聖經新譯本

Shona

Acts

4

1彼得約翰在公議會受審使徒們正對群眾講話的時候,祭司、聖殿的守衛,和撒都該人來到他們那裡。
1Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere nevaSadhusi vakavasvikira,
2因為使徒教訓群眾,並且傳揚耶穌復活,證明有死人復活這件事,他們就非常惱怒,
2vachishungurudzika nekuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kwevakafa munaJesu.
3於是下手拿住使徒。那時天已經晚了,就把他們拘留到第二天。
3Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa mujere kusvikira mangwana; nekuti akange atova madekwani.
4然而有許多聽道的人信了,男人的數目,約有五千。
4Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu.
5第二天,猶太人的官長、長老、經學家,都聚集在耶路撒冷,
5Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vakuru, nevatariri, nevanyori vavo paJerusarema,
6還有大祭司亞那和該亞法、約翰、亞歷山大,以及大祭司的家人,所有的人都在那裡。
6naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevose vaiva vehama dzemupristi mukuru.
7他們叫使徒都站在當中,查問說:“你們憑甚麼能力,奉誰的名作這事?”
7Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi?
8當時彼得被聖靈充滿,對他們說:“民眾的領袖和長老啊!
8Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru vaIsraeri;
9我們今天受審,如果是為了在那殘疾人身上所行的善事,就是這個人怎麼會好的,
9kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu usina simba, kuti iye waponeswa nei,
10那麼,你們各位和以色列全民都應當知道,站在你們面前這人好了,是因拿撒勒人耶穌基督的名。這位耶穌基督,你們把他釘死在十字架上, 神卻使他從死人中復活。
10ngazvizikamwe kwamuri mose, nekuvanhu vose veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kuvakafa, naye munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.
11他是你們‘建築工人所棄的石頭,成了房角的主要石頭。’
11Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona.
12除了他以外,別無拯救,因為在天下人間,沒有賜下別的名,我們可以靠著得救。”
12Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nekuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro.
13他們看見彼得和約翰的膽量,也知道這兩個人是沒有學問的平民,就很驚奇;同時認出他們是跟耶穌一夥的,
13Zvino vakati vachiona ushingi hwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu.
14又看見那醫好了的人,和他們一同站著,就沒有話可辯駁。
14Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa.
15於是吩咐他們到公議會外面去,彼此商議說:
15Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana voga,
16“對這些人我們應該怎麼辦呢?因為有一件人所共知的神蹟,藉著他們行了出來,所有住在耶路撒冷的人都知道,我們也無法否認。
16vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nekuti zviri pachena kune vose vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikamwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba.
17為了避免這件事在民間越傳越廣,我們應該警告他們,不許再奉這名向任何人談道。”
17Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri.
18於是叫了他們來,嚴禁他們再奉耶穌的名講論施教。
18Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu.
19彼得和約翰回答:“聽從你們過於聽從 神,在 神面前對不對,你們自己說吧!
19Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari, kuteerera imwi kupfuura Mwari.
20我們看見的聽見的,不能不說!”
20Nekuti isu hatigoni kusataura, asi kutaura zvinhu zvatakaona nekunzwa.
21眾人因著所發生的事,都頌讚 神,於是公議會為了群眾的緣故,也因為找不到藉口懲罰他們,就恐嚇一番,把他們放了。
21Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nekuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika.
22原來藉著神蹟醫好的那人,有四十多歲了。
22Nekuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi cheurapi.
23信徒同心祈禱彼得和約翰被釋放了之後,回到自己的人那裡去,把祭司長和長老說的一切,都告訴他們。
23Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvose vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari.
24他們聽了,就同心向 神高聲說:“主啊,你是那創造天地、海洋和其中萬物的主宰。
24Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri;
25你曾以聖靈藉著你僕人我們祖先大衛的口說:‘列國為甚麼騷動?萬民為甚麼空謀妄想?
25makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bongozozo, nevanhu vachifunga zvisina maturo?
26地上的君王都起來,首領聚在一起,敵對主和他的受膏者。’
26Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwechete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake.
27希律和本丟.彼拉多,外族人和以色列民,真的在這城裡聚集,反對你所膏立的聖僕耶穌,
27Nekuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vose Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri,
28行了你手和你旨意所預定要成就的一切。
28kuti vaite zvose ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike.
29主啊,他們恐嚇我們,現在求你鑒察,也賜你僕人們大有膽量,傳講你的道。
29Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu neushingi hwose,
30求你伸手醫治,藉著你聖僕耶穌的名,大行神蹟奇事。”
30pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu.
31他們禱告完了,聚會的地方震動起來,他們都被聖靈充滿,放膽傳講 神的道。
31Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vose neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari neushingi.
32信徒凡物公用全體信徒一心一意,沒有一個人說自己的財物是自己的,他們凡物公用。
32Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakaita zvinhu zvose zvavo vose.
33使徒大有能力,為主耶穌的復活作見證,眾人都蒙了大恩。
33Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kuvakafa kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vose.
34他們中間沒有一個有缺乏的,因為凡有田產房屋的都賣了,把得到的錢拿來,
34Nekuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nekuti vose vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa,
35放在使徒腳前,照著各人的需要來分配。
35vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako.
36有一個人名叫約瑟,使徒稱他為巴拿巴,就是“安慰者”的意思,他是個利未人,生在塞浦路斯。
36NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti Mwanakomana wenyaradzo, kana zvichishandurwa, muRevhi weSaipuresi parudzi,
37他賣掉了自己的田地,把錢拿來,放在使徒的腳前。
37ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori.