聖經新譯本

Shona

Ephesians

2

1出死入生你們因著自己的過犯和罪惡,原是死的。
1Wakakumutsai, imwiwo makanga makafa mukudarika nemuzvivi,
2那時你們在過犯和罪惡中行事為人,隨著時代的潮流,也服從空中掌權的首領,就是現今在悖逆的人身上運行的靈。
2izvo zvamaifamba mazviri kare nemutowo wenyika ino, nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera;
3我們從前也都和他們在一起,放縱肉體的私慾,隨著肉體和心意所喜好的去行;我們與別人一樣,生來都是可怒的兒女。
3vataifamba tose pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, nepachisikigo chedu isu taiva vana vekutsamwirwa sevamwewo.
4然而 神滿有憐憫,因著他愛我們的大愛,
4Asi Mwari wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,
5就在我們因過犯死了的時候,使我們與基督一同活過來,(你們得救是靠著恩典,)
5kunyange takange takafa mukudarika, wakatimutsa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha);
6又使我們在基督耶穌裡,與他一同復活,一同坐在天上,
6akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekumatenga, muna Kristu Jesu;
7為的是要在將來的世代中,顯明他在基督耶穌裡賜給我們的恩典,是多麼的豐盛。
7kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu;
8你們得救是靠著恩典,藉著信心。這不是出於自己,而是 神所賜的;
8Nekuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri, asi chipo chaMwari;
9這也不是出於行為,免得有人自誇。
9hazvibvi pamabasa, kuti kusava neunozvikudza.
10我們原是 神所作成的,是在基督耶穌裡創造的,為的是要我們行各樣的善事,就是 神預先所安排的。
10Nekuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, akagara agadzirwa naMwari kuti tifambe maari.
11在基督裡合而為一你們應當記得,你們從前按肉體來說是外族人;那些所謂在肉體上受過人手所行的割禮的人,稱你們為未受割禮的。
11Naizvozvo rangarirai kuti imwi panguva dzakapfuura, maiva vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa naivo vanonzi vekudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko;
12那時,你們是在基督以外,與以色列國無分,在帶有應許的約上是外人,在世上沒有盼望,沒有 神。
12kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwevaIsraeri, nevatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika.
13你們從前遠離的人,現今在基督耶穌裡,靠著他的血已經可以親近了。
13Asi zvino muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, munoswededzwa neropa raKristu.
14基督就是我們的和平:他使雙方合而為一,拆毀了隔在中間的牆,就是以自己的身體除掉雙方的仇恨,
14Nekuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, akaputsa mudhuri wapakati wokuparadzanisa;
15並且廢掉了律法的規條,使兩者在他裡面成為一個新人,這樣就締造了和平。
15aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga; kuti asike maari pavaviri munhu umwe mutsva, aite rugare,
16基督既然藉著十字架消滅了仇恨,就藉著十字架使雙方與 神和好,成為一體,
16uye kuti ayananise vaviri kuna Mwari, mumuviri umwe nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo;
17並且他來把和平的福音傳給你們在遠處的人,也給在近處的人。
17uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri, imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo;
18我們雙方都藉著他,在同一位聖靈裡,可以進到父面前。
18nekuti kubudikidza naye isu tose tine mapindiro neMweya mumwe kuna Baba.
19這樣看來,你們不再是外人和客旅,而是與聖徒一同作國民,是 神家裡的人了,
19Naizvozvo, zvino hamusisiri vaeni nevatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene neveimba yaMwari.
20並且建造在使徒和先知的根基上,基督耶穌自己就是奠基石,
20Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari mbiru yepakona.
21整座建築都靠著他連接配合,漸漸增長成為在主裡面的聖所。
21Maari imba yose yakabatanidzwa, ikure ive tembere tsvene muna Ishe.
22你們在他裡面也一同被建造,成為 神藉著聖靈居住的所在。
22Maari nemwiwo makavakwa pamwe, kuti muve ugaro hwaMwari kubudikidza neMweya.