1所以,親愛的,我們有了這些應許,就應該潔淨自己,除去身體和心靈上的一切污穢,存著敬畏 神的心,達到成聖的地步。
1Zvino zvatine zvivimbiso izvi vadikamwa, ngatizvinatse patsvina dzose dzenyama nemweya, tikwanise utsvene mukutya Mwari.
2哥林多人悔改,保羅得喜樂你們的心要容得下我們。我們沒有虧負過誰,沒有損害過誰,也沒有佔過誰的便宜。
2Tigamuchirei; hatina kutadzira munhu, hatina kutadzisa munhu, hatina kubiridzira munhu.
3我這樣說,不是要定你們的罪,因為我從前說過,你們常在我們心裡,甚至可以同生共死。
3Handitauriri kupa mhosva; nekuti ndamboreva kuti imwi muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe.
4我對你們大有信心,因你們而感到十分光榮;我心裡滿有安慰,在我們的一切患難中,格外充滿喜樂。
4Ushingi hwekutaura kwangu kwamuri hwukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndinofara zvikurusa pamatambudziko edu ose.
5我們從前到了馬其頓的時候,身體一點安寧也沒有,反而處處遭受患難,外面有爭戰,裡面有恐懼。
5Nekuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takatambudzwa pamativi ose; kunze kukakavara, mukati kutya.
6但那安慰灰心的人的 神,藉著提多來到,安慰了我們;
6Asi Mwari, unonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito;
7不但藉著他來,也藉著他從你們所得的安慰,安慰了我們。他把你們的渴望、你們的哀慟和你們對我的熱誠,都告訴了我們,因此我就更加歡喜了。
7uye kwete nekusvika kwake chete, asiwo nekunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, paakatiudza zvechishuwo chenyu chemoyo wose, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara.
8雖然我在那封信上使你們憂傷,但我現在並不後悔;其實我曾經有點後悔,因為知道那封信使你們憂傷,雖然只是暫時的。
8Nekuti kunyange ndakakushungurudzai netsamba, handizvidyi moyo; kunyange ndichizvidya moyo; nekuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakushungurudzai, asi yakanga iri nguva duku.
9現在我快樂,不是因為你們憂傷,而是因為你們的憂傷帶來了悔改。你們依照 神的意思憂傷,凡事就不會因我們受到虧損。
9Zvino ndinofara, kwete nekuti makashungurudzwa, asi kuti makashungurudzika mukatendeuka; nekuti makashungurudzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurashikirwa nechinhu nekuda kwedu.
10因為依照 神的意思而有的憂傷,可以生出沒有懊悔的悔改,以致得救;世俗的憂傷卻會招致死亡。
10Nekuti kuchema kweuMwari kunouyisa kutendeukira kuruponeso, kwete kuzvidya moyo nako; asi kushungurudzika kwenyika kunouyisa rufu.
11看哪,你們依照 神的意思憂傷,在你們中間就產生了怎樣的熱情、申訴、憤慨、戰兢、渴望、熱誠、正義;你們在各方面都表明了自己在那事上是清白的。
11Nekuti tarirai chinhu chimwe ichocho chekuti makashungurudzika nenzira yeuMwari, chakauyisa mukati menyu kunanzerera kwakadini, hongu nekuzvichenura, hongu kutsamwa, hongu kutya, hongu chishuvo chakasimba, hongu kurwadza moyo, hongu kutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
12因此,從前我雖然寫過信給你們,卻不是為了那虧負人的,也不是為了那受害的,而是在 神面前把你們對我們的熱情,向你們顯現出來。
12Naizvozvo kunyange ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwaiye wakaita zvisakarurama, kana nekuda kwaiye wakaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwedu nekuda kwenyu kuonekwe nemwi pamberi paMwari.
13因此,我們得了安慰。在這安慰之外,我們因提多的喜樂就更加歡喜,因為他的心從你們眾人那裡得到暢快。
13Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu asi takafara zvikuru kwazvo pamusoro pemufaro waTito, nekuti mweya wake wakavandudzwa nemwi mose.
14我若對他誇獎過你們甚麼,也不覺得慚愧。我們對你們所說的是真話,照樣,我們在提多面前誇獎你們的也是真的。
14Nekuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvose kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakavonekwa kuri chokwadi.
15並且他想起你們眾人的服從,怎樣恐懼戰兢地接待他,他懷念你們的心就更加熱切了。
15Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mose, kuti makamugachira sei nekutya nekudedera.
16現在我很歡喜,因為在一切事上我對你們都有信心。
16Ndinofara naizvozvo kuti pazvose ndine chivimbo nemwi.