1在以弗所亞波羅在哥林多的時候,保羅經過內地一帶,來到以弗所。他遇見幾個門徒,
1Zvino zvakaitika kuti, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro, akasvika Efeso; akawana vamwe vadzidzi,
2問他們說:“你們信的時候,受了聖靈沒有?”他們說:“沒有,連聖靈賜下來這件事,我們也沒有聽過。”
2akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene kubva zvamakatenda here? vakati kwaari: Kwete, asi hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene.
3保羅問:“那麼你們受的是甚麼洗呢?”他們說:“是約翰的洗禮。”
3Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.
4保羅說:“約翰施的是悔改的洗禮,他告訴人民當信在他以後要來的那一位,就是耶穌。”
4Zvino Pauro akati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza rubhabhatidzo rwekutendeuka, achiti kuvanhu vanofanira kutenda kuna iye unouya shure kwake, iye Kristu Jesu.
5他們聽見了,就受洗歸入主耶穌的名下。
5Vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu,
6保羅為他們按手,聖靈就降在他們身上,他們就用各種的語言講話,並且說預言。
6Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.
7他們一共約有十二人。
7Ivavo varume vose vainge gumi nevaviri.
8一連三個月,保羅都到會堂裡去,放膽宣講,辯論 神的國的事,勸導人。
8Zvino wakapinda musinagoge, akataura akashinga kwemwedzi mitatu, achiparidza, achipwisa zveushe hwaMwari.
9可是有些人心裡剛硬,不受勸化,在群眾面前毀謗這道,保羅就離開他們,也叫門徒與他們分開。他每天在推喇奴學院跟人辯論。
9Asi vamwe vakati vachiomesa moyo vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tairano.
10這樣過了兩年,全亞西亞的居民,無論猶太人或希臘人,都聽見了主的道。
10Izvozvi zvakaramba zvichiitwa kwemakore maviri, zvekuti vose vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vose vaJudha nevaGiriki.
11士基瓦的七個兒子 神藉著保羅的手,行了一些不平凡的神蹟。
11Mwari akaita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,
12甚至有人把保羅貼身的手巾圍巾拿去,放在病人身上,病就好了,邪靈也出來了。
12nekudaro micheka yekumeso nemafasikoti zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yetsvina ikabuda kwavari.
13那時,有幾個趕鬼的猶太人,周遊各處,擅自用主耶穌的名,向身上有邪靈的人說:“我奉保羅所傳的耶穌的名,命令你們出來。”
13Zvino vamwe vaJudha vadzingi vemweya yetsvina vaipota-pota, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yetsvina, vachiti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.
14有一個猶太人士基瓦,是祭司長,他的七個兒子都作這事。
14Zvino vaiva vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mukuru wevapristi vaiita izvi.
15邪靈回答他們:“耶穌我認識,保羅我也知道;你們是誰?”
15Mweya wetsvina ukapindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva maererano naye, asi imwi ndimwi vana ani?
16邪靈所附的那人就撲到他們身上,制伏了兩人,勝過了他們,使他們赤著身帶著傷,從那房子逃了出來。
16Ipapo munhu waiva nemweya wetsvina akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba imomo vasina nguvo, vakuvadzwa.
17所有住在以弗所的猶太人和希臘人,都知道這件事;大家都懼怕,尊主耶穌的名為大。
17Zvino izvi zvikazikamwa kune vose vaJudha nevaGirikiwo vakange vagere paEfeso, kutya kukavawira vose, zita raIshe Jesu rikakudzwa.
18也有許多信了的人,來承認和述說自己行過的事。
18Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.
19又有許多行巫術的人,把他們的書帶來,當眾燒掉。他們估計書價,才知道共值五萬塊銀子。
19Vazhinji vevaiita zveun'anga, vakaunganidza mabhuku avo pamwe, vakaapisa pamberi pevose; vakaverenga mutengo wawo, vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu.
20這樣,主的道大有能力地興旺起來,而且得勝。
20Naizvozvo shoko raIshe rikakura nesimba rikakunda.
21以弗所的騷動這些事以後,保羅心裡定意要經過馬其頓、亞該亞,往耶路撒冷去。他說:“我到了那邊以後,也該去羅馬看看。”
21Izvozvo zvakati zvapera, Pauro akazvipira mumweya kuenda kuJerusarema, kana ambogura nepaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndaenda ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.
