1掃羅悔改歸主(徒22:3~16,26:9~18)掃羅仍向主的門徒發恐嚇兇殺的話。他到大祭司那裡,
1Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuponda akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,
2要求他發公函給大馬士革各會堂,如果發現奉行這道的人,准他連男帶女緝拿到耶路撒冷。
2akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyi vose varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.
3他快到大馬士革的時候,忽然有光從天上向他四面照射。
3Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;
4他仆倒在地,聽見有聲音對他說:“掃羅,掃羅!你為甚麼迫害我?”
4zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?
5他說:“主啊,你是誰?”主說:“我就是你所迫害的耶穌。
5Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha; zvinokuremera kukava zvibayo.
6起來,進城去!你應當作的事,一定有人告訴你。”
6Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.
7同行的人,聽見聲音,卻看不見人,只是目瞪口呆地站在那裡。
7Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.
8掃羅從地上爬起來,睜開眼睛,卻甚麼也看不見。他們牽著他的手,領他進大馬士革。
8Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa Dhamasiko.
9他三天都不能看見甚麼,不吃也不喝。
9Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.
10在大馬士革,有一個門徒名叫亞拿尼亞,主在異象中對他說:“亞拿尼亞!”他說:“主啊,我在這裡。”
10Zvino pakange pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.
11主說:“起來,到那叫直街的路上去,要在猶大家裡找一個大數人,名叫掃羅。你看,他正在禱告,
11Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu unonzi Sauro, weTaso; nekuti tarira unonyengetera,
12在異象中他看見一個人,名叫亞拿尼亞,進來為他按手,使他可以再看得見。”
12uye waona muchiratidzo murume unonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.
13但亞拿尼亞回答:“主啊,我聽見許多人說起這個人,他在耶路撒冷作了許多苦害你聖徒的事;
13Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;
14並且他在這裡得到祭司長的授權,要捆綁所有求告你名的人。”
14uye pano une simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vose vanodana zita renyu.
15主對他說:“你去吧!這人是我揀選的器皿,為要把我的名傳給外族人、君王和以色列人。
15Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nekuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo, nevana vaIsraeri;
16我要指示他,為了我的名他必須受許多的苦。”
16nekuti ini ndichamuratidza kuti unofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.
17掃羅在大馬士革傳道亞拿尼亞就去了,進了那家,為掃羅按手,說:“掃羅弟兄,在你來的路上向你顯現的耶穌,就是主,差我來使你可以看見,又被聖靈充滿。”
17Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.
18立刻有鱗狀的東西,從掃羅的眼裡掉下來,他就能看見了。於是起來,受了洗,
18Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.
19吃過了飯,就有氣力了。他和大馬士革的門徒一同住了幾天,
19Zvino wakati agamuchira chikafu akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.
20隨即在各會堂傳講耶穌,說他是 神的兒子。
20Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.
21聽見的人都很驚奇,說:“在耶路撒冷殘害求告這名的,不是這個人嗎?他來這裡不是要緝拿他們交給祭司長嗎?”
21Asi vose vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?
22然而掃羅更加有能力,駁倒住在大馬士革的猶太人,證明耶穌是基督。
22Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza vaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.
23掃羅逃脫猶太人的謀害過了許多日子,猶太人商議要殺掉掃羅;
23Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, vaJudha vakarangana pamwechete kuti vamuuraye;
24但他們的計謀給掃羅知道了。他們就在各城門日夜把守,要殺掉他。
24asi zano ravo rakazikamwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;
25於是他的門徒就漏夜用大籃子把他從城牆上縋下去。
25asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.
26掃羅到了耶路撒冷,想要接近門徒,但大家都怕他,不信他是個門徒。
26Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vose vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.
27只有巴拿巴接待他,帶他去見使徒,把他怎樣在路上看見主,主向他說話,和他怎樣在大馬士革奉耶穌的名放膽講道,都講了出來。
27Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti wakange ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.
28於是掃羅在耶路撒冷和門徒一同出入,奉主的名放膽講道,
28Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,
29並且與講希臘話的猶太人談論辯駁,那些人卻想下手殺他。
29ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataura achipikisa vaHerenisiti*; asi vakaidza kumuuraya.
30弟兄們知道了,就送他到該撒利亞,差他往大數去。
30Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.
31那時猶太、加利利、撒瑪利亞各處的教會,都得到平安,被建立起來,存著敬畏主的心過生活,並且因著聖靈的激勵,人數增多起來。
31Naizvozvo kereke paJudhiya yose neGarirea neSamaria dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.
32彼得醫好以尼雅彼得周遊各地的時候,也到了住在呂大的聖徒那裡。
32Zvino zvakaitika Petro achigiura nzvimbo dzose, akaburukirawo kuvatsvene vakange vagere paRidha.
33他遇見一個人,名叫以尼雅,害了癱瘓病,在床上躺臥了八年。
33Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, wakange avete panhovo makore masere, akafa mitezo.
34彼得對他說:“以尼雅,耶穌基督醫好你了!起來,收好你的褥子!”他就立刻起來。
34Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka, uzviwarurire. Zvino akasimuka pakarepo.
35所有住在呂大和沙崙的人,看見了他就歸向主。
35Zvino vose vakange vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
36彼得使多加復活在約帕有一個女門徒,名叫戴比莎,希臘話叫多加;她為人樂善好施。
36Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo wakange azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.
37那時,她因病死了;有人把她洗淨了,停放在樓上。
37Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika muimba yekumusoro.
38呂大靠近約帕,門徒聽說彼得在那邊,就派兩個人去求他,說:“請到我們那邊去,不要耽延!”
38Zvino Ridha zvarakange riri pedo neJopa, vadzidzi vakange vanzwa kuti Petro wakange aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.
39彼得就動身,跟他們一同去。到了之後,他們領他上樓。所有寡婦站在彼得旁邊哭,把多加和她們在一起的時候所做的內衣外衣拿給他看。
39Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzose dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo nezvipfeko Dhokasi zvaakange aita achiri navo.
40彼得叫大家出去之後,就跪下來禱告,然後轉過身來對著屍體說:“戴比莎,起來!”她就睜開眼睛,一看見彼得,就坐了起來。
40Asi Petro wakavabudisira panze vose akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.
41彼得伸手扶她起來,叫聖徒們和寡婦都進來,把多加活活地交給他們。
41Zvino wakamutandavadzira ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.
42這事傳遍了約帕,就有很多人信了主。
42Zvino zvikazikamwa paJopa yose; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.
43此後,彼得在約帕一個製皮工人西門的家裡住了許多日子。
43Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.