1在哥林多此後,保羅離開雅典,來到哥林多,
1Shure kwezvinhu izvi, Pauro wakabva Atene akasvika Korinde;
2遇見一個生在本都的猶太人,名叫亞居拉。因為革老丟下令所有的猶太人都要離開羅馬,所以亞居拉最近同他的妻子百基拉從意大利來了,保羅就去找他們。
2akawana umwe muJudha wainzi Akwira nezita, wePonto, achibva Itaria, naPrisira mukadzi wake; nekuti Kraudhio wakange araira kuti vaJudha vose vabve Roma, akaenda kwavari;
3他們是以做帳棚為業的,因為是同業,保羅就與他們同住,一同工作。
3zvino zvaakange ari webasa rimwe navo, wakagara navo vachibata; nekuti vaiva vagadziri vematende pabasa ravo.
4每逢安息日,保羅在會堂辯論,勸導猶太人和希臘人歸主。
4sabata rimwe nerimwe waiparidza musinagoge, achikumbirisa vaJudha nevaGiriki.
5西拉和提摩太從馬其頓下來的時候,保羅就專心傳揚主的道,向猶太人極力證明耶穌是基督。
5Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa mumweya, akapupura kuvaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.
6但是他們抗拒、褻瀆,保羅就抖著衣服,對他們說:“你們的罪你們自己承擔,這與我無關。從今以後,我要到外族人那裡去了。”
6Zvino vakati vachimupikisa nekunyomba, akazuza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.
7他離開那裡,到了提多.猶士都的家去。這人是敬拜 神的,他的家靠近會堂。
7Akabva ipapo akapinda mumba meumwe, wainzi Justo, wainamata Mwari, imba yake yaiva pedo nesinagoge.
8會堂主管基利司布和他全家都信了主,許多哥林多人也聽了道,信了主,而且受了洗。
8NaKrispo mutungamiriri mukuru wesinagoge akatenda kuna Ishe neimba yake yose; nevazhinji vevaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
9夜裡,主藉著異象對保羅說:“不要怕,只管講,不要閉口!
9Zvino Ishe akataura kuna Pauro usiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;
10有我與你同在,必定沒有人能害你,因為在這城裡有許多屬我的人。”
10nekuti ini ndinewe, hapana munhu ungakumukira kuti akukuvadze; nekuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.
11保羅在那裡住了一年零六個月,把 神的道教導他們。
11Akagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
12當迦流作亞該亞省長的時候,猶太人一致起來攻擊保羅,拉他到審判臺前,
12Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pachigaro chekutonga,
13說:“這個人勸人不照著律法去敬拜 神。”
13vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.
14保羅剛要開口,迦流就對猶太人說:“猶太人啊,如果有犯法或邪惡的罪行,我當然要耐心聽你們;
14Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama kana kunyengera kwakaipa, imwi maJudha ndaifanira kuva nemoyo murefu kwamuri;
15但所爭論的若是關於字句、名稱和你們的律法,你們就應當自己處理。我不願意審判這件事!”
15asi kana dziri nharo pamusoro pemashoko nemazita nemurairo wenyu, zvionerei imwi; nekuti ini handidi kuva mutongi waizvozvo.
16於是就把他們從審判臺前趕出去。
16Akavadzinga pachigaro chekutonga.
17眾人揪住會堂主管蘇提尼,在審判臺前打他。這些事迦流一概不理。
17Zvino vaGiriki vose vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.
18結束第二次宣教旅程保羅住了許多日子,然後辭別弟兄們,坐船去敘利亞,同行的有百基拉和亞居拉。他因為許過願,現在期滿了,就在堅革里剃了頭髮。
18Pauro wakati agara mazuva mazhinji, akawonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda Siria, anaPrisira naAkwira, aveura musoro paKenikirea, nekuti wakange ane mhiko.
19到了以弗所,保羅留他們在那裡,自己卻到會堂去,跟猶太人辯論。
19Zvino wakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene akapinda musinagoge akataurirana nevaJudha.
20眾人請他多住些時候,他沒有答應,
20Zvino vakati vachimukumbira kugara navo nguva refu, haana rutendo;
21卻辭別他們說:“ 神若許可,我還要回到你們這裡來。”於是從以弗所開船去了。
21asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzose kuchengetedza mutambo uyu unouya muJerusarema; asi ndichadzokerazve kwamuri, kana Mwari achida, akabva paEfeso nechikepe.
22保羅在該撒利亞登岸,上耶路撒冷問候教會,然後下安提阿去。
22Zvino wakati asvika Kesariya akakwira akakwazisa kereke, akaburukira Andiyokiya.
23第三次宣教旅程住了一些時候,他又動身,先後經過加拉太地區和弗呂家,堅固眾門徒。
23Wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.
24亞波羅在以弗所傳道有一個生在亞歷山太的猶太人,名叫亞波羅,來到了以弗所。他很有口才,擅長講解聖經。
24Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muArekisandira nekuzvarwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso;
25這人在主的道上受過訓練,心靈火熱,很準確地講論,並且教導人關於耶穌的事,但他只曉得約翰的洗禮。
25Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete.
26這人在會堂裡放膽講論起來;百基拉和亞居拉聽了,就把他接來,把 神的道更準確地向他講解。
26Iye akatanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.
27亞波羅有意要到亞該亞去,弟兄們就鼓勵他,又寫信請門徒接待他。他到了那裡,對那些蒙恩信主的人幫助很多,
27Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.
28因為他當眾有力地駁倒猶太人,引用聖經證明耶穌是基督。
28Nekuti wakapikisa vaJudha nesimba pachena akakunda, achiratidza nemagwaro, kuti Jesu ndiyeKristu.