pamusoro penyu kune veMakedhonia, kuti Akaya yakanga vazvigadzirira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
3我派了那幾位弟兄前來,為了要使我們在這事上對你們的稱讚不至落空,好讓你們可以照著我所說的準備妥當,
3Zvakadaro ndakatuma hama, zvimwe kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kungava pasina pachinhu ichi, kuti sezvandakareva, muzvigadzirire;
4免得一旦馬其頓人和我一同來到的時候,見你們還沒有準備好,我們就因為這樣信任你們而感到羞愧,你們就更不用說了。
4zvimwe kuti kana vamwe veMakedhonia vachiuya neni, vakakuwanai musina kuzvigadzirira, isu tinganyadziswa pakuvimba kwedu tichizvikudza.
5因此,我認為必須勸那幾位弟兄先到你們那裡去,使你們事先籌足從前所答應的捐款。那麼,你們這樣的準備,就是出於樂意的,不是勉強的。
5Naizvozvo ndakaona zvakafanira kukurudzira hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kugadzira chipo chenyu chekuvonga chamakagara mapikira, kuti ichochi chigare chakagadzirwa chiri chipo chekuvonga asi kwete chinhu chatorwa nesimba,
6還有,少種的少收,多種的多收。
6Asi izvi kuti: Unodzvara zvishoma, unokohwawo zvishoma; neunodzvara zvizhinji, uchakohwawo zvizhinji.
7各人要照著心裡所決定的捐輸,不要為難,不必勉強,因為捐得樂意的人,是 神所喜愛的。
7Umwe neumwe ngaaite semadiro omoyo wake; kwete nekuchema, kana nekurovererwa; nekuti Mwari unoda unopa nemufaro.
8 神能把各樣的恩惠多多地加給你們,使你們凡事常常充足,多作各樣的善事。
8Uye Mwari unogona kuwanza nyasha dzose kwamuri kuti nguva dzose muve nekuringana kose pazvose, muwanze pabasa rose rakanaka;
9如經上所說:“他廣施錢財,賙濟窮人;他的仁義,存到永遠。”
9sezvazvakanyorwa zvichinzi: Iye wakaparadzira, wakapa kuvarombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi.
10但那賜種子給撒種的,又賜食物給人吃的 神,必定把種子加倍地供給你們,也必增添你們的義果。
10Zvino iye unopa mbeu kumudzvari, zvose chingwa chekudya nekuwanza mbeu dzenyu dzakadzvarwa, nekuwedzera zvibereko zvekururama kwenyu;
11你們既然凡事富裕,就可以慷慨地捐輸,使眾人藉著我們,對 神生出感謝的心。
11muchifumiswa pazvinhu zvose pakupana kose, zvinokonzera kubudikidza nesu kuvonga kuna Mwari.
12因為這供應的事,不僅補足了聖徒的缺乏,也使許多人對 神感謝的心格外增多。
12Nekuti basa rekushumira uku harizadzisi kushaiwa kwevatsvene chete, asi kunowanzisawo kuvonga kuzhinji kuna Mwari;
13眾聖徒因為你們承認和服從了基督的福音,並且慷慨地捐輸給他們和眾人,藉著你們在這供應的事上所得的憑據,就把榮耀歸給 神。
13nekuda kweuchapupu hwekushumira uku vanorumbidza Mwari pamusoro pekupupura kwenyu kwakazviisa pasi peevhangeri yaKristu, nepamusoro pekupa kwenyu zvakawanda kwavari nekune vose.
14因著 神在你們身上的厚恩,他們就為你們禱告,切切地想念你們。
14Uye nemunyengetero wavo kwamuri, vachikushuvai nekuda kwenyasha huru-huru dzaMwari pamusoro penyu.
15感謝 神,他的恩賜難以形容。
15Mwari ngaavongwe nekuda kwechipo chake chisingarondedzereki.