聖經新譯本

Shona

2 Kings

2

1以利亞被接升天耶和華將要用旋風接以利亞往天上去的時候,以利亞和以利沙一起離開吉甲。
1Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eria nayo kudenga nechinyamupupuri, Eria akaenda naErisha vachibva Girigari.
2以利亞對以利沙說:“你留在這裡吧,因為耶和華差派我到伯特利去。”以利沙說:“我指著永活的耶和華和你的性命起誓:我必不離開你。”於是他們下到伯特利去。
2Eria akati kuna Erisha, Iwe chigara pano,nokuti Jehovha wakandituma Bhetieri. Erisha akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusii. Naizvozvo vakaburukira Bhetieri.
3在伯特利的先知門徒出來見以利沙,對他說:“你知道今天耶和華要接你的老師離開你嗎?”他說:“我已經知道了,你們別再多說。”
3Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati, Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.
4以利亞對以利沙說:“你留在這裡吧,因為耶和華差派我往耶利哥。”他說:“我指著永活的耶和華和你的性命起誓:我必不離開你。”於是他們來到耶利哥。
4Eria akati kwaari, Erisha, iwe chigara pano, nekuti Jehovha wakandituma Jeriko. lye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Naizvozvo vakasvika Jeriko.
5在耶利哥的先知門徒前來見以利沙,對他說:“你知道今天耶和華要接你的老師離開你嗎?”他說:“我已經知道了,你們別再多說。”
5Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati, Hongu, ndinoziva, nyararai henyu.
6以利亞對他說:“你留在這裡吧,因為耶和華差派我往約旦河去。”以利沙說:“我指著永活的耶和華和你的性命起誓:我必不離開你。”於是他們二人繼續前行。
6Eria akati kwaari, Iwe chigara pano, nekuti Jehovha wakandituma kwaJoridhani. Iye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Ivo vari vaviri vakapfuura havo.
7先知門徒中有五十人跟著他們,遠遠地站在他們對面;他們二人在約旦河河邊站著。
7Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vari vaviri vakamira paJoridhani.
8以利亞拿著自己的外衣,把它捲起,擊打河水,河水就左右分開,他們二人就在乾地上走過去了。
8Ipapo Eria akatora nguvo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.
9他們過去之後,以利亞對以利沙說:“在我沒有被接離開你以先,我可以為你作些甚麼,你儘管求吧!”以利沙說:“求你使你的靈雙倍地臨到我。”
9Zvino vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri. Erisha akati, Ndipei migove miviri yomweya wenyu.
10以利亞說:“你所求的是一件難事,不過我被接離開你的時候,如果你看見我,就必得著,否則就得不著了。”
10Akati, Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.
11他們邊走邊談的時候,忽然,有火車火馬把他們二人分開,以利亞就在旋風中被接往天上去了。
11Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri.
12以利沙看見,就喊叫:“我父!我父!以色列的戰車馬兵啊!”跟著就不再看見他了。以利沙抓住自己的衣服,把它撕成兩片。
12Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza Akasazomuonazve; akabata nguvo dzake akadzibvarura napakati.
13他拾起以利亞身上掉下來的外衣,就回去,站在約旦河河邊。
13Akanonga jasi raEria rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamahombekombe aJoridhani;
14他拿著從以利亞身上掉下來的外衣,擊打河水,說:“耶和華以利亞的 神在哪裡呢?”他一擊打河水,河水就左右分開,以利沙就走過去了。
14akatora jasi raEria rakanga rawa kwaari, akarova mvura,
15那些耶利哥的先知門徒在遠處看見,就說:“以利亞的靈在以利沙身上了。”他們就來迎接他,俯伏在地拜他。
15Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, Mweya waEria wogara pamusoro paErisha. Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake.
16他們對他說:“請看,你的僕人這裡有五十個壯士;請讓他們去尋找你的老師,或者耶和華的靈把他提去,丟在某一座山上,或某一處山谷裡。”以利沙說:“你們不必派人去了。”
16Vakati kwaari, Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata. Iye akati, Regai henyu kuvatuma.
17他們懇求他,使他不好意思推辭,於是他說:“你們派人去吧。”他們就派出五十個人,尋覓了三天,仍然找不著。
17Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, Tumai henyu. Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.
18於是他們回到以利沙那裡;那時,他還停留在耶利哥,他對他們說:“我不是告訴了你們不必去的嗎?”
18Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, Handina kukuudzai here, ndikati Regai kuenda.
19以利沙治好耶利哥惡劣的水那城的人對以利沙說:“請看這城的地勢很好,老師你也看見,可惜水惡劣,以致此地沒有出產。”
19Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.
20以利沙說:“給我拿一個新碗來,裡面要盛點鹽。”他們就把碗拿給他。
20Iye akati, Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyumo. Vakamuvigira iyo.
21他就出去到水源那裡,把鹽倒在那裡,然後說:“耶和華這樣說:‘我已經醫好了這水,從此不再有人死亡,地也不再沒有出產了。’”
21Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, Zvanzi naJehovha, Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.
22那水果然治好了,直到今日,正如以利沙所說的話。
22Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha.
23以利沙從那裡上伯特利去,正沿路上去的時候,從城裡有一班年輕人走出來,譏笑他,說:“禿頭的上去吧!禿頭的上去吧!”
23Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamusweveredza, zvikati kwaari, Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!
24以利沙回頭看著他們,奉耶和華的名咒詛他們。於是有兩隻母熊從樹林裡走出來,撕裂了他們中間四十二個年輕人。
24Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.
25以利沙從那裡上迦密山,又從迦密山回到撒瑪利亞。
25Akabvapo akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo akadzokera Samaria.