聖經新譯本

Shona

Galatians

1

1問安作使徒的保羅(不是由於人,也不是藉著人,而是藉著耶穌基督和那使他從死人中復活的父 神),
1Pauro muapositori usingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi unobva kubudikidza naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kuvakafa,
2和所有與我在一起的弟兄,寫信給加拉太的眾教會。
2nehama dzose dzineni, kukereke dzeGaratia:
3願恩惠平安從我們的父 神和主耶穌基督臨到你們。
3Nyasha kwamuri norugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu,
4基督照著我們父 神的旨意,曾經為我們的罪捨己,為的是要救我們脫離現在這邪惡的世代。
4wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panguva yakaipa yaikozvino, nechido chaMwari naBaba vedu;
5願榮耀歸給他,直到永永遠遠。阿們。
5kwaari kune kurumbidzwa kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
6福音只有一個我很驚奇,你們這麼快就離開了藉著基督的恩呼召你們的那一位,去歸向別的福音。
6Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kupandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri;
7其實那並不是另一個福音,只是有些攪擾你們的人,想把基督的福音改變了。
7isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachida kutsaudzira evhangeri yaKristu.
8但無論是我們,或是從天上來的使者,如果傳給你們的和我們以前傳給你們的福音不同,他就該受咒詛。
8Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga akaparidza imwe evhangeri kwamuri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave wakapiwa rushambwa.
9我們已經說過,現在我要再說,如果有人傳給你們的和你們以前所領受的福音不同,他就該受咒詛。
9Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana umwe akaparidza imwe evhangeri kwamuri yakasiyana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakapiwa rushambwa.
10我現在是要得人的歡心,還是要得 神的歡心呢?難道我想討人歡喜嗎?如果我仍然要討人歡喜,就不是基督的僕人了。
10Nekuti zvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nekuti kana ndichiri kufadza vanhu, handifaniri kuva muranda waKristu.
11保羅得啟示作使徒弟兄們,我要你們知道,我所傳的福音,並不是照著人的意思,
11Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haisi yekuita kwevanhu.
12因為這福音我不是從人領受的,也不是人教導我的,而是藉著耶穌基督的啟示來的。
12Nekuti neni handina kuigamuchira kumunhu kana kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu.
13你們聽過我從前在猶太教中所行的:怎樣極力逼迫殘害 神的教會,
13Nekuti makanzwa zvemufambiro wangu munguva yapfuura pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari kupfuura chipimo sei, nokuiparadza;
14怎樣在猶太教中比許多本族同輩的人更激進,為我祖先的傳統分外熱心。
14uye ndakabudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzemadzibaba angu.
15然而,當我在母腹裡就把我分別出來,又用他的恩呼召我的那一位,
15Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake.
16既然樂意把自己的兒子啟示給我,使我可以在外族人中傳揚他,我就沒有和任何人(“人”直譯“肉和血”)商量,
16kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa;
17也沒有上耶路撒冷見那些比我先作使徒的,卻去了阿拉伯,然後再回到大馬士革。
17uye handina kukwira kuJerusarema kuna avo vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda Arabhiya, ndikadzokerazve Dhamasiko.
18過了三年,我才上耶路撒冷去見磯法,和他住了十五天。
18Zvino shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi mashanu.
19至於其餘的使徒,除了主的弟弟雅各以外,我都沒有見過。
19Asi handina kuvona mumwe wavaapositori, kunze kwaJakobho munin'ina waIshe.
20在 神面前我敢說,我寫給你們的都不是謊話。
20Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari handinyepi.
21後來,我到了敘利亞和基利家一帶的地方。
21Shure kwaizvozvo ndakasvika kumatunhu eSiria neKirikia.
22那時,在基督裡的猶太眾教會還沒有見過我的面,
22Asi ndakanga ndisingazikamwi pachiso nekereke dzeJudhiya dzaiva muna Kristu;
23不過聽說“那個從前迫害我們的,現在竟然傳揚他以前所殘害的信仰”,
23asi vakange vanzwa chete, kuti waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza,
24他們就因著我的緣故頌讚 神。
24vakarumbidza Mwari mandiri.