1喜歡誇自己的軟弱誇口固然無益,卻也是必要的。現在我要說說主的異象和啟示。
1Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri nekuti ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.
2我認識一個在基督裡的人,他十四年前被提到第三層天上去。(是帶著身體被提的呢?我不知道,是離開了身體呢?我也不知道,只有 神知道。)
2Ndinoziva munhu uri muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana zvimwe kunze kwemuviri, handizivi, Mwari unoziva), wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu.
3我認識這個人,(是帶著身體被提,還是在身體以外被提,我都不知道,只有 神知道。)
3uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari unoziva),
4他被提到樂園裡去,聽見了難以言喻的話,那是人不可以說的。
4kuti wakakwidzwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingatenderwi munhu kutaura.
5為了這個人,我要誇口,但為了我自己,除了我的軟弱以外,我沒有可誇的。
5Pamusoro pewakadai ndichazvikudza; asi pamusoro pangu handizvikudzi; asi pautera hwangu.
6即使我想誇口,也不算愚妄,因為我要說的是真話。但我閉口不提,免得有人把我看得太高,過於他在我身上所見所聞的。
6Nekuti kunyange ndichida kuzvikudza, handingavi benzi; nekuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe munhu ungandifungira kuva mukuru kune zvaakavona kana zvaakanzwa kwandiri,
7又因為我所得的啟示太大,恐怕會高抬自己,所以就有一根刺加在我的身上,就是撒但的差役來攻擊我,免得我高抬自己。
7uye kuti ini ndirege kukudzwa kupfuuridza chipimo kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa kupfuura chipimo.
8為了這事,我曾經三次求主,使這根刺離開我。
8Nekuda kwechinhu ichi, ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri.
9他卻對我說:“我的恩典是夠你用的,因為我的能力在人的軟弱上顯得完全。”所以,我更喜歡誇自己的軟弱,好讓基督的能力臨到我的身上。
9Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakuringanai; nekuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru uye utera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
10因此,我為基督的緣故,就以軟弱、凌辱、艱難、迫害、困苦為喜樂,因為我甚麼時候軟弱,甚麼時候就剛強了。
10Naizvozvo ndinofara muutera, mukunyombwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa nekuda kwaKristu; nekuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.
11表明愛哥林多教會的心我成了愚妄的人,是你們逼成的。其實你們應該稱讚我,因為我雖然算不得甚麼,卻沒有一點比不上那些“超等使徒”。
11Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nekuti ini ndaifanira kukudzwa nemwi; nekuti handizi muduku nepaduku kuvaapositori vanopfuura vose kunyange ndisi chinhu.
12我在你們中間,以各種忍耐,用神蹟、奇事和大能,作為使徒的憑據。
12Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu mukutsungirira kose, muzviratidzo nezvishamiso, nemabasa esimba.
13除了我自己沒有成為你們的重擔以外,你們還有甚麼比不上別的教會呢?這一點委屈,請原諒我吧!
13Nekuti makapfuurwa papi nedzimwe kereke, kunze kwekuti ini handina kuva mutoro kwamuri? Ndikangamwirei kusarurama uku.
14好了,我打算第三次到你們那裡去,這一次也不會成為你們的重擔,因為我所要的不是你們的東西,而是你們自己。兒女不需要為父母積財,父母卻應該為兒女積財。
14Tarirai, ndakazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handidi kuva mutoro kwamuri; nekuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nekuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana.
15至於我,我甘心樂意為你們的靈魂付上一切,鞠躬盡瘁。難道我越愛你們,就越得不到你們的愛嗎?
15Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza, nekuparadzirwa mweya yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikamwa zvishoma?
16算了!我沒有成為你們的重擔,卻是個狡猾的人,用詭計牢籠你們。
16Asi ngazvive saizvozvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndine mano, ndakakubatai nekunyengera.
17我派到你們那裡去的人,我藉著誰佔過你們的便宜?
17Ndakakutsvatai here neumwe waivo vandakatuma kwamuri?
18我勸提多到你們那裡去,又派了那位弟兄一同去。提多佔過你們的便宜嗎?我們行事,不是同一個心靈嗎?不是同樣的步伐嗎?
18Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; ko Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? uye nemumakwara mamwe here?
19你們一直以為我們是在向你們申辯嗎?我們是在基督裡,當著 神面前說話的。親愛的,一切事都是為了建立你們。
19Uye munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvinhu zvose vadikamwa kuti musimbiswe.
20我怕我來的時候,見你們不如我所想的,你們見我也不如你們所想的。又怕有紛爭、嫉妒、惱怒、自私、毀謗、讒言、狂傲、混亂的事。
20Nekuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemwi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo;
21又怕我再來的時候,我的 神使我在你們面前羞愧;並且我要為許多從前犯罪的人哀痛,因為他們行了污穢、姦淫、邪蕩的事,卻不肯悔改。
21zvimwe kana ndichisvikazve, Mwari wangu andininipise pakati penyu, ndichachemera vazhinji vaavo vakatombotadza vakasatendeuka pakusachena kwavo neupomhwe neunzenza hwavakaita.