1司提反的申辯大祭司說:“真有這些事嗎?”
1Zvino mupristi mukuru akati: Zvinhu izvi zvakadai here?
2司提反說:“各位父老兄弟請聽!我們的祖宗亞伯拉罕,在美索不達米亞,還沒有住在哈蘭的時候,榮耀的 神向他顯現,
2Zvino akati: Varume, hama nemadzibaba, teererai. Mwari wekubwinya wakaonekwa kuna baba vedu Abhurahamu vari muMesopotamia, vasati vagara Harani,
3對他說:‘你要離開本地本族,到我指示你的地方去。’
3akati kwavari: Buda munyika yako nekuhama dzako, uuye kunyika yandichakuratidza.
4他就離開迦勒底人的地方,住在哈蘭。他父親死後, 神又叫他從那裡遷到你們現在所住的地方。
4Zvino vakabuda munyika yevaKaradhia, vakagara muHarani; zvino kubva ipapo shure kwekufa kwababa vavo, wakavabvisira kunyika iyi yamunogara imwi ikozvino;
5在這裡 神並沒有賜他產業,連立足之地也沒有。但 神應許把這地賜給他和他的後裔為業,雖然那時他還沒有兒子。
5asi haana kuvapa nhaka mairi, kwete kunyange chitsiko chetsoka, asi wakavavimbisa kuvapa iyo ive yavo, neyembeu yavo shure kwavo, vasati vava nemwana.
6 神就這樣說:‘你的後裔必在外地寄居,人要奴役、虐待他們四百年。’
6Mwari ndokutaura seizvi, kuti mbeu yavo ichava vatorwa kunyika yeumweni, uye ichaiita nhapwa nekuibata zvakaipa makore mazana mana;
7 神又說:‘奴役他們的那個國家,我要親自懲罰。以後,他們要出來,在這地方事奉我。’
7asi rudzi urwo rwavachava varanda kwarwuri ndicharwutonga ini, wakadaro Mwari; uye shure kweizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo ino.
8 神也賜他割禮為約。這樣,亞伯拉罕生了以撒,第八天就給他行了割禮。後來,以撒生雅各,雅各生了十二位祖先。
8Zvino akavapa sungano yedzingiso, naizvozvo vakabereka Isaka, vakamudzingisa zuva rerusere; naIsaka Jakobho; naJakobho mateteguru gumi nemaviri.
9“祖先妒忌約瑟,把他賣到埃及去,然而 神與他同在,
9Mateteguru akazadzwa negodo, vakatengesa Josefa kuEgipita; asi Mwari waiva naye.
10救他脫離一切苦難,使他在埃及王法老面前,有智慧、得恩寵。法老立他為首相,管理埃及和法老的全家。
10Akamusunungura pamatambudziko ake ose, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao mambo weEgipita; ndokumuita mutungamiriri pamusoro peEgipita neimba yake yose.
11後來埃及和迦南全地遭遇饑荒、大災難,我們的祖先找不到糧食。
11Zvino kwakauya nzara panyika yose yeEgipita neKanani, nedambudziko guru; madzibaba edu akasawana chikafu.
12雅各聽見埃及有穀糧,就派我們的祖先去,這是第一次。
12Asi Jakobho wakati anzwa kuti kwaiva nezviyo kuEgipita, wakatuma madzibaba edu kwekutanga.
13第二次的時候,約瑟就向哥哥們表露自己的身世,法老才知道約瑟的家世。
13Zvino kwechipiri Josefa wakaziviswa kuvanakomana vababa vake; uye rudzi rwaJosefa rwukaziviswa kuna Farao.
14約瑟就派人去把他父親雅各和全家七十五人都接來。
14Zvino Josefa akatumira akadana baba vake Jakobho nehama dzake dzose, vane mweya makumi manomwe nemishanu.
15於是雅各下了埃及。後來他和我們祖先都死了,
15Zvino Jakobho akaburukira Egipita, ndokufa iye nemadzibaba edu;
16運到示劍,埋葬在亞伯拉罕用銀子向哈抹子孫買來的墳地裡。
16uye vakatakurirwa Shekemi, vakaradzikwa paguva Abhurahamu raakange atenga nemutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi.
17“ 神給亞伯拉罕的應許快要實現的時候,以色列人在埃及人口繁盛增多;
17Zvino nguva yechivimbiso yakati yaswedera Mwari chaakange apikira kuna Abhurahamu, vanhu vakakura, vakawanda muEgipita,
18但是,到了另一位不認識約瑟的君王興起統治埃及的時候,
18kusvikira umwe mambo amuka wakange asingazivi Josefa.
19他就謀害我們的同胞,虐待我們的祖先,逼他們拋棄自己的嬰孩,不容嬰孩存活。
19Ndiye wakabata rudzi rwedu nemanomano, akatambudza madzibaba edu, chivarasisa vacheche vavo kuti varege kurarama.