22於是從服事他的人中,派了提摩太和以拉都兩人去馬其頓,自己暫時留在亞西亞。
22Zvino akatumira Makedhonia vaviri vevaimushandira, vanaTimotio naErasto, iye amene akagara Asia kwenguva.
23那時,因這道起了大擾亂,
23Zvino nenguva iyoyo mhirizhonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.
24有一個銀匠,名叫低米丟,是製造亞底米女神銀龕的。他讓技工們作了不少的生意。
24Nekuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, zvaiuyisa mubairo usati uri muduku kumhizha.
25他把這些人和同業的工人聚集起來,說:“各位,你們知道,我們是靠這生意賺錢的。
25Akadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana upfumi hwedu.
26現在你們看見了,也聽見了,這個保羅不單在以弗所,而且幾乎在整個亞西亞,說服了,也帶壞了許多人,說:‘人手所做的,都不是神。’
26Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yose, Pauro uyu wakagombedzera nekutendesa chaunga, achiti: Zvakaitwa nemaoko havazi vamwari.
27這樣,不只我們這一行要給人鄙視,就是大女神亞底米的廟也會給人撇棄,連全亞西亞和普天下所敬拜的女神也要垮臺,威榮盡都失掉了。”
27Zvino hahwuzi umhizha hwedu chete huri panjodzi yekuzvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashoorwa neukuru hwake huchaparadzwa, iye, unonamatwa neAsia yose nenyika yose.
28他們聽了,怒氣沖沖喊著說:“以弗所人的女神,偉大的亞底米啊!”
28Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Dhiana wevaEfeso mukuru!
29全城騷動起來,他們捉住了保羅的旅伴馬其頓人該猶和亞里達古,齊心衝進了劇場。
29Guta rose rikazadzwa nenyonganyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panzvimbo paitambirwa, vakabata Gayo naArisitako vaMakedhonia vaiperekedza Pauro.
30保羅想要到人群當中去,門徒卻不許。
30Zvino Pauro akada kupinda kuchaunga, vadzidzi havana kumutendera.
31還有幾位亞西亞的首長,是保羅的朋友,派人來勸他,不要冒險到劇場裡去。
31Nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo yekutambira.
32那時大家叫這個喊那個,亂成一團,大多數的人都不知道聚集的原因。
32Zvino vamwe vakadanidzira chinhu chimwe, vamwe chimwe; nekuti ungano yakange yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
33猶太人把亞歷山大推到前面,群眾中有人把這事的因由告訴他。亞歷山大作了一個手勢,要向民眾申辯。
33Ipapo vakabudisa Arekisandro kunze kwechaunga, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekisandro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira pamberi pevanhu.
34大家一認出他是猶太人,就異口同聲高呼:“以弗所人的女神,偉大的亞底米啊!”喊了約有兩個鐘頭。
34Asi pavakaziva kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kune vose, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Dhiana wevaEfeso mukuru!
35後來,書記官安撫群眾說:“以弗所人哪!誰不知道你們的城,是看守大亞底米的廟,又是看守宙斯那裡降下的神像的呢?
35Zvino munyori weguta wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, munhu ndeupi usingazivi kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kuna Zeusi.
36這些事既然是駁不倒的,你們就應當平心靜氣,不可輕舉妄動。
36Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.
37你們帶來的這些人,既沒有行劫廟宇,也沒有褻瀆我們的女神。
37Nekuti mauya pano nevarume ava, vasati vari makororo etembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.
38如果低米丟和同他一起的技工要控告誰,大可以告上法庭,或呈交總督;讓他們彼此控告好了。
38Zvino kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe munhu, misi yekutonga inochengetedzwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.
39如果還有其他的事件,可以在合法的集會裡,謀求解決。
39Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererana nepamusoro pezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.
40今天的動亂,本來是無緣無故的,我們可能有被控告的危險;關於這次的騷動,我們實在無法解釋。”
40Nekuti tiri munjodzi yekukwirirwa nekuda kwebongozozo zvapasina chikonzero chatingapa rondedzero yenyongano iyi.
41說了這些話,就把群眾解散了。
41Zvino wakati ataura izvozvo, akaparadza ungano.