1彼得醫好瘸腿的人在下午三點禱告的時辰,彼得和約翰上聖殿去。
1Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.
2有一個生來瘸腿的人被人抬來。他們天天把他放在那名叫美門的殿門口,讓他好向進殿的人討飯。
2Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.
3他看見彼得和約翰將要進殿,就向他們討飯。
3Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.
4彼得和約翰定睛看著他,彼得說:“你看我們!”
4Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire!
5那人就留意看著他們,希望從他們得些甚麼。
5Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.
6彼得卻說:“金銀我都沒有,只把我有的給你:我奉拿撒勒人耶穌基督的名,吩咐你行走!”
6Petro ndokuti: Sirivheri nendarama handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.
7於是拉著他的右手,扶他起來;他的腳和踝骨立刻強壯有力,
7Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.
8他一跳就站了起來,並且行走。他連走帶跳,讚美 神,同他們進入殿中。
8Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.
9群眾看見他一邊走一邊讚美 神;
9Uye vanhu vose vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.
10他們一認出他就是那平時坐在聖殿美門口討飯的,就因所經歷的事,滿心希奇,驚訝不已。
10Vakaziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari.
11彼得在所羅門廊下的講道那人拉著彼得和約翰的時候,群眾都很驚奇,跑到他們那裡,就是所羅門廊的下面。
11Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vose vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.
12彼得看見了,就對群眾說:“以色列人哪,為甚麼因這事希奇呢?為甚麼瞪著我們,好像我們是憑著自己的能力和虔誠,使這人行走呢?
12Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume vaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?
13亞伯拉罕、以撒、雅各的 神,就是我們祖宗的 神,榮耀了他的僕人耶穌。這位耶穌,你們把他送交官府。彼拉多本來定意要放他,你們卻當著彼拉多的面拒絕他。
13Mwari waAbhurahamu newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura.
14你們把那聖者義者拒絕了,反而要求給你們釋放一個殺人犯。
14Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,
15你們殺了那‘生命的源頭’, 神卻使他從死人中復活。我們就是這件事的見證人。
15mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.
16是他的名(因信他的名)使你們所看見所認識的這個人強壯了。這從耶穌而來的信心,當著你們眾人面前,把他完全醫好了。
16Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mose.
17弟兄們,我知道你們所作的,是出於無知,你們的官長也是這樣。
17Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.
18但 神曾經藉著眾先知的口,預先宣告他所立的基督將要受害的事,就這樣應驗了。
18Asi zvinhu izvo Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vose, kuti Kristu uchatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi.
19所以你們應當悔改歸正,使你們的罪得著塗抹。
19Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pamberi pechiso chaIshe dzisvike,
20這樣,那安樂的日子,必從主面前來到,並且他必把為你們預先選定的基督(耶穌)差來。
20uye uchatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;
21他必留在天上,直到萬物復興的時候,就是 神自古藉著聖先知的口所說的。
21wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vose kubva panguva dzakare.
22摩西曾說:‘你們的主 神要從你們弟兄中間,給你們興起一位先知像我;無論他對你們說甚麼,你們都應當聽從。
22Nekuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; iye muchamuteerera pazvose zvaachataura kwamuri.
23無論誰不聽從那位先知,必定從民中滅絕。’
23Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.
24所有從撒母耳起,以及相繼興起來講話的先知,都曾經宣告這些日子。
24Uye nevaporofita vose kubva kuna Samueri nevakatevera, vose vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.
25你們是先知的子孫,也是承受 神向你們祖先所立之約的人。 神曾經對亞伯拉罕說:‘地上萬族,都要因你的後裔得福。’
25Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahamu: Nemumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa.
26 神先給你們興起他的僕人,差他來祝福你們,使你們各人回轉,離開邪惡。”
26Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvake.