聖經新譯本

Shona

Acts

10

1哥尼流蒙主指示在該撒利亞有一個人,名叫哥尼流,是意大利營的百夫長。
1Kwakange kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,
2他是一個虔誠的人,他和全家都敬畏 神,對人民行過許多善事,常常向 神禱告。
2wakazvipira uye unotya Mwari pamwe neimba yake yose, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yose;
3有一天,大約下午三點鐘,他在異象中,清清楚楚看見 神的一位天使來到他那裡,對他說:“哥尼流!”
3akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo!
4他定睛一看,害怕起來,說:“主啊,甚麼事?”天使說:“你的禱告和善行,已經達到 神面前,蒙他記念了。
4Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari.
5現在你要派人到約帕去,請那個名叫彼得的西門來。
5Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni unonzi Petro;
6他在一個製皮工人西門的家裡作客,房子就在海邊。”
6unogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri pagungwa; iye uchakuudza zvaunofanira kuita.
7和他說話的天使走了之後,他就叫了兩個家僕和侍候他的一個虔誠的士兵來,
7Zvino mutumwa wakange ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzose,
8把一切事向他們講明,然後派他們到約帕去。
8zvino wakati arondedzera zvinhu zvose kwavari, akavatuma kuJopa.
9彼得見異象(徒11:5~14)第二天,大約正午,他們走近那座城的時候,彼得上了房頂去禱告。
9Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu.
10那家人正在預備飯的時候,彼得覺得餓了,很想吃飯。這時候他魂遊象外,
10Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira chiyeverwa chikamuwira;
11看見天開了,有一件東西,好像一塊大布,綁著四角,降在地上。
11ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchichiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi.
12裡面有地上的各樣四足牲畜,還有昆蟲和天空的飛鳥。
12Maiva nemhuka dzose dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
13有聲音對他說:“彼得,起來,宰了吃!”
13Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye.
14彼得說:“主啊,千萬不可!我從來不吃俗物和不潔的東西。”
14Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nekuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina.
15第二次又有聲音對他說:“ 神所潔淨的,你不可當作俗物。”
15Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba.
16這樣一連三次,那件東西就立刻收回天上去了。
16Zvino izvi zvakaitwa kusvikira katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga.
17彼得猶豫不定,不明白所看見的異象是甚麼意思,恰好哥尼流派來的人,找到西門的家,站在門口,
17Zvino Petro wakati achiri kukahadzika maari kuti chiratidzo chaakange aona chairevei, zvino tarira, varume vakange vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo,
18大聲問:“有沒有一個名叫彼得的西門在這裡作客?”
18vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, unonzi Petro achigarapo.
19彼得還在思量那異象,聖靈對他說:“你看,有三個人來找你!
19Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.
20起來,下去吧,跟他們一起去,不要疑惑,因為是我差他們來的。”
20Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usingakahadziki chinhu; nekuti ndini ndavatuma.
21於是彼得下樓到他們那裡,說:“看,我就是你們所要找的人。你們是為甚麼來的?”
21Petro ndokuburukira kuvarume vakange vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira?
22他們說:“百夫長哥尼流是個義人,敬畏 神,全猶太族都稱讚他。他得到一位聖天使的指示,請你到他家裡,要聽你的話。”
22Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neunotya Mwari, unopupurwa nerudzi rwose rwevaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri.
23彼得就請他們進去,留他們住下。第二天,彼得動身跟他們一同去,另有約帕的幾位弟兄同行。
23Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza.
24第三天,他們到了該撒利亞。哥尼流已經招聚了自己的親戚好友在恭候他們。
24Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo wakange akavamirira, uye akadanira pamwechete hama dzake neshamwari dzepedo.
25彼得一進去,哥尼流就迎接他,俯伏在他腳前叩拜。
25Zvino zvakaitika kuti Petro apinde, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata.
26彼得扶起他,說:“起來,我也是人。”
26Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo.
27彼得和他說了話,就進去,看見許多人聚集在那裡,
27Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana,
28就對他們說:“你們知道,猶太人本來是不准和外國人接近來往的,但 神已經指示了我,不可把任何人當作凡俗或不潔的。
28ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena;
29所以我一被邀請,就毫不推辭地來了。現在請問:你們請我來是為甚麼事?”
29naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodamwa. Naizvozvo ndinobvunza, kuti mandidanira chinangwai?
30哥尼流說:“四天以前下午三點鐘,我在家裡禱告的時候,忽然有一位身穿光明衣服的人,站在我面前,
30Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvikira paawa rino ndakange ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndakange ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya,
31說:‘哥尼流,你的禱告已蒙垂聽,你的善行在 神面前已蒙記念。
31ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari.
32你要派人到約帕去,請那個名叫彼得的西門來。他在海邊一個製皮工人西門的家作客。’
32Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni unonzi Petro; iye unogara mumba maSimoni musuki wematehwe pagungwa; iye kana auya uchataura newe.
33所以我立刻派人去請你,現在你來了,好極了!我們都在 神面前,要聽主吩咐你的一切話。”
33Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tose tiripo pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvose zvamakarairwa naIshe.
34彼得對哥尼流全家講道彼得就開口說:“我實在看出 神是不偏待人的。
34Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi mutarisi wezviso zvevanhu;
35原來在各民族中,凡敬畏他而行義的,都蒙他悅納。
35asi parudzi rupi nerupi uyo unomutya achiita kururama unogamuchirika kwaari.
36 神藉著耶穌基督(他是萬有的主)傳和平的福音,把這道傳給以色列人。
36Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevose).
37你們知道:在約翰傳講洗禮之後,這道從加利利傳遍了猶太,
37Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya yose, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza;
38並且知道 神怎樣用聖靈和能力膏立拿撒勒人耶穌。他到各處行善事,醫好所有被魔鬼壓制的人,因為 神與他同在。
38raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vose vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nekuti Mwari waiva naye.
39我們就是他在猶太人之地和耶路撒冷所行一切事的見證人;他們竟然把他掛在木頭上,殺了他。
39Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita zvose munyika yevaJudha nemuJerusarema; iye wavakaponda, nekuremberedza pamuti.
40 神叫他第三天復活,並且使他顯現,
40Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe
41不是顯現給所有的人看,而是給 神預先揀選的見證人看,就是我們這些在他從死人中復活之後,與他一同吃喝的人。
41kwete kuvanhu vose, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekumwa naye, mushure mekunge amuka kuvakafa.
42他吩咐我們向人民傳講,鄭重證明他是 神所立,審判活人死人的主。
42Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.
43所有先知都為他作見證:所有信他的,都必藉著他的名,罪得赦免。”
43Vaporofita vose vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani unotenda maari uchagamuchira kangamwiro yezvivi.
44外族人領受聖靈彼得還在說話的時候,聖靈降在所有聽道的人身上,
44Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akawira pamusoro pavo vose vakanzwa shoko.
45那些受了割禮、跟彼得一同來的信徒,因為聖靈的恩賜也澆灌在外族人的身上,都很驚訝;
45Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vose vakange vauya naPetro, nekuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chakange chadururwa;
46原來聽見他們講方言,尊 神為大。於是彼得說:
46nekuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:
47“這些人既然領受了聖靈,跟我們一樣,誰能禁止他們受水的洗禮呢?”
47Kune munhu unogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo?
48就吩咐他們奉耶穌基督的名受洗。後來,他們請彼得住了幾天。
48Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.