聖經新譯本

Shona

2 Corinthians

13

1勸勉和祝福這是我第三次到你們那裡去,各樣事情必須憑兩三個證人的口,才能確定。
1Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu shoko roga roga richasimbiswa.
2我第二次到你們那裡去的時候說過,現今不在你們那裡,再預先對那些從前犯了罪的和其餘的人說:我若再來,必不寬容,
2Ndakambokuudzai, uye ndinogara ndakuudzai, sendakange ndiripo rwechipiri, ikozvino ndisipo, ndinovanyorera avo vakatadza, nekune vamwe vose kuti kana ndikauyazve, handingavaregererizve.
3因為你們在找基督藉著我說話的憑據。基督對你們不是軟弱的,相反地,在你們身上是有能力的。
3Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu unotaura mandiri, iye usingashaiwi simba kwamuri, asi une simba mamuri.
4他因著軟弱被釘死了,卻靠著 神的大能活著。我們在他裡面也是軟弱的,但靠著 神向你們所顯的大能,也必與他一同活著。
4Nekuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, asi unorarama nesimba raMwari. Nekuti isuwo hatina simba maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri.
5你們應當察驗自己是不是持守著信仰,也應當考驗自己。難道不曉得基督耶穌是在你們裡面嗎?(除非你們是經不起考驗的人。)
5Zviongororei kana muri parutendo; zvinzverei mumene, Hamuzivi here imwi mumene kuti Jesu Kristu uri mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakarashwa.
6我盼望你們曉得,我們不是經不起考驗的人。
6Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti hatisi vakarashwa.
7我們祈求 神,使你們不作甚麼惡事。這並不是要顯明我們是經得起考驗的,而是要你們行善;我們呢,就讓我們作經不起考驗的人好了!
7Zvino ndinonyengetera kuna Mwari kuti musaita chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike setakatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa.
8我們不能作甚麼事違背真理,只能維護真理。
8Nekuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chechokwadi.
9當我們軟弱、你們剛強的時候,我們就歡喜;我們所求的,就是要你們完全。
9Nekuti tinofara kana isu tine utera asi imwi makasimba; uye izvi tinozvinyengetererawo, kuzadziswa kwenyu.
10因此,我趁著不在你們那裡的時候,把這些話寫給你們,到我來了,就不必憑著主所給我的權柄嚴厲地對待你們。這權柄不是要拆毀你們,而是要建立你們。
10Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba randakapiwa naIshe rekusimbisa, kwete rekuputsa.
11最後,弟兄們,你們要喜樂,要完全,要受安慰,要同心,要和睦。這樣,施慈愛賜平安的 神必與你們同在。
11Pakupedzisira, hama, farai, muzadziswe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare uchava nemwi.
12你們要用聖潔的親嘴彼此問安。
12Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
13眾聖徒都問候你們。
13Vatsvene vose vanokukwazisai.
14願主耶穌基督的恩惠, 神的慈愛,聖靈的契通,常與你們眾人同在。
14Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mose. Ameni.