聖經新譯本

Shona

Ephesians

3

1保羅把福音傳給外族人因此,我這為你們外族人的緣故,作了為基督耶穌被囚禁的保羅,為你們祈求──
1Nemhaka yeizvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu vahedheni,
2想必你們聽過 神恩惠的計劃,他為你們的緣故賜恩給我,
2kana makanzwa nezvekushandiswa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri pamusoro penyu,
3藉著啟示使我可以知道這奧祕,就像我以前在信中略略提過的。
3kuti sechakazarurwa wakandizivisa chakavanzika, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma;
4你們讀了,就可以知道我深深地明白基督的奧祕。
4naizvozvo kana muchirava iwo, munganzwisisa ruzivo rwangu muchakavanzika chaKristu;
5這奧祕在以前的世代並沒有讓世人知道,不像現在藉著聖靈啟示了聖使徒和先知那樣。
5icho pane mamwe mazera chisina kuziviswa kuvanakomana vevanhu, sezvachakanga chozarurirwa kuvaapositori vatsvene, nevaporofita neMweya;
6這奧祕就是外族人在基督耶穌裡,藉著福音可以同作後嗣,同為一體,同蒙應許。
6Kuti vahedheni vave vadyi venhaka pamwe nesu uye vemuviri umwe nevagovani vechivimbiso chake muna Kristu neevhangeri,
7我作了福音的僕役,是照著 神的恩賜;這恩賜是按著他大能的作為賜給我的。
7yandakaitwa nayo mushumiri zvichienderana nechipo chenyasha dzaMwari chakapiwa kwandiri nekubata kwesimba rake.
8我本來比聖徒中最小的還小, 神還是賜給我這恩典,要我把基督那測不透的豐富傳給外族人,
8Kwandiri ndiri muduku kumudukusa wevatsvene vose, nyasha idzi dzakapiwa, kuti ndiparidze pakati pevahedheni fuma isinganzvereki yaKristu,
9並且使眾人明白那奧祕的救世計劃是甚麼(這奧祕是歷代以來隱藏在創造萬有的 神裡面的),
9nekuita kuti vose vaone kuti kudyidzana kwakadiniko kwechakavanzika chakanga chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvose naKristu Jesu,
10為了要使天上執政的和掌權的,現在藉著教會都可以知道 神各樣的智慧。
10kuti zvino paushe nepamasimba panzvimbo dzekudenga kudenga, kuchenjera kukuru kwaMwari kuziviswe nekereke;
11這都是照著 神在我們主基督耶穌裡所成就的永恆的旨意。
11sechiga chekusingaperi chaakatema muna Kristu Jesu Ishe wedu;
12我們因信基督,就在他裡面坦然無懼,滿有把握地進到 神面前。
12maari matine kutsunga nekupinda tine chivimbo, nerutendo rwake.
13因此,我懇求你們,不要因著我為你們所受的苦難而沮喪,這原是你們的光榮。
13Naizvozvo ndinokumbira kuti murege kuora moyo pakukutambudzikirai kwangu; ndiko kurumbidzwa kwenyu.
14基督的愛多麼長闊高深因此,我在父面前屈膝,
14Nemhaka iyi ndinofugama nemabvi angu kuna Baba vaIshe wedu Jesu Kristu,
15(天上地上所有的家族都是由他命名的,)
15avo rudzi rwose rwuri kumatenga nepanyika rwunodaidzwa nezita ravo,
16求他按著他榮耀的豐盛,藉著他的靈,用大能使你們內在的人剛強起來,
16kuti vakupei zvichienderana nefuma yeushe hwavo ukuru, kuti musimbiswe nesimba neMweya wake mumunhu wemukati;
17使基督藉著你們的信,住在你們心裡,使你們既然在愛中扎根建基,
17kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo; kuti imwi mune midzi nenheyo murudo,
18就能和眾聖徒一同領悟基督的愛是多麼的長闊高深,
18muve nesimba rekunzwisisa nevatsvene vose, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika chii,
19並且知道他的愛是超過人所能理解的,使你們被充滿,得著 神的一切豐盛。
19nokuziva rudo rwaKristu, runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe nekuzara kose kwaMwari.
20願榮耀歸給 神,就是歸給那能照著運行在我們裡面的大能,充充足足地成就一切,超過我們所求所想的。
20Zvino kune une simba rekuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana kufunga maererano nesimba rinobata matiri,
21願榮耀在教會中和基督耶穌裡歸給他,直到萬代,永世無窮。阿們。
21kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.