聖經新譯本

Shona

Acts

6

1選出七位執事門徒不斷增加的時候,講希臘話的猶太人,埋怨本地的希伯來人,因為在日常的供給上,忽略了他們的寡婦。
1Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti* akanangana nevaHebheru, nekuti chirikadzi dzavo dzisingatariswi pakushandirwa kwemusi umwe neumwe.
2於是十二使徒召集了眾門徒,說:“要我們放下 神的道,去管理伙食,是不合適的。
2Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande pamatafura.
3所以弟兄們,應當從你們中間選出七個有好見證、滿有聖靈和智慧的人,我們就派他們負責這事。
3Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri.
4至於我們,我們要專心祈禱、傳道。”
4Asi isu tichatsungirira pamunyengetero nepabasa reshoko.
5這個意見全會眾都很滿意,於是選出司提反,他是一位滿有信心和聖靈的人,還有腓利、伯羅哥羅、尼加挪、提門、巴米拿,以及歸信猶太教的安提阿人尼哥拉,
5Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chose; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi weAndiyokiya wakatendeukira kuvaJuda,
6叫他們站在使徒面前。使徒禱告後,就為他們按手。
6vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo.
7 神的道傳開了;在耶路撒冷,門徒人數大大增加,有很多祭司也信從了真道。
7Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi vazhinji chakateerera rutendo.
8司提反被捕司提反滿有恩惠能力,在民間施行大奇事和神蹟。
8Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.
9當時有幾個稱為“自由人”會堂的人,就是從古利奈和亞歷山太來的人,另外還有基利家人和亞西亞人,他們出面與司提反辯論,
9Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi reVakasununguka, nevaKureni, nevaArekisandira, nereavo vaibva Kirikia neAsiya, vachikakavadzana naSitefano.
10但司提反靠著聖靈和智慧說話,他們就抵擋不住。
10Asi vakange vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo.
11於是他們唆使眾人,說:“我們聽過他說謗瀆摩西和 神的話。”
11Ipapo vakapa pfumbamuromo varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari.
12又煽動民眾、長老、經學家,這些人就來捉拿他,把他帶到公議會,
12Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota,
13並且造了假的證供說:“這人不斷抨擊聖地和律法。
13ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura pamusoro penzvimbo iyi tsvene nemurairo,
14我們聽他說過:‘這拿撒勒人耶穌要毀壞這地方,改變摩西傳給我們的規例。’”
14nekuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta uchaparadza nzvimbo iyi, uye uchashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza.
15當時,坐在公議會裡的人,都注視他,見他的面貌像天使一樣。
15Zvino vose vakange vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa.