聖經新譯本

Shona

2 Kings

1

1以利亞預言亞哈謝必死亞哈死後,摩押背叛以色列。
1Zvino vaMoabhu vakamukira vaIsiraeri, shure kokufa kwaAhabhi.
2有一天,亞哈謝在撒瑪利亞,從樓上的窗戶掉下來,他就病了;於是他差派使者,對他們說:“你們去求問以革倫的神巴力.西卜,我這個病到底能否復原?”
2Zvino Ahazia wakange awira pasi napahwindo yekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.
3但耶和華的使者對提斯比人以利亞說:“你動身上去迎著撒瑪利亞王的使者,對他們說:‘你們去求問以革倫的神巴力.西卜,是因為以色列中沒有 神嗎?
3Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?
4因此,耶和華這樣說:你必不能從你躺上去的那張床上下來,因為你必定死。’”於是以利亞去了。
4Naizvozvo zvanzi naJehovha, Haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa. Eria akabva.
5眾使者回到亞哈謝那裡;他對他們說:“你們為甚麼回來呢?”
5Ipapo nhume dzakadzokera kwaari, iye akati kwavari, Madzokereiko?
6他們對王說:“有一個人上來迎著我們,又對我們說:‘去吧,回到那差派你們的王那裡,對他說:耶和華這樣說:你派人去求問以革倫的神巴力.西卜,是因為以色列中沒有 神嗎?因此,你必不能從你躺上去的那張床上下來,因為你必定死。’”
6Ivo vakati kwaari, Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai, muti kwaari, Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.
7王對他們說:“那上來迎著你們,又對你們說這番話的是個怎樣的人?”
7Akati kwavari, Murume, wakauya akasangana nemi, akakuudzai mashoko awo, wakange akadiniko?
8他們對王說:“那人穿著毛皮衣,腰間束上皮帶。”王說:“這人必是提斯比人以利亞。”
8Vakamupindura vakati, wakange ari murume wakafuka nguvo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanhire reganda. Iye akati, Ndiye Eria muTishibhi.
9於是王差派一個五十夫長和他的五十名手下到以利亞那裡;那位五十夫長就上到以利亞那裡去。他看見以利亞正坐在山頂上,就對以利亞說:“神人哪!王吩咐你下來。”
9Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Burukai.
10以利亞回答五十夫長說:“如果我是神人,願火從天降下,把你和你的五十名手下吞滅。”於是有火從天降下,吞滅了五十夫長和他的五十名手下。
10Eria akapindura, akati kumukuru wavana makumi mashanu, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.
11王再次派一個五十夫長和他的五十名手下到以利亞那裡去。那五十夫長對以利亞說:“神人哪!王這樣吩咐:‘你趕快下來。’”
11Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Kurumidzai muburuke.
12以利亞回答他們說:“如果我是神人,願火從天降下,把你和你的五十名手下吞滅。”於是 神的火從天降下,吞滅了五十夫長和他的五十名手下。
12Eria akapindura, akati kwavari, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto waMwari ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.
13王又派出第三名五十夫長和他的五十名手下;那五十夫長來到,就雙膝跪在以利亞面前,懇求他,對他說:“神人哪!願我的性命和這五十個僕人的性命在你眼中看為寶貴。
13Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, anavanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari, Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwavaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.
14看哪!曾經有火從天降下,吞滅了先前兩個五十夫長和他們各五十名手下;現在,願我的性命在你眼中看為寶貴。”
14Tarirai, moto wakaburuka kudenga, ukapisa vakuru vaviri vavana makumi mashanu vokutanga navanhu vavo vana makumi mashanu; naizvozvo upenyu hwangu zvino ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.
15耶和華的使者對以利亞說:“你和他下去吧,不要怕他。”於是以利亞起來,和他下山到王那裡去了。
15Ipapo mutumwa waJehovha akati kuna Eria, Buruka naye, usamutya hako. Akasimuka, akaenda naye kuna mambo.
16以利亞對亞哈謝說:“耶和華這樣說:‘你差派使者去求問以革倫的神巴力.西卜,是因為以色列中沒有 神可以求問嗎?因此,你必不能從你躺上去的那張床上下來,因為你必定死。’”
16Akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawakatuma nhume kundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, waungabvunza shoko rake? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.
17亞哈謝逝世亞哈謝果然死了,正如耶和華藉以利亞所宣告的話。因為他沒有兒子,他的弟弟約蘭就接續他作王,那時是猶大王約沙法的兒子約蘭第二年。
17Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nekuti iye wakange asina mwana.
18亞哈謝其餘所行的事蹟,不是都寫在以色列諸王的年代誌上嗎?
18Mamwe mabasa aAhazia aakabata, haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?