聖經新譯本

Shona

Acts

5

1亞拿尼亞和撒非拉的鑒戒有一個人名叫亞拿尼亞,同他妻子撒非拉,把田產賣了。
1Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa chavaiva nacho,
2他私底下把錢留了一部分,妻子也知道這件事。他把其餘的一部分帶來,放在使徒的腳前。
2akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori.
3彼得說:“亞拿尼亞,為甚麼撒但充滿了你的心,使你欺騙聖靈,私底下把賣地的錢留了一部分呢?
3Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda?
4田地還沒有賣,不是你自己的嗎?既然賣了,所得的錢不是由你作主嗎?你為甚麼存心這樣作呢?你這不是欺騙人,而是欺騙 神。”
4Uchiripo hauna kuramba uri wako here, watengeswa wakange usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.
5亞拿尼亞一聽見這話,就仆倒斷了氣。所有聽見的人都十分害怕。
5Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.
6有幾個青年人來把他包好,抬出去埋了。
6Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga.
7大約三小時之後,亞拿尼亞的妻子進來,還不知道發生了甚麼事。
7Zvino zvakaitika maawa anege matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda.
8彼得問她:“你告訴我,你們賣田地的錢,就是這麼多嗎?”她說:“是的,就是這麼多。”
8Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, neyakadai.
9彼得說:“你們為甚麼串同試探主的靈呢?你看,埋你丈夫的人的腳,已經到了門口,他們也要把你抬出去。”
9Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuidza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze.
10她立刻就仆倒在彼得腳前,斷了氣。那些青年人進來,發現她死了,把她也抬出去,埋在她丈夫旁邊。
10Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, akaviga nechepamurume wake.
11全體會眾和所有聽見這事的人,都很害怕。
11Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yose nepamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.
12使徒行神蹟奇事主藉著使徒的手,在民間行了許多神蹟奇事。他們都同心聚集在所羅門廊下,
12Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vose vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni.
13其餘的人,沒有一個敢接近他們,可是民眾都很敬重他們。
13Asi pavamwe kwakange kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.
14信主的男男女女越來越多,
14Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi.
15甚至有人把病人抬到街上,放在小床和褥子上,好讓彼得經過時,他的身影可以落在一些人身上。
15Kusvikira vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire vamwe vavo.
16耶路撒冷周圍城市的人,也帶著病人和受污靈纏擾的,蜂擁而來,結果病人全都醫好了。
16Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vose.
17使徒受迫害大祭司和他的同黨撒都該人,滿心忌恨,
17Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevose vaiva naye vari sangano revaSadhusi, vakazara negodo,
18於是下手拿住使徒,把他們押在公共拘留所裡。
18vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vose.
19夜間有一位天使,打開監門,把他們領出來,說:
19Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati:
20“你們去,站在殿裡,把一切有關這生命的話,都講給眾民聽。”
20Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu ose mashoko eupenyu uhwu.
21使徒聽完了,就在黎明的時候,進到殿裡去施教。大祭司和他的同黨來到了,就召齊了公議會,就是以色列人的眾長老,派人到監牢去帶使徒出來。
21Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yose yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe.
22差役到了監裡,找不到他們,回來報告說:
22Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira,
23“我們發現監門緊閉,獄卒也守在門外;等到開了門,裡面連一個人也找不到。”
23achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kose, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu.
24聖殿的守衛和祭司長聽了這些話,覺得很困惑,不知道這件事將來會怎樣。
24Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakakahadzika pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei.
25忽然有人來報告說:“你們押在監裡的那些人,正站在殿裡教導眾民呢!”
25Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu.
26於是守衛和差役去帶使徒來,不過沒有用暴力,因為怕眾民用石頭打他們。
26Zvino mutungamiriri wemauto nevatariri vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nekuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe.
27既然帶來了,就叫他們站在公議會前。大祭司問他們:
27Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza,
28“我們嚴厲地吩咐過你們,不准再奉這名施教。看,你們卻把你們的道理傳遍了耶路撒冷,想要把流這人的血的責任推到我們身上。”
28achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu.
29彼得和眾使徒回答:“服從 神過於服從人,是應當的。
29Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.
30你們掛在木頭上親手殺害的耶穌,我們祖先的 神已經使他復活了。
30Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakaponda imwi, mukaremberedza pamuti.
31 神把他高舉在自己的右邊,作元首作救主,把悔改的心賜給了以色列人,使他們罪得赦免。
31Iye uyo Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Mutungamiriri neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekangamwiro yezvivi.
32我們為這些事作證, 神賜給順從的人的聖靈也為這些事作證。”
32Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera.
33公議會的人聽了,非常惱怒,就想要殺他們。
33Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvaponda.
34但有一個法利賽人,名叫迦瑪列,是民眾所尊敬的律法教師。他在公議會中站起來,吩咐人把使徒暫時帶出去,
34Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vose, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chiduku.
35然後對大家說:“以色列人哪,你們應當小心處理這些人!
35Ndokuti kwavari: Varume vaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita.
36從前有個丟大,自命不凡,附從他的人約有四百。他一被殺,跟從他的人盡都星散,一敗塗地。
36Nekuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudasi, achiti iye pachake wakange ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevose vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, zvikava pasina.
37這人之後,在戶口登記的時候,又有一個加利利人猶大,拉攏人們來跟從他。後來他也喪命,跟從他的人也就煙消雲散了。
37Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva okuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevose vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa.
38至於目前的事,我勸你們不要管這些人,由他們吧!因為這計劃或這行動,如果是出於人意,終必失敗;
38Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nekuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa.
39如果是出於 神,你們就不能破壞他們,恐怕你們是與 神作對了。”他們接受了他的勸告,
39Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo.
40就傳使徒進來,鞭打一頓,禁止他們奉耶穌的名傳講,就把他們釋放了。
40Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza.
41使徒歡歡喜喜從公議會裡出來,因為他們算是配得為主的名受辱。
41Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake.
42他們天天在殿裡並在各人的家中,不斷地施教,傳講耶穌是基督。
42Uye mazuva ose mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Kristu Jesu.