1表明是 神的僕人我們這些與 神同工的,也勸你們不要白受 神的恩典。
1Zvino zvatinobatawo pamwe, tinokumbira zvikuruwo kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina.
2因為他說:“在悅納的時候,我應允了你;在拯救的日子,我幫助了你。”看哪!現在就是悅納的時候,現在就是拯救的日子。
2Nekuti unoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarirai, zvino nguva yakafanira; tarirai ikozvino zuva rekuponeswa.
3我們凡事都沒有妨礙人,不讓這職分受到毀謗,
3Hatigumbusi nechinhu, kuti kushumira kurege kumhurwa;
4反而在各樣的事上,表明自己是 神的僕人,就如持久的忍耐、患難、貧乏、困苦、
4asi pazvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, pamanikidzo, pakushaiwa, pakumanikidzwa,
5鞭打、監禁、擾亂、勞苦、不睡覺、禁食、
5pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa, pakusavata, pakutsanya,
6純潔、知識、容忍、恩慈、聖靈、無偽的愛心、
6pautsvene, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri;
7真理的道、 神的大能等事上;並且是藉著左右兩手中公義的武器,
7pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama, kurudyi nekuruboshwe,
8藉著榮耀和羞辱、壞名聲和好名譽。我們好像是騙人的,卻是真誠的,
8nekukudzwa nekuzvidzwa, neguhu rakaipa neguhu rakanaka; sevanyepedzeri, asi tiri vechokwadi;
9好像是人所不知的,卻是人所共知的;好像是必死的,你看,我們卻是活著的;好像是受懲罰的,卻沒有處死;
9sevasingazikamwi, asi tichizikamwa zvikuru; sevanofa, asi tarirai, tiri vapenyu; sevanorohwa, asi tisingaurawi;
10好像憂愁,卻是常常喜樂的;好像貧窮,卻使很多人富足;好像是甚麼都沒有,卻是樣樣都有。
10sevanoshungurudzwa, asi tichigara tichifara; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; savasine chinhu, asi tine zvose.
11哥林多人哪!我們對你們,口是坦率的,心是寬宏的。
11Imwi veKorinde, muromo wedu wakashama kwamuri, moyo wedu wakuriswa.
12並不是我們對你們器量小,而是你們自己心胸狹窄。
12Hamumanikidzwi matiri, asi munomanikidzwa mumoyo menyu.
13你們也要照樣以寬宏的心對待我們,這話正像是我對兒女說的。
13Zvino pakutsiva kwakadaro, ndinotaura sekune vana vangu, imwiwo mukuriswe.
14分別為聖你們和不信的人不可共負一軛,義和不法有甚麼相同呢?光明和黑暗怎能相通呢?
14Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nekuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingabatana sei nerima?
15基督和彼列(“彼列”是撒但的別名)怎能和諧呢?信的和不信的有甚麼聯繫呢?
15Kristu unokunzwana kwei naBeriari? Unotenda ungava nemugove wei neusingatendi?
16 神的殿和偶像怎能協調呢?我們就是永生 神的殿,正如 神說:“我要住在他們中間,在他們中間來往;我要作他們的 神,他們要作我的子民。”
16Tembere yaMwari ine chitenderano chei nezvifananidzo? Nekuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva achiti: Ndichagara mavari, nekufamba mavari; ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
17所以,“主說:你們要從他們中間出來,和他們分開,不可觸摸不潔淨的東西,我就收納你們。”
17Naizvozvo budai pakati pavo, muraurwe, ndizvo zvinotaura Ishe, uye musabata chine tsvina; uye ini ndichakugamuchirai,
18“我要作你們的父親,你們要作我的兒女。這是全能的主說的。”
18Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Wemasimbaose.