20就在那時候,摩西出生了,他非常俊美,在父親的家中撫養了三個月。
20Munguva iyoyo Mozisi wakaberekwa, uye wakange akanaka kuna Mwari; ndokurerwa mumba mababa vake mwedzi mitatu.
21他被拋棄的時候,法老的女兒把他拾起來,當作兒子撫養。
21Zvino wakati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akazvirerera iye kuti ave mwanakomana.
22摩西學盡了埃及人的一切學問,說話行事都有能力。
22Mozisi akadzidziswa muuchenjeri hwese hwevaEgipita; akava nesimba pamashoko nepamabasa.
23“到了四十歲,他心中起了一個念頭,要去看望自己的同胞以色列人。
23Zvino makore makumi mana akati asvika kwaari, zvakasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
24當他看見有一個人受欺負,就去護衛,為那受屈的抱不平,打死了那個埃及人。
24Zvino achiona umwe achiitirwa zvisakarurama, akamurwira ndokutsivira wakange achitambudzwa, akarova muEgipita;
25他以為同胞們都必知道 神要藉著他的手拯救他們,事實上他們卻不知道。
25zvino waifunga kuti hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari unovapa ruponeso neruoko rwake; asi havana kunzwisisa.
26第二天,有人在打架,摩西就出面調解,說:‘你們是弟兄,為甚麼彼此欺負呢?’
26Zvino zuva raitevera wakazvionesa kwavari vachirwa, akavayananisa nesimba achiti: Varume, imwi muri hama; munoitiranirei zvisakarurama?
27那欺負人的把他推開,說:‘誰立了你作我們的領袖和審判官呢?
27Zvino iye wakange achiitira umwe wake zvakaipa wakamusundidzira achiti: Ndiani wakuita mutungamiriri nemutongi pamusoro pedu?
28難道你想殺我,像昨天殺那個埃及人一樣嗎?’
28Iwe unoda kundiuraya, sezvo wakauraya muEgipita zuro here?
29摩西因為這句話,就逃到米甸地寄居,在那裡生了兩個兒子。
29Zvino neshoko iri Mozisi wakatiza, ndokuva mutorwa munyika yeMidhiani, kwaakabereka vanakomana vaviri.
30“過了四十年,在西奈山的曠野,有一位使者,在荊棘中的火燄裡,向摩西顯現。
30Zvino makore makumi mana akati azadziswa, kwakaonekwa kwaari murenje regomo Sinai mutumwa waIshe mumurazvo wemoto wemugwenzi.
31他見了這個異象,十分驚奇;他正上前察看的時候,就有主的聲音說:
31Mozisi wakati aona, akashamisika nechionekwa ichi; zvino paaiswedera kunocherekedza, inzwi raIshe rikasvika kwaari richiti:
32‘我是你祖宗的 神,就是亞伯拉罕、以撒、雅各的 神。’摩西戰戰兢兢,不敢觀看。
32Ndini Mwari wemadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mozisi akadedera akasashinga kucherekedza.
33主對他說:‘把你腳上的鞋脫掉,因為你所站的地方是聖地。
33Zvino Ishe akati kwaari: Kurura shangu patsoka dzako, nekuti nzvimbo yaumire pairi ivhu dzvene.
34我的子民在埃及所受的痛苦,我實在看見了;他們的歎息我也聽見了,我下來是要救他們。你來,我要派你到埃及去。’
34Ndaonesesa dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, ndikanzwa kugomera kwavo, zvino ndaburuka kuzovasunungura; ikozvino uya, ndichakutuma kuEgipita.
35他們拒絕了這位摩西,說:‘誰立了你作領袖和審判官呢?’但 神藉著在荊棘中向他顯現的使者的手,派他作領袖和救贖者。
35Uyu Mozisi wavakaramba vachiti: Ndiani wakakuita mutungamiri nemutongi? ndiye Mwari waakatuma kuva mutungamiriri nemudzukunuri neruoko rwemutumwa, wakaonekwa kwaari mugwenzi.
36這人領他們出來,並且在埃及地、紅海和曠野,行奇事神蹟四十年。
36Iye akavabudisa, aita zvishamiso nezviratidzo munyika yeEgipita nemuGungwa Dzvuku, nemurenje makore makumi mana.
37以前那位對以色列人說‘ 神要從你們弟兄中間,給你們興起一位先知像我’的,就是這摩西。
37Ndiye uya Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamunzwa iye.
38那曾經在曠野的大會中,和那在西奈山上對他說話的使者同在,也與我們的祖先同在的,就是他。他領受了活的聖言,傳給我們。
38Uyu ndiye wakange ari mukereke murenje, ane mutumwa wakataura naye mugomo Sinai uye nemadzibaba edu; wakagamuchira mashoko mapenyu kuti atipe.
39我們的祖先不肯聽從他,反而把他推開,他們的心已經轉向了埃及,
39Ndiye madzibaba edu wavakange vasingadi kuteerera; asi vakamusundidzira parutivi, vakadzokera kuEgipita mumoyo yavo.
