聖經新譯本

Shona

Acts

2

1五旬節聖靈降臨五旬節到了,他們都聚集在一起。
1Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vose vakange vari pamwe nemoyo umwe.
2忽然有一陣好像強風吹過的響聲,從天而來,充滿了他們坐在裡面的整間屋子。
2Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sokwemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yose mavakange vagere.
3又有火燄般的舌頭顯現出來,分別落在他們各人身上。
3Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokumhara pamusoro peumwe neumwe wavo.
4他們都被聖靈充滿,就照著聖靈所賜給他們的,用別種的語言說出話來。
4Zvino vose vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.
5那時住在耶路撒冷的,有從天下各國來的虔誠的猶太人。
5Zvino paigara paJerusarema vaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwose rwevari pasi pedenga.
6這聲音一響,許多人都聚了來,人人都聽見門徒講出聽眾各人本鄉的話,就莫名其妙。
6Zvino mutinhimira uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nekuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwavo.
7他們又驚訝、又驚奇,說:“你看,這些說話的,不都是加利利人嗎?
7Zvino vakakatyamara vose vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havasi vaGarirea here?
8我們各人怎麼聽見他們講我們從小所用的本鄉話呢?
8Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo?
9我們帕提亞人、瑪代人、以攔人和住在美索不達米亞、猶太、加帕多家、本都、亞西亞、
9VePatia neveMedhia neveEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokia, vePonto neveAsia,
10弗呂家、旁非利亞、埃及,並靠近古利奈的利比亞一帶地方的人,客居羅馬的猶太人和歸信猶太教的人,
10veFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemamativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni vaRoma, vose vaJudha nevakatendeukira kuvaJudha,
11克里特人以及阿拉伯人,都聽見他們用我們的語言,講說 神的大作為。”
11vaKrete nevaAraAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.
12眾人還在驚訝迷惘的時候,彼此說:“這是甚麼意思?”
12Zvino vakakatyamara vose, vakakahadzika vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chei?
13另有些人譏笑說:“他們是給新酒灌醉了。”
13Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vadhakwa newaini inotapira.
14彼得在五旬節的講道彼得和十一使徒站起來,他高聲對眾人說:“猶太人和所有住在耶路撒冷的人哪,你們應當明白這件事,也應該留心聽我的話。
14Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume vaJudha, nevose vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikamwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu.
15這些人並不是照你們所想的喝醉了,現在不過是上午九點鐘罷了。
15Nekuti ava havana kudhakwa sezvamunofunga imwi; nekuti iawa rechitatu rezuva;
16這正是約珥先知所說的:
16asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti:
17‘ 神說:在末後的日子,我要把我的靈澆灌所有的人,你們的兒女要說預言,你們的青年人要見異象,你們的老年人要作異夢。
17Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, unodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yose; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope;
18在那些日子,我也要把我的靈澆灌我的僕人和使女,他們就要說預言。
18uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita.
19我要在天上顯出奇事,在地上顯出神蹟,有血、有火、有煙霧;
19Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi.
20太陽將變為黑暗,月亮將變為血紅,在主偉大顯赫的日子臨到以前,這一切都要發生。
20Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya;
21那時,凡求告主名的,都必得救。’
21zvino zvichava kuti ani nani unodana zita raIshe uchaponeswa.
22“以色列人哪,請聽聽這幾句話:正如你們所知道的, 神已經藉著拿撒勒人耶穌在你們中間施行了大能、奇事、神蹟,向你們證明他是 神所立的。
22Varume vaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi mumene,
23他照著 神的定旨和預知被交了出去,你們就藉不法之徒的手,把他釘死了。
23iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukuuraya;
24 神卻把死的痛苦解除,使他復活了,因為他不能被死亡拘禁。
24iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nekuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo.
25大衛指著他說:‘我時常看見主在我面前,因他在我右邊,我必不會動搖。
25Nekuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzose; nekuti uri kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
26為此我的心快樂,我的口舌歡呼,我的肉身也要安居在盼望中。
26Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro.
27因你必不把我的靈魂撇在陰間,也必不容你的聖者見朽壞。
27Nekuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
28你已經把生命之路指示了我,必使我在你面前有滿足的喜樂。’
28Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu.
29“弟兄們,關於祖先大衛的事,我不妨坦白告訴你們,他死了,葬了,直到今日他的墳墓還在我們這裡。
29Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvose vakafa uye vakavigwa, guva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino.
30他是先知,既然知道 神向他起過誓,要從他的後裔中立一位,坐在他的寶座上,
30Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama uchasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe,
31又預先看見了這事,就講論基督的復活說:‘他不會被撇在陰間,他的肉身也不見朽壞。’
31aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora.
32這位耶穌, 神已經使他復活了,我們都是這事的見證人。
32Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, zvatiri zvapupu zvazvo tose.
33他既然被高舉到 神的右邊,從父領受了所應許的聖靈,就把他澆灌下來,這就是你們所看見所聽見的。
33Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino.
34大衛並沒有升到天上,他卻說:‘主對我主說:你坐在我的右邊,
34Nekuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi unoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
35等我使你的仇敵作你的腳凳。’
35kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
36因此,以色列全家應當確實知道,你們釘在十字架上的這位耶穌, 神已經立他為主為基督了。”
36Naizvozvo imba yose yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakaita iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, zvose Ishe naKristu.
37他們聽了以後,覺得扎心,就對彼得和其餘的使徒說:“弟兄們,我們應當作甚麼呢?”
37Zvino vakati vachinzwa izvi vakabayiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nekune vamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei?
38彼得說:“你們應當悔改,並且每一個人都要奉耶穌基督的名受洗,使你們的罪得赦,就必領受所賜的聖靈。
38Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kangamwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
39這應許原是給你們和你們的兒女,以及所有在遠方的人,就是給凡是我們主 神召來歸他的人。”
39Nekuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nevose vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.
40彼得還用許多別的話,鄭重作證,並且勸勉他們,說:“你們應當救自己脫離這彎曲的世代!”
40Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka.
41於是接受他話的人都受了洗,那一天門徒增加了約三千人。
41Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu.
42他們恆心遵守使徒的教訓,彼此相通、擘餅和祈禱。
42Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero.
43信徒的團契生活使徒行了許多奇事神蹟,眾人就都懼怕。
43Uye kutya kukawira pamusoro pemweya woga woga; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori.
44所有信的人都在一起,凡物公用,
44Nevaitenda vose vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvose panhu pamwe,
45並且變賣產業和財物,按照各人的需要分給他們。
45ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vose, umwe neumwe paaishaiwa napo.
46他們天天同心在殿裡恆切地聚集,一家一家地擘餅,存著歡樂和誠懇的心用飯,
46Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya chikafu nemufaro nemoyo wakachena,
47又讚美 神,並且得到全民的喜愛。主將得救的人,天天加給教會。
47vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.