1肢體的聯繫因此,我這為主被囚禁的勸你們:行事為人,要配得上你們所蒙的呼召,
1Naizvozvo ini musungwa waIshe ndinokukumbirisai, kuti mufambe zvakafanira kudamwa kwamakadamwa nako,
2凡事謙虛、溫柔、忍耐,用愛心彼此寬容;
2nekuzvininipisa kose nevunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo,
3以和睦聯繫,竭力持守聖靈所賜的合一。
3muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare.
4身體只有一個,聖靈只有一位,就像你們蒙召只是藉著一個盼望。
4Kune muviri mumwe noMweya mumwe, sezvamakadamwawo mutariro imwe yekudamwa kwenyu;
5主只有一位,信仰只有一個,洗禮只有一種;
5Ishe mumwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe,
6 神只有一位,就是萬有的父。他超越萬有,貫徹萬有,並且在萬有之中。
6Mwari mumwe, naBaba vavose, uri pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, nekwamuri mose.
7我們各人蒙恩,是照著基督量給我們的恩賜。
7Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu.
8所以他說:“他升上高天的時候,擄了許多俘虜,把賞賜給了人。”
8Naizvozvo unoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu.
9(“他升上”這句話是甚麼意思呢?他不是也曾降到地上嗎?
9Zvino kuti wakakwira chii, kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzepanyika?
10那降下的,就是那升到諸天之上的,為了要使他充滿萬有。)
10Uyo wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ose, kuti azadzise zvinhu zvose.
11他所賜的,有作使徒的,有作先知的,有作傳福音的,也有作牧養和教導的,
11Zvino wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi,
12為的是要裝備聖徒,去承擔聖工,建立基督的身體;
12kuitira kukwaniswa kwevatsvene pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu;
13直到我們眾人對 神的兒子都有一致的信仰和認識,可以長大成人,達到基督豐盛長成的身量;
13kudzimara tose tasvika paumwe hwerutendo nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, nepamunhu wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu;
14使我們不再作小孩子,中了人的詭計和騙人的手段,給異教之風搖撼,飄來飄去,
14kuti tisazova vachechezve, vanodzungaidzwa kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso nekunyengera kwevanhu, neusvatu hwemano ekutsauka;
15卻要在愛中過誠實的生活,在各方面長進,達到基督的身量。他是教會的頭,
15asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvose, iye musoro Kristu;
16全身靠著他,藉著每一個關節的支持,照著每部分的功用,配合聯繫起來,使身體漸漸長大,在愛中建立自己。
16kunobva kwaari muviri wose, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro anobudirira muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo.
17要穿上新人所以,我要這樣說,並且要在主裡肯定地說:你們行事為人不要再像教外人,存著虛妄的意念。
17Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni mukushaya maturo kwefungwa yavo,
18他們的心思昏昧,因為自己無知,心裡剛硬,就與 神所賜的生命隔絕了。
18vakasvibiridzwa mufungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda koukukutu hwemoyo yavo;
19他們既然麻木不仁,就任憑自己放縱情慾,貪行各樣污穢的事。
19ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwose neruchiva.
20但是你們從基督所學的,卻不是這樣。
20Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
21如果你們聽了他,在他裡面受過教導,(因為真理是在耶穌裡的,)
21kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu:
22就要除去你們那照著從前生活方式而活的舊人。這舊人是隨著迷惑人的私慾漸漸敗壞的。
22kuti murase zvinoenderana nemufambiro wenyu wekutanga, munhu wekare, unoodzwa nekuchiva kwekunyengera;
23你們要把心靈更換一新,
23uye muvandudzwe mumweya wefungwa yenyu,
24並且穿上新人。這新人是照著 神的形象,在公義和真實的聖潔裡創造的。
24uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, neutsvene hwechokwadi.
25新人的表現所以,你們要除掉謊言,各人要與鄰舍說真話,因為我們彼此是肢體。
25Naizvozvo muchirasa nhema, mutaure chokwadi umwe neumwe neumwe wake; nekuti tiri mitezo, mumwe wemumwe.
26生氣卻不要犯罪;含怒不可到日落。
26Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu;
27不可給魔鬼留地步。
27uye musapa dhiabhorosi nzvimbo.
28偷竊的,不要再偷,卻要作工,親手作正當的事,使自己可以把所得到的,分給缺乏的人。
28Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike achibata chinhu chakanaka namaoko, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.
29一句壞話也不可出口,卻要適當地說造就人的好話,使聽見的人得益處。
29Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi iro rakanakira kusimbisa zvakafanira, ripe nyasha vanzwi.
30不可讓 神的聖靈憂傷,因為你們受了他的印記,等候得贖的日子。
30Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakasimbiswa maari kusvikira pazuva redzukunuro.
31一切苛刻、惱怒、暴戾、嚷鬧、毀謗,連同一切惡毒,都應當從你們中間除掉。
31Shungu dzose, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nokutuka ngazvibviswe kwamuri neuipi hwose;
32要互相友愛,存溫柔的心,彼此饒恕,就像 神在基督裡饒恕了你們一樣。
32asi ivai nemoyo munyoro mumwe kune mumwe, muchinzwirana tsitsi, muchikangamwirana, sezvamakakangamwirwa naMwari nekuda kwaKristu.