40就對亞倫說:‘給我們做一些神像,可以走在我們前頭。因為把我們從埃及地領出來的那個摩西,我們不知道他遭遇了甚麼事。’
40Vachiti kuna Aroni: Tiitire vamwari vachatitungamirira; nekuti Mozisi uyu wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvamuwira.
41在那些日子裡,他們做了一個牛犢,把祭物獻給那偶像,並且因自己手所做的而歡樂。
41Zvino vakaita mhuru mumazuva iwayo, vakauisa chibayiro kuchifananidzo, vakafara nemabasa emaoko avo.
42於是 神轉身離開,任憑他們事奉天象,正如先知書所說:‘以色列家啊,你們在曠野四十年,豈是將祭牲和祭物獻給我呢?
42Zvino Mwari akafuratira, akavakumikidza kuti vashumire hondo yekudenga, sezvakanyorwa mubhuku revaporofita, zvichinzi: Ko makauisa kwandiri here zvibairo nezvipo makore makumi mana murenje, imwi imba yaIsraeri?
43你們抬著摩洛的帳幕,和理番神的星,就是你們做來敬拜的像。所以我要把你們放逐到巴比倫那一邊去。’
43Uye makatakura tende raMoroki, nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; uye ndichakutamisirai mberi kweBhabhironi.
44“我們的祖先在曠野有作證的帳幕,就是跟摩西談話的那位指示他,依照他看見的樣式做的。
44Madzibaba edu aiva netende reuchapupu murenje, sekuraira kwaiye wakataura naMozisi kuti aiite nemufananidzo waakange aona;
45我們的祖先相繼承受了這帳幕, 神把外族人從他們面前趕走以後,他們就同約書亞把帳幕帶進所得為業的地方,直到大衛的日子。
45yakatiwo madzibaba edu aitevera aigamuchira, akaipinza pamwe naJoshua munhumbi dzevahedheni, Mwari vaakadzinga pamberi pechiso chemadzibaba edu, kusvika kumazuva aDhavhidhi;
46大衛在 神面前蒙了恩,就求為雅各的 神找個居所,
46wakawana nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuwanira Mwari waJakobho tende.
47而由所羅門為他建造殿宇。
47Asi Soromoni wakamuvakira imba.
48其實至高者並不住人手所造的,正如先知說:
48Asi Wekumusoro-soro haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, sezvinoreva muporofita achiti:
49‘主說:天是我的寶座,地是我的腳凳,你們要為我建造怎樣的殿呢?哪裡是我安息的地方呢?
49Denga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadini? ndizvo zvinoreva Ishe; kana nzvimbo yezororo rangu ndeipi?
50這一切不都是我手所造的嗎?’
50Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu izvi zvose here?
51“你們頸項剛硬、心和耳都未受割禮的人哪!你們時常抗拒聖靈,你們的祖先怎樣,你們也怎樣。
51Imwi vemitsipa mikukutu uye vasina kudzingiswa pamoyo nenzeve, imwi munogara muchipikisa Mweya Mutsvene; semadzibaba enyu saizvozvo imwi.
52有哪一個先知,你們的祖先不迫害呢?你們殺了那些預先宣告那義者要來的人,現在又把那義者出賣了,殺害了。
52Ndeupi wevaporofita madzibaba enyu wavasina kushusha? Vakaponda avo vaifanozivisa nezvekuuya kweWakarurama, iye ikozvino wamava vatengesi nevaurayi vake.
53你們領受了由天使傳達的律法,卻不遵守。”
53Imwi vakagamuchira murairo neurongwa hwevatumwa, asi mukasauchengeta.
54司提反被石頭打死眾人聽了這些話,心中非常惱怒,就向著司提反咬牙切齒。
54Zvino vanzwa zvinhu izvi vakabayiwa pamoyo yavo, vakamugedera-gedera meno.
55但司提反被聖靈充滿,定睛望著天,看見 神的榮耀,並且看見耶穌站在 神的右邊,
55Asi iye azere neMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,
56就說:“看哪!我看見天開了,人子站在 神的右邊。”
56akati: Tarirai, ndinoona matenga akazaruka, neMwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.
57眾人大聲喊叫,掩著耳朵,一齊向他衝過去,
57Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira paari nemoyo umwe;
58把他推出城外,用石頭打他。那些證人把自己的衣服,放在一個名叫掃羅的青年人腳前。
58vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe; nezvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya rainzi Sauro.
59他們用石頭打司提反的時候,他呼求說:“主耶穌啊,求你接收我的靈魂!”
59Zvino vakataka Sitefano nemabwe, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
60然後跪下來大聲喊著說:“主啊,不要把這罪歸給他們!”說了這話,就睡了。
60Zvino wakafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavaverengera chivi ichi. Zvino wakati areva izvi, akarara.